Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvepasi Rino

Zvepasi Rino

Israel

Vana “vari kuzvarwa vakaremara avo vangadai vakaonekwa vasati vaberekwa” havachakwanisi kusungisa vezveutano vachiti “havana kuudza vabereki vavo nezveurema hwavo zvokuti vaigona kusarudza kuvaurayira mudumbu,” inodaro nzvimbo yepaIndaneti inonzi Haaretz.com. Vabereki ndivo vanokwanisa kusungisa vanhu ava kuitira kuti vabhadharwe “vawane mari yokuriritira vana vavo vakaremara kwoupenyu hwavo hwose.”

Australia

KuAustralia, pavarume nevakadzi vari kugara vose, 8 pa10 voga voga vanotanga kugara vose vasati varoorana zviri pamutemo.

Greece

Sangano Rezvoutano rokuGreece rakaratidza kuti nhamba yevanhu vakazviuraya yakawedzera ne40 muzana mumwedzi mishanu yokutanga muna 2011, kana zvichienzaniswa nevakazviuraya mumwedzi mishanu yokutanga muna 2010. Nhamba iyi yakawedzera panguva apo zvoupfumi zvakanga zvisina kugadzikana.

United States

Sangano rinonzi Natural Resources Defense Council rinoti, pasi rose zvokudya zvinoda kusvika 40 muzana zvinotambiswa. Zvinofungidzirwa kuti 7 muzana yezvirimwa muminda hazvitombokohwewi, zvokudya zvinosvika 17 muzana zvinobikwa mumaresitorendi nedzimwewo nzvimbo dzekutengesera zvokudya zvinosiyiwa zvisina kudyiwa uye mhuri dzinorasa zvokudya zvinodarika 25 muzana zvavanenge vatenga.

Madagascar

Rwaivhi rwuduku-duku rwati rwaoneka panyika nderwokuMadagascar. Runokura kusvika masendimita matatu, mamwe marwaivhi maduku-duku seaya anokwanisa kugara panzara yeminwe. Zviri kutyirwa kuti zvipuka izvi zvinogona kutsakatika nemhaka yokuparadzwa kwenzvimbo yazvinogara.