Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Vanotambura

Vanotambura

Mwari ane hanya nevanotambura here?

“Mararamiro enyu ngaave okusada mari . . . Nokuti [Mwari] akati: ‘Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.’”—VaHebheru 13:5.

ZVINOITWA NAMWARI KURATIDZA KUTI ANE HANYA

Munamati waJehovha Mwari paanoomerwa nezvinhu muupenyu, Mwari anogona kuratidza kuti ane hanya naye nenzira dzakasiyana-siyana. Imwe nzira ndeyokutsigirwa nevamwe vaKristu vaanonamata navo. * Jakobho 1:27 inoti: “Kunamata kwakachena uye kusina kusvibiswa mukuona kwaMwari wedu uye Baba vedu ndouku: kutarisira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwadzo.”

VaKristu vokutanga-tanga vaibatsira mumwe muKristu anenge atambura. Somuenzaniso, pazvakaprofitwa kuti muJudhiya maizoita nzara yakakura, vaKristu vomuguta reAndiyoki kuSiriya ‘vakatumira zvinhu zvokuyamura kuhama dzaigara muJudhiya.’ (Mabasa 11:28-30) Izvi zvakaita kuti vaKristu vavainamata navo vawane zvokurarama nazvo. Zvipo izvi zvavakapa vasingaiti zvokumanikidzwa zvakanyatsoratidza rudo rwechokwadi rwechiKristu.—1 Johani 3:18.

Vanotambura vangaita sei kuti vazviyamure?

“Ini, Jehovha, ndini Mwari wako, Iye anokudzidzisa kuti ubatsirwe.”—Isaya 48:17, 18.

MWARI ANOTIBATSIRA KUTI TIZVIBATSIRE

Mamiriyoni evanhu panyika ari kuona kuti uchenjeri huri muBhaibheri hunoshanda uye hakuna humwe hunoenzana nahwo. Zvirevo 2:6, 7 inoti: “Jehovha anopa uchenjeri; mumuromo make munobuda zivo noungwaru. Achachengetera vanhu vakarurama uchenjeri hunobatsira.” Vanhu pavanoshandisa uchenjeri ihwohwo, zvinhu zvinovafambira zvakanaka.

Somuenzaniso, vanorega kuita zvinhu zvakaipa uye zvinobudisa mari yakawanda zvakadai sokunyanya kushandisa zvinodhaka kana kuti kunwisa doro. (2 VaKorinde 7:1) Vanova vanhu vakavimbika uye vanoita zvinhu vakangwarira uye vasingaiti zvokufudzwa. Izvi zvinozoita kuti vasarasikirwa nemabasa kana kuti vave vashandi vanodiwa chaizvo. VaEfeso 4:28 inoti: “Anoba ngaachirega kubazve, asi ngaashande nesimba, . . . kuti ave nechimwe chinhu chokupa mumwe munhu anoshayiwa.”

Pane zvinoratidza here kuti kushandisa mazano eBhaibheri kunobatsira vanotambura?

“Uchenjeri hwaMwari hunoonekwa nezvibereko zvacho.”—Mateu 11:19, Bhaibheri Dzvene.

ZVINZWIRE KUBVA KUNE VAKABATSIRWA

Wilson, anogara kuGhana uye akanzi ashande kwenguva pfupi pane imwe kambani. Nguva yokuti basa richipera yakanga yasvika. Zuva rokupedzisira ari pabasa paaiva achigeza motokari yamaneja wake, Wilson akaona bhegi remari. Mumwe aiva nechinzvimbo pamusoro paWilson asi ari pasi pamaneja, akakurudzira Wilson kuti atore mari yacho. Wilson sezvo ari mumwe weZvapupu zvaJehovha akaramba kuba mari iyoyo. Akabva adzosera mari kumuridzi wayo. Panzvimbo pokuti basa richipera, Wilson akabva anzi achitoshanda zvachose uye akakwidziridzwa pabasa.

KuEurope, mumwe mudzimai anonzi Géraldine akadzingwa basa nokuti mukuru wake akanga asingafariri Zvapupu zvaJehovha. Mukuru webasa akaudzwa naamai vake kuti akanga akanganisa zvikuru. Mai vacho vakabva vati: “Kana uchida mushandi akatendeseka uye anoshanda nesimba hapana waungambowana kunze kweZvapupu zvaJehovha.” Mwana wacho akabva amboongorora kuti Zvapupu vanhu vakamboita sei achibva azodzorera Géraldine pabasa.

Mumwe mudzimai anonzi Sarah ari kurera vana ari oga kuSouth Africa. Zvinhu pazvakamuomera akaratidzwa rudo rwechokwadi nevaKristu vaanonamata navo muungano, vaimuvigira zvokudya uye vaivatakura nemotokari. Pava paya, vana vake vakati, “Tina vanamai nanababa vakawanda muungano.”

Variko vakawanda vatingataura nezvavo. Vatataura nezvavo ava vanoyeuka Zvirevo 1:33, iyo inoti: “Munhu anonditeerera achagara akachengeteka.” Chokwadi mashoko aya ndeechokwadi!

^ ndima 5 Mune dzimwe nyika, hurumende ine masangano anobatsira vanhu vanotambura. Kunyika dzisina rubatsiro urwu, hama dzomunhu ari kutambura ndidzo dzine mutoro wokutarisira hama yavo.—1 Timoti 5:3, 4, 16.