Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Kuita Bonde Vanhu Vasati Varoorana

Kuita Bonde Vanhu Vasati Varoorana

Kuita bonde vanhu vasati varoorana kwakaipa here?

“Nokuti izvi ndizvo zvinoda Mwari, . . . kuti murege ufeve.”—1 VaTesaronika 4:3.

ZVINOTAURWA NEVANHU

Dzimwe tsika dzinobvumira kuti vanhu vakuru vasina kuroorana vaite bonde chero bedzi vabvumirana. Dzimwe nyika dzinobvumira kuti vakomana nevasikana vasati varoorana varatidzirane rudo sezvinoita vakaroorana.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Kumwe kuratidzirana rudo kunoitwa nevanhu vasina kuroorana asi kuchifanira kuitwa nevakaroorana kunonzi neBhaibheri kuita “ufeve.” Mwari anoda kuti vanamati vake ‘vasaita ufeve.’ (1 VaTesaronika 4:3) Ufeve huri muboka rezvivi zvakakura zvakadai seupombwe, kuita zvemidzimu, kudhakwa, kunamata zvidhori, umhondi, uye kuba.—1 VaKorinde 6:9, 10; Zvakazarurwa 21:8.

NEI ZVICHIKOSHA KUZIVA NEZVENYAYA IYI?

Chimwe chikonzero ndechokuti Bhaibheri rinoti “Mwari achatonga zvifeve nemhombwe.” (VaHebheru 13:4) Chinonyanya kukosha ndechokuti kana tikateerera mitemo yaMwari inotaura nezvebonde, tinenge tichiratidza kuti tinoda Jehovha Mwari. (1 Johani 5:3) Anokomborera vanhu vanoteerera mirayiro yake.—Isaya 48:18.

Zvakaipa here kuti vanhu vasina kuroorana varatidzirane rudo sezvinoita vakaroorana?

“Ufeve nezvinhu zvisina kuchena zvemarudzi ose kana kukara ngazvirege kumbotaurwa nezvazvo pakati penyu.”—VaEfeso 5:3.

ZVINOTAURWA NEVANHU

Vanhu vakawanda vanoti kana pasina bonde riri kuitwa hazvina kuipa kuti vanhu vasina kuroorana varatidzirane rudo sezvinoita vakaroorana.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Bhaibheri parinotaura nezveunzenza haringogumiri pakutaura nezveufeve asiwo “kusachena” uye “kusazvibata” panyaya dzebonde. (2 VaKorinde 12:21) Zviri pachena kuti pane nzira dzakasiyana-siyana dzokuratidzirana rudo dzokuti dzikaitwa nevanhu vasina kuroorana dzinogumbura Mwari, kunyange kana pasina bonde riri kuitwa.

Panyaya yebonde Bhaibheri rinoratidza kuti murume nemukadzi vakaroorana chete ndivo vanofanira kuratidzirana rudo. Bhaibheri rinorambidzawo “kuda kurara nomumwe munhu kworuchiva.” (1 VaTesaronika 4:5) Mashoko aya anorevei? Ona zvinogona kuitika kumurume kana kuti mukadzi: Mukadzi anogona kutsidza kuti haasi kuzorara nemurume waari kudanana naye vasati varoorana. Asi ane zvaanoita pakuratidzirana rudo newaari kudanana naye. Zvavari kuita izvi zvinoratidza kuti vari kuchiva zvinhu zvisiri zvavo. Saka vanenge vaine mhosva ‘yokuda kurara nomumwe munhu kworuchiva.’ Bhaibheri rinotaura kuti makaro akadaro akaipa.—VaEfeso 5:3-5.

Ungadzivisa sei unzenza?

“Tizai ufeve.”—1 VaKorinde 6:18.

NEI ZVICHIKOSHA KUZIVA NEZVENYAYA IYI?

Bhaibheri rinoti vanhu vanoita bonde vasati varoorana vanogona kurasikirwa neukama hwavo naMwari.—VaKorose 3:5, 6.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Bhaibheri rinorayira vanhu kuti ‘vatize ufeve.’ (1 VaKorinde 6:18) Izvi zvinoreva kuti munhu anofanira kutambira kure nezvinhu zvinogona kuzoita kuti aite unzenza. (Zvirevo 22:3) Somuenzaniso, kana munhu achida kugara aine tsika dzakachena, haafaniri kushamwaridzana nevanhu vasingateereri zvinotaurwa naMwari panyaya yebonde. Bhaibheri rinonyevera kuti: “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera, asi iye anofambidzana nemapenzi zvichamuipira.”—Zvirevo 13:20.

Tikaisa mupfungwa zvinhu zvounzenza tinopedzisira tisisiri vanhu vanozvibata. (VaRoma 8:5, 6) Saka zvakakosha kuti tisateerera nziyo, tisaona mavhidhiyo, tisaverenga mabhuku, kana zvimwe zvinhu zvakarerekera kuunzenza zvinogumbura Mwari.—Pisarema 101:3.