Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHARIREYOMURINDI Nhamba 1 2021 | Nei Tichifanira Kunyengetera?

Unombonzwa here sekuti Mwari haapinduri minyengetero yako? Kana uchinzwa saizvozvo, hausi wega. Vakawanda vakanyengetera kuna Mwari vachida kubatsirwa, asi matambudziko avo haana kupera. Nyaya dziri mumagazini ino dzicharatidza kuti nei tiine chokwadi chekuti Mwari anonzwa minyengetero yedu, nei mimwe minyengetero isingapindurwi, uye kuti tingaita sei kuti minyengetero yedu ipindurwe

 

Vanhu Vanoti Kudii Nezvekunyengetera?

Munyengetero chipo chinobva kuna Mwari here kana kuti chingori chinhu chinongoitwa chisina zvachinobatsira?

Mwari Anonzwa Minyengetero Yedu Here?

Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari anotinzwa kana tikanyengetera kwaari nenzira yaanoda

Nei Mwari Asingapinduri Mimwe Minyengetero?

Bhaibheri rinotaura kuti minyengetero yakaita sei inopindurwa naMwari uye yaasingapinduri.

Ungaita Sei Kuti Minyengetero Yako Inzwiwe naMwari?

Unogona kutaura naMwari chero kwaunenge uri, chero nguva uye unogona kuzviita kunyange nechemumwoyo. Jesu akatibatsira kuziva zvekutaura patinenge tichinyengetera.

Kunyengetera Kunokubatsirei?

Munyengetero ungakubatsira sei kuti ukurire matambudziko?

Mwari Anonzwa Minyengetero Yako Here?

Bhaibheri rinotaura kuti paunonyengetera, Mwari anokunzwa uye anoda kukubatsira.