Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kunyengetera Kunokubatsirei?

Kunyengetera Kunokubatsirei?

Pamela akaenda kwachiremba paakarwara nekenza. Asi akanyengeterawo kuna Mwari achikumbira kuti amubatsire kutsungirira dambudziko rake. Kunyengetera kwakamubatsira here?

Pamela anoti, “Pandairapwa kenza, ndaitya zvisingaiti. Asi pandainyengetera kuna Jehovha Mwari, ndainzwa kudzikama uye zvaindibatsira kuti nditsungirire. Marwadzo achiripo asi munyengetero uri kundibatsira kuti ndisanyanya kuisa pfungwa paurwere hwangu. Vanhu pavanondibvunza kuti ndiri kunzwa sei, ndinovaudza kuti, ‘Ndiri kurwadziwa hangu, asi ndiri mupenyu!’”

Hatifaniri hedu kumirira kuti titange tasangana nedambudziko rakakura muupenyu kuti tizotanga kunyengetera. Tese zvedu tine zvinotinetsa, zvingava zvikuru kana zvidiki uye kazhinji tinoda kubatsirwa kuti titsungirire zvinhu izvi. Kunyengetera kunogona kutibatsira here?

Bhaibheri rinoti: “Kanda mutoro wako pana Jehovha, iye achakutsigira. Haazombobvumiri munhu akarurama kuti adonhe.” (Pisarema 55:22) Aya mashoko anonyaradza chaizvo! Saka kunyengetera kungakubatsira sei? Kana ukanyengetera kuna Mwari nenzira yaanoda, achakubatsira kuti utsungirire matambudziko ako—Ona bhokisi rakanzi “ Zvaunowana Kana Ukanyengetera.”