Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | BHAIBHERI RINOTI CHII CHINOITIKA KANA MUNHU AFA?

Bhaibheri Rinoti Chii Chinoitika Kana Munhu Afa?

Bhaibheri Rinoti Chii Chinoitika Kana Munhu Afa?

Kana tikaverenga Bhaibheri muna Genesisi tinonzwa kuti Mwari akaudza Adhamu kuti: “Ungadya miti yose yomunda kusvikira waguta. Asi usadya muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa, nokuti nezuva raunoudya chokwadi uchafa.” (Genesisi 2:16, 17) Mutemo uyu unoratidza kuti dai Adhamu akateerera Mwari, aizoramba achirarama mumunda weEdheni.

Evha akauya kuna Adhamu nemuchero wavainge varambidzwa. Pane kuti Adhamu ateerere Mwari, akabva adya muchero wacho. (Genesisi 3:1-6) Kusateerera kwaakaita ndiko kuri kukonzerawo kuti nhasi tife. Muapostora Pauro akatsanangura izvi paakati: “Chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.” (VaRoma 5:12) “Munhu mumwe chete” uyu ndiAdhamu. Saka chivi chaakaita ndechei, uye nei chakakonzera rufu?

Chivi chakaitwa naAdhamu kutyora kwaakaita mutemo waMwari nemaune. (1 Johani 3:4) Saka chivi ndicho chakakonzera rufu, sezvakanga zvaudzwa Adhamu naMwari. Kudai Adhamu akaramba achiteerera Mwari angadai asina kufa uyewo isu dai tisiri kufa. Mwari akasika vanhu kuti vararame nekusingaperi, kwete kuti vafe.

Hapana anoramba kuti rufu “rwakapararira kuvanhu vose,” sezvakataurwa neBhaibheri. Kana tafa pane chimwe chinhu chinoramba chichirarama here? Vakawanda vanoti mweya ndiwo unoramba uchirarama. Asi kutaura izvozvo kwakafanana nekuti Mwari akanyepera Adhamu. Nei? Nekuti kana paine chimwe chinhu chinoramba chichirarama kana tafa, zvinoreva kuti Mwari akanyepa paakati chivi ndicho chinokonzera rufu. Bhaibheri rinoti: ‘Hazviiti kuti Mwari areve nhema.’ (VaHebheru 6:18) Satani ndiye akareva nhema paakaudza Evha kuti: “Chokwadi hamungafi.”​—Genesisi 3:4.

Izvi zvinoita kuti pave nemubvunzo wekuti, Kana dzidziso yekuti mweya haufi iri yenhema, saka chii chinoitika kana munhu afa?

CHOKWADI CHINODZIDZISWA NEBHAIBHERI

Nyaya iri muna Genesisi inoti: “Jehovha Mwari akatanga kuumba munhu neguruva revhu akafuridzira mumhino dzake mhepo yokufema youpenyu, munhu akava mweya mupenyu.” Mashoko ekuti “mweya mupenyu” akashandurwa kubva pashoko rechiHebheru rekuti ne’phesh, * iro rinoreva “chisikwa chipenyu.”​—Genesisi 2:7.

Saka Bhaibheri rinoratidza pachena kuti munhu haana mweya usingafi asi kuti iye pachake ndiye “mweya mupenyu.” Hapana paunombowana vhesi ine mashoko ekuti “mweya haufi,” kunyange ukatsvaga sei.

Kana Bhaibheri richidzidzisa kuti mweya unofa, sei zvitendero zvakawanda zvichidzidzisa kuti mweya haufi? Zvaiitika kuIjipiti ndizvo zvinoratidza kuti sei vachidzidzisa izvozvo.

MATANGIRO AKAITA DZIDZISO YENHEMA

Mumwe munyori wezvakaitika kare wechiGiriki akararama kuma400 B.C.E. anonzi Herodotus akati, vaIjipiti “ndivo vekutanga kutsigira dzidziso yekuti mweya haufi.” VaBhabhironi vaifarirawo dzidziso iyi. Alexander, mambo weGirisi paakazokunda nyika dziri kuMiddle East muna 332 B.C.E., vazivi vechiGiriki vakanga vaita kuti dzidziso iyi ipararire, uye pasina nguva yakanga yava kuzivikanwa munzvimbo dzaitongwa neGirisi.

Hapana paunombowana vhesi ine mashoko ekuti “mweya haufi”

Makore akatanga chiKristu, kwaiva nemapoka maviri echiJudha ainge akakurumbira aidzidzisa kuti nyama ndiyo inofa asi mweya haufi. Rimwe racho raiva revaEssen, rimwe riri revaFarisi. The Jewish Encyclopedia inoti: “Dzidziso yekuti mweya haufi yakazotanga kuzivikanwa nevaJudha pavakatanga kudyidzana nevanhu vekuGirisi uye kunyanya nezvaidzidziswa naPlato.” Munyori wezvakaitika kare wechiJudha anonzi Josephus anoti dzidziso iyi yakanga isiri muMagwaro Matsvene asi kuti “yaiva dzidziso yevanhu vekuGirisi,” uye aiiona sengano dzaingotaurwa nevanhu.

Sezvo tsika dzevanhu vekuGirisi dzairamba dzichipararira, vanhu vaizviti vaKristu vakatangawo kubvuma dzidziso iyi yenhema. Mumwe munyori wezvakaitika kare anonzi Jona Lendering akati, “Dzidziso yaPlato yekuti mweya wedu wakamborarama kune imwe nzvimbo yakanaka usati wava kurarama panyika, yakagamuchirwa zviri nyore nevaKristu.” Dzidziso yenhema yekuti mweya haufi ndomatangiro ayakaita mumachechi anozviti ndeechiKristu, ichibva yatova dzidziso yavo huru.

“CHOKWADI CHICHAKUSUNUNGURAI”

Makore akatanga chiKristu muapostora Pauro akanyevera kuti: “Kutaura kwakafuridzirwa kunotaura pachena kuti munguva dzinouya vamwe vachatsauka pakutenda, vachiteerera kutaura kwakafuridzirwa kunotsausa nedzidziso dzemadhimoni.” (1 Timoti 4:1) Zvaakataura zvakanyatsoitika! Dzidziso yekuti mweya haufi ‘idzidziso yemadhimoni.’ Haimo muBhaibheri, uye yakatangwa nezvitendero zvenhema uye nevanhu vaida kudzidzisa zvemupfungwa dzavo.

Jesu akati: “Muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.” (Johani 8:32) Takakomborerwa chaizvo. Kuziva chokwadi chinodzidziswa neBhaibheri kunoita kuti tisunungurwe padzidziso dzinozvidza Mwari dziri muzvitendero zvakawanda. Uyezve chokwadi chiri muShoko raMwari chinotisunungura patsika dzinoitwa nevanhu kana munhu afa.​—Verenga bhokisi rakanzi “ Vakafa Vari Kupi?

Musiki wedu akanga asingadi kuti tingorarama makore 70 kana kuti 80 tiri panyika tobva tazoenda kudenga. Chinangwa chake chaiva chekuti tirarame nekusingaperi pano panyika, tiri vana vake vanoteerera. Izvi zvinoratidza kuti Mwari anotida, uye achazadzisa chinangwa chake. (Maraki 3:6) Munyori wepisarema akafemerwa naMwari kunyora kuti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”​—Pisarema 37:29.

 

^ ndima 9 Bhaibheri Rinoera rinoshandura shoko rekuti ne’phesh richiti “chisikwa chine upenyu,” Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi rinoti “munhu akava mupenyu” uye Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona rinoti “munhu akava mweya mupenyu.”