Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Umambo hwaMwari pahuchauya, vanhu “vachafara kwazvo norugare rukuru.”​—Pisarema 37:11

Bhaibheri Rinotii?

Bhaibheri Rinotii?

Bhaibheri rinobatsira here kuti usanyanya kuzvidya mwoyo?

Ungati kudii?

  • Ehe

  • Aiwa

  • Pamwe

Zvinotaurwa neBhaibheri

‘Kanda kuzvidya mwoyo kwako kwose pana Mwari, nokuti iye ane hanya newe.’ (1 Petro 5:7) Bhaibheri rinotisimbisa parinotiudza kuti Mwari anokwanisa kutibatsira kuti tisanyanya kuzvidya mwoyo.

Ndezvipi zvimwe zvatinodzidza muBhaibheri?

  • Kunyengetera kunoita kuti uwane “rugare rwaMwari,” zvoita kuti usanyanya kuzvidya mwoyo.​—VaFiripi 4:6, 7.

  • Uyezve, kuverenga Shoko raMwari kunokubatsira kana uine zviri kukunetsa.​—Mateu 11:28-30.

Kuzvidya mwoyo kuchazopera here?

Vamwe vanoti . . . kuzvidya mwoyo hakufi kwakapera. Asi vamwe vanoti kunopera kana munhu azoenda kudenga afa. Unofungei?

Zvinotaurwa neBhaibheri

Mwari achabvisa zvese zvinoita kuti vanhu vazvidye mwoyo. “Rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.”​—Zvakazarurwa 21:4.

Ndezvipi zvimwe zvatinodzidza muBhaibheri?