Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tenda Zvaunopiwa—Ipa Nomwoyo Wose

Tenda Zvaunopiwa—Ipa Nomwoyo Wose

Tenda Zvaunopiwa—Ipa Nomwoyo Wose

JEHOVHA, Baba vedu vokudenga vane rudo, vane hanya nomumwe nomumwe wedu. Shoko raMwari rinotivimbisa kuti ane hanya nevashumiri vake vose. (1 Pet. 5:7) Imwe nzira iyo Jehovha anoratidza nayo kuti anotida ndeyokutibatsira nenzira dzakasiyana-siyana, izvo zvinoita kuti tikwanise kumushumira takatendeka. (Isa. 48:17) Zvikuru patinosangana nematambudziko anoita kuti tiore mwoyo, Jehovha anoda kuti tishandise rubatsiro rwaanotipa. Mutemo waMosesi unoratidza chokwadi ichocho.

MuMutemo waMosesi, Jehovha akaita urongwa hworudo hwokuti ‘vanotambudzika,’ vakadai senherera, chirikadzi nemutorwa vabatsirwe. (Revh. 19:9, 10; Dheut. 14:29) Anoziva kuti vamwe vashumiri vake vangada kubatsirwa nevavanonamata navo. (Jak. 1:27) Saka, zvinoreva kuti hapana mumwe wevashumiri vake anofanira kuzeza kubatsirwa nevaya vanenge vakurudzirwa naJehovha kuti vabatsire saizvozvo. Kunyange zvakadaro, patinobvuma kubatsirwa, tinofanira kuva nemaonero akanaka.

Asiwo Shoko raMwari rinosimbisa kuti vanhu vaMwari vane mukana wokupa. Yeuka nyaya ye“chirikadzi yaishayiwa” yakaonekwa naJesu patemberi muJerusarema. (Ruka 21:1-4) Ingangodaro yaitobatsirwa neurongwa hworudo hwakanga hwaitwa naJehovha hwokuyamura chirikadzi sezvakanga zvataurwa muMutemo. Kunyange zvazvo chirikadzi iyoyo yaishayiwa, haiyeukwi somunhu akapiwa, asi somunhu akapa. Kupa kwake kunofanira kunge kwakaita kuti afare nokuti sezvakataurwa naJesu, “kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.” (Mab. 20:35) Uchifunga nezvechokwadi ichi, ungadzidzirawo sei ‘kupa’ wozofara pakupedzisira?—Ruka 6:38.

“Ndicharipa Jehovha Nechii?”

Munyori wepisarema akazvibvunza kuti, “Ndicharipa Jehovha nechii nokuda kwezvose zvaakandibatsira nazvo?” (Pis. 116:12) Zvii zvaakanga aitirwa? Jehovha akanga amutsigira panguva yo“kutambudzika neshungu.” Uyezve Jehovha akanga ‘anunura mweya wake parufu.’ Saka iyewo akanga ava kuda kuti awane chimwe chinhu ‘chaangaripa’ nacho Jehovha. Zvii zvaigona kuitwa nomunyori wepisarema? Akati: “Ndicharipa mhiko dzangu kuna Jehovha.” (Pis. 116:3, 4, 8, 10-14) Akatsunga kuita zvose zvaakanga avimbisa Jehovha uye zvose zvaaifanira kumuitira.

Iwewo unogona kuzviita. Sei? Nokuva nemararamiro anoenderana nemitemo yaMwari uye zvaanoda nguva dzose. Saka iva nechokwadi chokuti kunamata Jehovha kunoramba kuri chinhu chinokosha kupfuura zvimwe zvose muupenyu hwako uye kuti unorega mudzimu waMwari uchikutungamirira pane zvose zvaunoita. (Mup. 12:13; VaG. 5:16-18) Kutaura zvazviri, hapana paungamboripa Jehovha zvakazara nokuda kwezvose zvaakakuitira. Asi ‘unofadza mwoyo waJehovha’ paanoona kuti uri kuzvipira nomwoyo wose kuita basa rake. (Zvir. 27:11) Iropafadzo chaiyo kufadza Jehovha nenzira iyi!

Batsirawo Kuti Ungano Ifare

Hapana mubvunzo kuti wakabatsirwa neungano yechiKristu munzira dzakawanda. Jehovha anotipa zvokudya zvokunamata zvakawanda achishandisa ungano. Wakagamuchira chokwadi chakakusunungura pakunamata kwenhema uye chakakubudisa murima rezvokunamata. (Joh. 8:32) Pamisangano yeungano nemagungano anorongwa no“muranda akatendeka, akangwara,” wakawana zivo ichaita kuti uwane upenyu husingaperi pasi pano muparadhiso musina marwadzo nokutambura. (Mat. 24:45-47) Ungazviverenga here zvikomborero zvose zvawakawana, nezvauchawana muungano yaMwari? Ungaripa ungano yacho nechii?

Muapostora Pauro akanyora kuti: “Muviri wose uchinyatsobatanidzwa pamwe chete uye uchiitwa kuti ushandire pamwe chete pachishandiswa mapfundo ose anopa zvinodiwa, maererano nokushanda kwenhengo imwe neimwe mumwero wakakodzera, unoita kuti muviri ukure kuti uzvivake murudo.” (VaEf. 4:15, 16) Kunyange zvazvo rugwaro urwu ruchinyanya kureva boka revaKristu vakazodzwa, pfungwa yacho inoshandawo kuvaKristu vose mazuva ano. Chokwadi, mumwe nomumwe ari muungano anogona kubatsira kuti ungano ifare uye ikure. Sei?

Tinogona kuita izvi kana tikaedza kugara tichikurudzira vamwe uye kuvavaka pane zvokunamata. (VaR. 14:19) Tinogonawo kubatsira “kuti muviri ukure” nokuva nechibereko chomudzimu waMwari pane zvose zvatinoitira vatinonamata navo. (VaG. 5:22, 23) Uyezve, tinogona kutsvaka mikana ‘yokuitira vose zvakanaka, asi kunyanya vaya vane ukama nesu mukutenda.’ (VaG. 6:10; VaH. 13:16) Munhu wose ari muungano, hama nehanzvadzi, vakuru nevaduku, vanogonawo ‘kuvaka muviri murudo.’

Uyezve, tinogona kushandisa zvipo zvedu, simba redu, uye zvinhu zvedu kuti tiitewo basa rokuponesa upenyu riri kuitwa neungano. Jesu Kristu akati, “Makagamuchira pachena.” Saka isuwo todini? Akati, “Ipai pachena.” (Mat. 10:8) Naizvozvo, ita zvizere basa rokuparidza Umambo nerokuita kuti vanhu vave vadzidzi. (Mat. 24:14; 28:19, 20) Pane zvimwe here zvinokutadzisa kuita basa iri? Yeuka chirikadzi yaishayiwa yakarondedzerwa naJesu. Yakapa zvishomanana chaizvo. Asi Jesu akati yakapa kupfuura vamwe vose. Yakapa zvose zvayaikwanisa zvichienderana nemamiriro ayo ezvinhu.—2 VaK. 8:1-5, 12.

Iva Nemaonero Akanaka Pakugamuchira

Zvisinei, dzimwe nguva unganzwa uchida kutsigirwa nevamwe vari muungano. Usambozeza kukumbira kubatsirwa neungano paunenge uchinetswa nenhamo dzinounzwa nenyika ino. Jehovha akaita kuti pave nevarume vanokwanisa uye vane hanya kuti va“fudze ungano,” kureva kuti vakubatsire paunenge uchiedzwa uye uine matambudziko. (Mab. 20:28) Vakuru nevamwe vari muungano vanoda kukunyaradza, kukutsigira, uye kukudzivirira panguva dzakaoma.—VaG. 6:2; 1 VaT. 5:14.

Zvisinei, iva nechokwadi chokuti paunokumbira kubatsirwa, kumbira uine maonero akanaka. Nguva dzose tenda rubatsiro rwaunopiwa. Ona rubatsiro rwakadaro rwaunopiwa nevaunonamata navo sokuratidzwa kwauri kuitwa mutsa usina kukodzera naMwari. (1 Pet. 4:10) Nei izvozvo zvichikosha? Nokuti hatidi kuita zvinoitwa nevakawanda munyika, zvokugamuchira vasingaongi.

Usapfuura Mwero Uye Nzwisisa

Mutsamba yaakanyorera ungano yeFiripi, Pauro akanyora nezvaTimoti achiti: “Handina mumwezve ane kufunga kwakafanana nokwake achatarisira zvinhu zvine chokuita nemi nomwoyo wose.” Zvisinei, akazowedzera kuti: “Vamwe vose vari kuzvitsvakira zvavanoda, kwete zviya zvaKristu Jesu.” (VaF. 2:20, 21) Tichifungisisa zvakataurwa naPauro, mazuva ano tingaita sei kuti tisanyanya kungofunga ‘zvatinoda’ chete?

Patinenge tichida kuti vamwe vari muungano vatibatsire pamatambudziko edu, tinotofanira kuita zvokuvakumbira, kwete kuitora sekodzero yedu yokuti vatiitire izvozvo. Nemhaka yei? Chimbofunga izvi: Hapana mubvunzo kuti kana hama ikatibatsira padambudziko rinenge rangoerekana ratiwira, tinoitenda chaizvo. Asi tingatoita zvokuiudza kuti itibatsire here? Aiwa. Saizvozvowo, kunyange zvazvo hama dzedu dzichigara dzichifarira kutibatsira, tinofanira kuva nemwero uye kuratidzawo kuti tinonzwisisa pauwandu hwenguva yavanopedzera pakutibatsira. Pakuti tinoda kuti zvose zvatinoitirwa nehama dzedu dzichitibatsira patinenge taomerwa, dzizviite nechido.

Hapana mubvunzo kuti hama dzako nehanzvadzi dzechiKristu dzichagara dzichida kukubatsira. Kunyange zvakadaro, dzimwe nguva hadzizokwanisi kukubatsira pose paunenge uchida rubatsiro. Kana zvikadaro, iva nechokwadi chokuti Jehovha achakutsigira pamiedzo yose yaunotarisana nayo, sezvaakaita munyori wepisarema.—Pis. 116:1, 2; VaF. 4:10-13.

Saka, usazeza kugamuchira zvose zvaunopiwa naJehovha, kunyanya panguva dzenhamo nematambudziko. (Pis. 55:22) Ndizvo zvaanoda kuti uite. Asiwo anoda kuti uve “munhu anopa achifara.” Naizvozvo ‘sarudza mumwoyo mako’ kupa zvose zvaunokwanisa kuti utsigire kunamata kwechokwadi. (2 VaK. 9:6, 7) Kana ukadaro, uchakwanisa kuita zvose, kutenda zvaunopiwa uye kupa nomwoyo wose.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 31]

“Ndicharipa Jehovha nechii nokuda kwezvose zvaakandibatsira nazvo?”—Pis. 116:12

▪ Tsvaka mikana ‘yokuitira vose zvakanaka’

▪ Kurudzira uye tsigira vamwe pakunamata

▪ Ita basa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi nepaunogona napo