Tsamba kuvaGaratiya 6:1-18

  • Takuriranai zvinorema (1-10)

    • Unokohwa zvaunodyara (7, 8)

  • Kuchecheudzwa hakuna zvakunobatsira (11-16)

    • Chisikwa chitsva (15)

  • Mhedziso (17, 18)

6  Hama, kunyange kana mumwe munhu ava kurasika asingazivi, imi vakasimba pamweya edzai kururamisa munhu akadaro neunyoro.+ Asi zvichenjererei,+ nekuti nemiwo munogona kupinda pamuedzo.+  Rambai muchitakurirana zvinorema+ kuti muzadzise mutemo waKristu.+  Nekuti kana munhu achifunga kuti anokosha asi pasina zvaari,+ ari kuzvinyepera.  Asi munhu mumwe nemumwe ngaaongorore zvaanoita,+ uye achabva afara nazvo iye pachake, asingazvienzanisi nemumwe munhu.+  Nekuti mumwe nemumwe achatakura mutoro wake.+  Zvakare, munhu wese ari kudzidziswa shoko ngaapewo uya ari kumudzidzisa zvinhu zvese zvakanaka.+  Musatsauswa: Mwari haasi wekuseka. Nekuti zvinodyarwa nemunhu, ndizvo zvaachakohwa;+  nekuti anodyara achiitira nyama yake achakohwa kuora kunobva panyama yake, asi anodyara achiitira mweya achakohwa upenyu husingaperi hunobva pamweya.+  Saka ngatisarega kuita zvakanaka, nekuti panguva yakakodzera tichakohwa kana tisinganeti.*+ 10  Saka pese patinenge tiine mukana wacho,* ngatiitirei vese zvakanaka, kunyanya vaya vane ukama nesu mukutenda. 11  Ndini ndakunyorerai tsamba ino neruoko rwangu pachangu uye onai kukura kwakaita mabhii acho. 12  Vese vaya vanoda kuonekwa sevakanaka* ndivo vanoedza kukumanikidzai kuti muchecheudzwe, vachingozviitira kuti vasatambudzwe pamusana pedanda rekutambudzirwa* raKristu. 13  Nekuti kunyange vacho vari kuchecheudzwa havachengeti Mutemo,+ asi vanoda kuti imi muchecheudzwe kuti vazozvirumbidza nezvinenge zvaitwa panyama yenyu. 14  Asi ini dai ndikasazvirumbidza, kunze kwekuzvirumbidza pamusoro pedanda rekutambudzirwa* raShe wedu Jesu Kristu,+ uyo akaita kuti nyika ife kwandiri uye kuti ini ndife pakuona kwenyika. 15  Nekuti kuchecheudzwa kana kusachecheudzwa hakukoshi,+ asi chisikwa chitsva ndicho chinokosha.+ 16  Kana vari vese vaya vanofamba zvakanaka maererano nemurayiro uyu, rugare nengoni ngazvive pavari, pana Israeri waMwari.+ 17  Kubva iye zvino ngaparege kuva nemunhu anondinetsa, nekuti ndine mavanga ekuva muranda waJesu pamuviri wangu.+ 18  Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu ngadzishande pamafungiro enyu hama. Ameni.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “tisingadzokeri shure.”
Kana kuti “nguva yacho.”
Kana kuti “vanoda kunzi vakanaka panyama.”