Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kushumira Mwari Tisingadembi

Kushumira Mwari Tisingadembi

“Ndichikanganwa zvinhu zviri shure, uye ndichisveerera zvinhu zviri mberi.”—VAF. 3:13.

1-3. (a) Kudemba kuita sei, uye kunogona kutikanganisa sei? (b) Tingadzidzei pana Pauro panyaya yokushumira Mwari tisingadembi?

MUMWE mudetembi akanyora kuti: “Pamashoko ose anotaurwa kana anonyorwa, anonyanya kusuruvarisa ndeaya: ‘Dai ndakaita chakati!’” Mudetembi wacho aiva J. G. Whittier, uye aitaura nezvezvinhu zvatinodemba, zvatinoti dai taigona kuchinja. “Kudemba” kurwadziwa mumwoyo uye mupfungwa, pamusana pechinhu chatakaita kana chatisina kuita, uye kunogona kureva “kuchemazve.” Tose tine zvatakaita zvatinongoti kudai taigona kuzvichinja. Iwe ndezvipi zvaunodemba?

2 Vamwe vakaita zvikanganiso zvinorwadza muupenyu kana kuti vakatoita zvivi zvakakura. Vamwe havana kuita zvakaipa zvakadaro, asi vanonetseka kuti zvavakasarudza muupenyu zvainge zvakanyanya kunaka here. Vamwe vakakwanisa kusiyana nezvakaitika kare ndokuenderera noupenyu. Vamwe vanongogara vachizvinetsa nokuti “dai ndakaziva.” (Pis. 51:3) Iwe uri muchikwata chipi? Unoda here kushumira Mwari usina chaunodemba, kunyanya kubva iye zvino zvichienda mberi? Pane here muenzaniso womumwe munhu ungatibatsira kuti tidaro? Chokwadi uripo, womuapostora Pauro.

3 Muupenyu hwake, Pauro akaita zvikanganiso zvakakura uye zvisarudzo zvairatidza kuchenjera. Aidemba chaizvo zvaainge aita, asi akadzidzawo kuita kuti abudirire muupenyu achishumira Mwari akatendeka. Ngationei kuti muenzaniso wake ungatidzidzisei nezvekushumira Mwari tisingadembi.

ZVINHU ZVAKAITWA NAPAURO ZVAAIDEMBA

4. Pauro aidemba chii chaainge aita asati ava muKristu?

4 SoMufarisi wechiduku, Pauro akaita zvinhu zvaakazodemba. Somuenzaniso, akashingaira chaizvo kutambudza zvakanyanyisa vadzidzi vaKristu. Nhoroondo yeBhaibheri inotaura kuti Stefani achangobva kupondwa,  “Sauro [akazonzi Pauro] akatanga kutambudza ungano. Achipinda nechisimba muimba imwe neimwe uye, achizvuzvurudza varume nevakadzi, aivaisa kujeri.” (Mab. 8:3) Muzvinadzidzo Albert Barnes akataura kuti shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kutambudza” “ishoko rakasimba, rinoratidza kushingaira uye hasha dzairatidzwa [naSauro] paaivatambudza.” Saka, Barnes akati, “Sauro aitambudza kereke sechikara chinorura.” SomuJudha ainge akazvipira, Sauro aifunga kuti ainge apiwa basa naMwari rokuparadza chiKristu. Saka aivhima vaKristu noutsinye husingaiti, aine “shungu dzokutyisidzira nokuponda . . . varume nevakadzi,” achiedza kuvaparadza.—Mab. 9:1, 2; 22:4. *

5. Tsanangura kuti Sauro akarega sei kutambudza vateveri vaJesu ndokutanga kuparidza nezvaKristu.

5 Sauro aiva nechinangwa chokuenda kuDhamasiko, otora nechisimba vadzidzi vaJesu mudzimba dzavo, ovazvuzvurudza achienda navo kuJerusarema kuti vanorangwa neSanihedrini. Asi akakundikana nokuti aipikisana noMusoro weungano yechiKristu. (VaEf. 5:23) Paaiva munzira achienda kuDhamasiko, Jesu akasangana naye uye Sauro akapofumadzwa nechiedza chakabva kudenga. Jesu akabva audza Sauro kuti apinde muDhamasiko maaizoudzwa zvimwe zvokuita. Tinoziva zvose zvakazoitika.—Mab. 9:3-22.

6, 7. Chii chinoratidza kuti Pauro ainyatsoziva zvaainge amboita zvaisafadza?

6 Pauro akachinja mararamiro ake paakangova muKristu. Panzvimbo pokuva muvengi wechiKristu, akatanga kuchitsigira zvakasimba. Kunyange zvakadaro, akazonyora kuti: “Imi makanzwa nezvomufambiro wangu wekare muchiJudha, kuti ndakaramba ndichitambudza ungano yaMwari zvakanyanya uye ndichiiparadza.” (VaG. 1:13) Akazonyorazve zvinhu zvaaidemba mutsamba dzaienda kuvaKristu vokuKorinde, vokuFiripi, uye kuna Timoti. (Verenga 1 VaKorinde 15:9; VaF. 3:6; 1 Tim. 1:13) Pauro aisadada nokunyora zvinhu zvakadaro, asi haanawo kuedza kuita sokuti zvainge zvisina kumboitika. Ainyatsoziva kuti ainge aita zvikanganiso zvakakura.—Mab. 26:9-11.

7 Muongorori weBhaibheri anonzi Frederic W. Farrar akataura zvakaitwa naSauro “pabasa risingafadzi rokutambudza vamwe.” Farrar akawedzera kuti patinoongorora nguva iyi isingafadzi youpenyu hwaPauro ndipo ‘patinoona kuti aizvidemba sei, uye kuti aizvidzwa sei nevavengi.’ Zvichida dzimwe nguva hama dzaaisangana nadzo kekutanga muungano dzakasiyana-siyana dzaaishanyira dzaimuti, ‘Saka ndimi Pauro, ndimi maimbotitambudza!’—Mab. 9:21.

8. Pauro ainzwa sei nezvengoni norudo zvaakaratidzwa naJehovha naJesu, uye izvozvo zvinotidzidzisei?

8 Zvisinei, Pauro aiziva kuti waiva mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari wakaita kuti akwanise kuita ushumiri hwake. Anotaura zvine chokuita nengoni dzaMwari kanopfuura ka90 mutsamba dzake 14, uye hapana mumwe munyori weBhaibheri anotaura nezvadzo kumupfuura. (Verenga 1 VaKorinde 15:10.) Pauro aionga chaizvo ngoni dzaainge aiitirwa, uye aida kuva nechokwadi chokuti akanga asina kuratidzirwa mutsa naMwari pasina. Saka ‘akashanda kupfuura’ vamwe vaapostora vose. Zvakaitika kuna Pauro zvinonyatsoratidza kuti kana tikareurura zvivi zvedu, tikachinja mararamiro edu, Jehovha anoda chaizvo kudzima kunyange zvivi zvakakura achishandisa chibayiro chorudzikinuro chaJesu. Ichi chidzidzo chakanaka chaizvo kuna vose  vanoona zvakaoma kubvuma kuti chibayiro chaKristu chinogona kuvabatsira ivo pachavo! (Verenga 1 Timoti 1:15, 16.) Kunyange zvazvo Pauro aimbova munhu akaoma musoro aitambudza Kristu, iye akanyora kuti: “Mwanakomana waMwari . . . akandida akazvipa nokuda kwangu.” (VaG. 2:20; Mab. 9:5) Chokwadi, Pauro akadzidza nzira yokushumira Mwari asingawedzeri zvinhu zvaaizodemba. Wakadzidzawo izvozvo here?

Pauro akadzidza kushumira Mwari asingadembi

UNE ZVAUNODEMBA HERE?

9, 10. (a) Nei vamwe vanhu vaJehovha vachidemba? (b) Sei kungoramba uchinetseka nezvakaitika kare kusina kunaka?

9 Pane zvawakaita zvaunodemba iye zvino here? Wakambotambisa simba uye nguva uchiita zvinhu zvisingabatsiri here? Pane zvawakaita zvakakanganisa vamwe here? Zvichida unodemba nemhaka yechimwewo chikonzero. Mubvunzo ndewokuti, Ungaitei?

10 Vakawanda vanonetseka! Munhu anoramba achinetseka anozvitambudza, uye anozvishungurudza. Izvi zvinoita kuti azvidye mwoyo zvakanyanya. Kunetseka kunogadzirisa matambudziko here? Kana rimwe chete! Kunetseka kwakafanana nokuchovha bhasikoro risina mavhiri nesimba rako rose uri panzvimbo imwe chete kwemaawa akawanda! Panzvimbo pokunetseka, kuita zvimwe zvinhu kungakubatsira. Unogona kukumbira ruregerero munhu wawakakanganisira, zvichida moyanana. Unogona kudzivisa zvakamboita kuti ukanganise, zvoita kuti usazopinda mune mamwe matambudziko. Pamwe pacho unotongofanira kurarama nezvawakaita. Asi kunetseka kunongopedza munhu simba kwomutadzisa kunyatsoshumira Mwari. Uye hakuna chakunobatsira!

11. (a) Tingaitei kuti Jehovha atinzwire ngoni uye atiitire mutsa worudo? (b) Mwari anoti tinofanira kuitei kuti tive norugare rwepfungwa kana tiine zvatakatadza?

11 Vamwe vanorega zvavakakanganisa  zvichivakunda zvokuti vanonzwa vasingakoshi kuna Mwari. Vangafunga kuti Mwari haagoni kuvanzwira ngoni, nemhosva yokuti vakatsauka zvakanyanyisa kana kuti kakawanda. Asi chokwadi ndechokuti, pasinei nezvavakaita, vanogona kupfidza, vochinja, vokumbira kuti vakanganwirwe. (Mab. 3:19) Jehovha anogona kuvanzwira ngoni uye kuvaratidza mutsa worudo, sezvaakaita kune vakawanda. Jehovha achaitira mutsa munhu anozvininipisa uye akatendeseka, ogamuchira kupfidza kwake kunobva pamwoyo. Mwari akaita izvozvo kuna Jobho, uyo akati: “Ndiri kuzvidemba, ndapfidza ndiri muguruva nemadota.” (Job. 42:6) Tose zvedu tinofanira kuita zvinonzi naMwari ndizvo zvinotipa rugare rwepfungwa: “Munhu anofukidza kudarika kwake haazobudiriri, asi anoreurura nokuzvisiya achanzwirwa ngoni.” (Zvir. 28:13; Jak. 5:14-16) Saka tinogona kureurura kuna Mwari, tonyengetera tichikumbira kuti atikanganwire, uye totora matanho okugadzirisa zvatakakanganisa. (2 VaK. 7:10, 11) Kana tikaita izvi, tichanzwirwa ngoni naIye ‘anokanganwira zvikuru.’—Isa. 55:7.

12. (a) Zvakaitika kuna Dhavhidhi zvinotidzidzisa kuti tinofanira kuitei kana tiine hana ine mhosva? (b) Jehovha akademba pakudii, uye kuziva izvozvo kunotibatsira sei? (Ona bhokisi.)

12 Munyengetero une simba; une zvaunoita kuna Mwari. Dhavhidhi akadurura mwoyo achinyengetera zvairatidza kutenda uye izvozvo zvakachengetwa muMapisarema. (Verenga Pisarema 32:1-5.) Sokubvuma kwakaita Dhavhidhi, kuedza kuvhara mhosva yaaipiwa nehana yake kwakamupedza simba! Zviri pachena kuti kutadza kureurura kwakaita kuti atambure mupfungwa uye arware, zvikamushayisa mufaro. Chii chakaita kuti Dhavhidhi aregererwe uye anzwe zviri nani? Akareurura kuna Mwari. Jehovha akapindura minyengetero yaDhavhidhi akamusimbisa kuti aenderere mberi noupenyu uye kuita zvinhu zvinobatsira. Kana ukanyengeterawo zvichibva mumwoyo, unogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha achanyatsoteerera kuteterera kwako. Kana zvawakakanganisa zvichikutambudza, zvigadzirise kusvika paunogona uye wobvuma kuti Jehovha akukanganwira!—Pis. 86:5.

TARIRA MBERI

13, 14. (a) Chii chatinofanira kunyanya kufunga nezvacho iye zvino? (b) Mibvunzo ipi ingaita kuti tiongorore upenyu hwedu iye zvino?

13 Zvinonzi tinogona kunzwisisa zvakaita upenyu nokutarira shure asi tinofanira kuhurarama nokutarira mberi. Saka pane kunetseka nezvakaitika kare, tinofanira kufunga zvatiri kuita iye zvino uye zvatichaita mune ramangwana. Iye zvino tiri kuitei, kana kuti tiri kukundikana kuitei, zvokuti papfuura makore tinozoti, dai tisina kuzviita kana kuti dai takazviita nenzira yakasiyana? Tiri  kuramba takatendeka here zvokuti hatizodembi mune ramangwana?

14 Kutambudzika kukuru zvakunoswedera, hatidi kuzonetseka nepfungwa dzakadai seidzi: ‘Ndingadai ndakaita zvakawanda here pakushumira Mwari? Chii chakanditadzisa kupayona pandaiva nomukana wacho? Chii chakanditadzisa kuvavarira kuva mushumiri anoshumira? Ndakashanda nesimba here kuti ndive neunhu hutsva? Ndiri munhu uyo Jehovha anoda munyika yake itsva here?’ Pane kungonetseka nemibvunzo iyoyo inotokonya pfungwa, tinoda kuishandisa kuzviongorora tova nechokwadi chokuti tiri kushumira Jehovha sezvatinogona. Tikasadaro tingava tichingorarama nenzira ingaita kuti tizodemba zvakanyanya.—2 Tim. 2:15.

USAMBODEMBA KUTI WAKASARUDZA KUITA BASA DZVENE

15, 16. (a) Vakawanda vakasiya chii kuti vaise basa raMwari pokutanga muupenyu hwavo? (b) Nei tisingafaniri kudemba chero zvatakasiya kuti tiise Umambo pokutanga?

15 Zvakadini nemi vaya vakasiya zvimwe zvinhu kuti mushumire Jehovha munguva yakazara? Zvichida makasiya basa rakanaka kana bhizimisi raibudirira kuti muve noupenyu husina twakawanda-wanda mukawedzera nguva yokuita basa roUmambo. Kana kuti zvichida hamuna kuroora kana kuroorwa, kana kuti makasarudza kusava nevana kuti mukwanise kuita basa renguva yakazara, rakadai sebasa repaBheteri, rokuvaka munyika dzakawanda, redunhu, kana kuti roumishinari. Zvamava kukwegura muri mubasa raJehovha, munofanira kudemba here nezvamakasarudza? Munofanira here kufunga kuti zvamakasarudza zvainge zvisina kukodzera kana kuti makazviita panguva isiriyo? Kana!

16 Makasarudza kuita izvozvo nokuti maida chaizvo Jehovha uye maiva nechido chikuru chokubatsira vamwe vaida kumushumira. Hamufaniri kufunga kuti mungadai makava noupenyu huri nani kudai makararama nenzira yakasiyana. Munogona kunyatsogutsikana nokuziva kuti makaita zvamaiziva kuti ndizvo zvainge zvakakodzera kuti muite. Munogona kufara kuti makaita zvamaikwanisa pakushumira Jehovha. Haazokanganwi kurega kwamakaita zvimwe zvinhu muupenyu. Muupenyu chaihwo huchauya, achakupai makomborero ari nani kupfuura amungafungidzira iye zvino!—Pis. 145:16; 1 Tim. 6:19.

KUSHUMIRA KWATINGAITA MWARI TISINGADEMBI

17, 18. (a) Chii chakabatsira Pauro kushumira Mwari asingadembi? (b) Watsidza kuitei pane zvakaitika kare, zvauri kuita iye zvino, uye kushumira kwauchaita Jehovha mune ramangwana?

17 Pauro akadzidza chii chakamubatsira kushumira Mwari asingadembi zvakawanda? Maererano neBhaibheri Rinoera, Pauro akanyora kuti: “Chandinoita ndechokukanganwa zvandakaita shure, ndichivavarira zvinhu zviri mberi chete. Saka ini ndinomhanyira kuchinangwa.” (Verenga VaFiripi 3:13, 14.) Pauro haana kuramba achifunga mararamiro ake akaipa omuchiJudha. Asi akashanda nesimba rose kuti azowana mubayiro waiva mberi woupenyu husingaperi.

18 Tose zvedu tinogona kushandisa chidzidzo chiri mumashoko aPauro. Pane kungonetseka nezvakaitika kare, zvatisingagoni kuchinja, tinofanira kuvavarira kuwana zviri mberi. Tingasakwanisa kukanganwa zvachose zvatakakanganisa, asi hatifaniri kugara tichingozvishora pamusana pazvo. Tinofanira kuvavarira kusiyana nezvakaitika kare, toita zvose zvatinogona pakushumira Mwari iye zvino, uye totarira mberi kune ramangwana rakazonaka!

^ ndima 4 Kutaurwa kwevakadzi kakawanda zvichinzi vaitambudzwawo naSauro kunoratidza kuti vaiva nezvakawanda zvavaiita pabasa rokuparadzira chiKristu munguva iyoyo, sezvavari kungoitawo mazuva ano.—Pis. 68:11.