Dheuteronomi 32:1-52

  • Rwiyo rwaMozisi (1-47)

    • Jehovha, Dombo (4)

    • Israeri anokanganwa Dombo rake (18)

    • “Kutsiva ndekwangu” (35)

    • “Farai, imi marudzi, nevanhu vake” (43)

  • Mozisi achafira muGomo reNebho (48-52)

32  “Teerera, iwe denga, uye ini ndichataura,Uye nyika ngainzwe mashoko emuromo wangu.   Mirayiridzo yangu ichanaya semvura;Mashoko angu achadonha zvishoma nezvishoma sedova,Semvura inopfunha pauswaUye semvura zhinji pazvinhu zvinomera.   Nekuti ndichazivisa zita raJehovha.+ Taurai nezveukuru hwaMwari wedu!+   Iye iDombo, basa rake rakakwana,+Nekuti nzira dzake dzese dzakarurama.+ NdiMwari akatendeka,+ asingaiti zvisina kururama;+Iye akarurama uye akatendeseka.+   Ndivo vakaita zvakaipa.+ Havasi vana vake, imhosva yavo.+ Ivo chizvarwa chisina kururama uye chakamonyana!+   Izvi ndizvo zvamungaitira Jehovha here,+Imi mapenzi uye vanhu vakapusa?+ Haasi iye here Baba venyu vakaita kuti muveko,+Vakakusikai uye vakakusimbisai?   Yeukai mazuva ekare;Fungai nezvemakore ezvizvarwa zvakapfuura. Bvunza baba vako, uye vachakuudza;+Bvunza vakuru vako, uye vachakuzivisa.   Wekumusorosoro paakapa marudzi nhaka yawo,+Paakaparadzanisa vanakomana vaAdhamu,*+Akaisa muganhu wemarudzi+Zvichienderana nekuwanda kwevanakomana vaIsraeri.+   Nekuti vanhu vaJehovha ndivo mugove wake;+Jakobho ndiye nhaka yake.+ 10  Akamuwana munyika yakaita renje+Uye mugwenga risina chinhu, rinorira mhuka dzesango.+ Akamukomberedza achimudzivirira, akamuchengeta,+Uye akamuchengetedza semboni yeziso rake.+ 11  Segondo rinobhabhama mapapiro aro padendere raro,Rinobhururuka pamusoro pemanyana aro,Richitambanudza mapapiro aro, roatora,Richiatakura pamapapiro aro,+ 12  Jehovha ega ndiye akaramba achimutungamirira;*+Hapana mwari wekune imwe nyika waaiva naye.+ 13  Akamuita kuti afambe nemunzvimbo dzakakwirira dzenyika,+Zvekuti akadya zvibereko zvemunda.+ Akamugutsa neuchi hwakabva mudombo,Nemafuta akabva mudombo rakaomarara, 14  Ruomba rwemukaka wemombe uye mukaka wemakwai,Pamwe chete nemakwai akanakisisa,*Nemakondohwe ekuBhashani, nenhongo,Pamwe chete negorosi rakanakisisa;+Uye wakanwa waini yeropa remazambiringa.* 15  Jeshuruni* paakanga akora, akakava zvekuratidza kupanduka. Wakora, wasimba, uye wafuta.+ Saka akasiya Mwari akamusika,+Akazvidza Dombo reruponeso rwake. 16  Vakamushatirisa vachinamata vanamwari vekune dzimwe nyika;+Vaimugumbura nezvinhu zvinosemesa.+ 17  Vaibayira kumadhimoni, kwete kuna Mwari,+Kuna vanamwari vavakanga vasingazivi,Vatsva vakanga vachangouyawo,Kuna vanamwari vakanga vasingazivikanwi nemadzitateguru enyu. 18  Wakakanganwa Dombo+ rakakubereka,Uye hauna kuyeuka Mwari akakuzvara.+ 19  Jehovha paakazviona, akavaramba+Nekuti vanakomana vake nevanasikana vake vakamugumbura. 20  Saka akati, ‘Ndichavavanzira chiso changu;+Ndichaona kuti vachaita sei. Nekuti ivo chizvarwa chakatsauka,+Vanakomana vasina kutendeka.+ 21  Vakandishatirisa* vachinamata vanamwari pasina;+Vakandigumbura nezvidhori zvavo zvisina zvazvinobatsira.+ Saka ini ndichaita kuti vave negodo nevanhu pasina;+Ndichavagumbura nerudzi rune mapenzi evanhu.+ 22  Nekuti hasha dzangu dzabatidza moto+Uchapisa kusvika muGuva* makadzika,+Uye uchaparadza nyika nezvibereko zvayoUye uchaita kuti nheyo dzemakomo dzibvire. 23  Ndichawedzera matambudziko avo;Ndichapedzera miseve yangu pavari. 24  Vachaziya nenzara+Uye vachaparadzwa nefivha uye vachaparadzwa zvinorwadza.+ Ndichavatumira mazino ezvikara,+Neuturu hwezvinofamba muguruva. 25  Kunze, bakatwa richaita kuti vafirwe;+Mukati, muri kuvatyisa+Vese jaya nemhandara,Mwana mucheche neharahwa yachena musoro.+ 26  Ndingadai ndakati: “Ndichavaparadzira;Ndichaita kuti vasayeukwa zvachose pakati pevanhu,” 27  Dai kusiri kuti ndaitya zvinozoitwa nemuvengi,+Nekuti vavengi vangazozvitora nepasipo.+ Vangazoti: “Simba redu ndiro rakunda;+Haasi Jehovha akaita zvese izvi.” 28  Nekuti ivo rudzi rusingafungi,*Uye hapana kana mumwe wavo anonzwisisa.+ 29  Dai vakanga vakachenjera!+ Vaizofungisisa nezvazvo.+ Vaizofunga kuti zvichazovafambira sei.+ 30  Munhu mumwe chete angadzingirira sei vanhu 1 000,+Uye vaviri vangaita sei kuti vanhu 10 000 vatize? Hazviiti, kunze kwekunge Dombo ravo ravatengesa+Uye Jehovha avaisa mumaoko avo. 31  Nekuti dombo ravo harina kuita seDombo redu,+Kunyange vavengi vedu vava kuzvinzwisisa.+ 32  Nekuti muzambiringa wavo wakabva pamuzambiringa wekuSodhomuNekumateru eGomora.+ Mazambiringa avo mazambiringa emuchetura,Masumbu avo anovava.+ 33  Waini yavo uturu hwenyoka,Muchetura unouraya wemhungu. 34  Handina here kuzvichengeta,Mudura rangu randakanama?+ 35  Kutsiva ndekwangu, nekudzorera,+Panguva yacho chaiyo pachatsvedza tsoka dzavo,+Nekuti zuva redambudziko ravo rava pedyo,Uye matambudziko achavawira achakurumidza kuuya.’ 36  Nekuti Jehovha achatonga vanhu vake,+Uye achanzwira tsitsi vashumiri vake*+Paachaona kuti simba ravo rapera,Uye kuti kwangosara vasina zvavachagona kuita nevasina simba. 37  Achabva ati, ‘Vanamwari vavo vari kupi,+Dombo ravakapotera kwariri, 38  Vaidya mafuta ezvibayiro zvavo,*Vainwa waini yemipiro yavo yezvinwiwa?+ Ngavasimuke vakubatsirei. Ngavave nzvimbo yenyu yekupotera. 39  Chionai zvino kuti ini ndini iye,+Uye hakuna vamwe vanamwari kunze kwangu.+ Ndinouraya, uye ndinoraramisa.+ Ndinokuvadza,+ uye ndichaporesa,+Uye hapana anogona kununura kubva muruoko rwangu.+ 40  Nekuti ndinosimudza ruoko rwangu kudenga,Uye ndinoti: “Ndinopika nekurarama kwangu nekusingaperi,”+ 41  Kana ndikarodza bakatwa rangu rinopenyaUye ndikagadzirira ruoko rwangu kuti rupe mutongo,+Ndichatsiva mhandu dzangu+Uye ndichatsiva vaya vanondivenga. 42  Ndichaita kuti miseve yangu idhakwe neropa,Uye bakatwa rangu richadya nyama,Neropa revakaurayiwa nevakatapwa,Nemisoro yevatungamiriri vemuvengi.’ 43  Farai, imi marudzi, nevanhu vake,+Nekuti achatsiva ropa revashumiri vake,+Achatsiva mhandu dzake+Uye achayananisira* nyika yevanhu vake.” 44  Saka Mozisi akauya, aina Hoshea*+ mwanakomana waNuni, akataura mashoko ese erwiyo urwu vanhu vachinzwa.+ 45  Pashure pekunge Mozisi apedza kutaura mashoko ese aya kuvaIsraeri vese, 46  akati kwavari: “Isai mashoko ese andiri kukuyambirai nhasi mumwoyo menyu,+ kuitira kuti murayire vanakomana venyu kuti vanyatsoita zvese zviri kutaurwa muMutemo uyu.+ 47  Nekuti iri harisi shoko ramangotaurirwawo, asi rinokuponesai,+ uye neshoko iri munogona kurarama kwenguva refu panyika yamuri kuyambuka kunotora kumhiri kwaJodhani.” 48  Jehovha akataura naMozisi musi iwoyo, achiti: 49  “Kwira mugomo iri remuAbharimu,+ Gomo reNebho,+ riri munyika yeMoabhi, rakatarisana neJeriko, uone nyika yeKenani, yandiri kupa vaIsraeri kuti ive nhaka yavo.+ 50  Uchabva wafira mugomo rauri kukwira mariri, woiswa kwakaiswa vanhu vekwako,* sekufa kwakaita Aroni mukoma wako muGomo reHori,+ akaiswa kwakaiswa vanhu vekwake, 51  nekuti mese muri vaviri hamuna kuva vakatendeka kwandiri pakati pevaIsraeri pamvura yeMeribha+ yekuKadheshi murenje reZini, nekuti hamuna kunditsvenesa pakati pevaIsraeri.+ 52  Uchaona nyika yacho uri nechekure, asi hauzopindi munyika yandiri kupa vaIsraeri.”+

Mashoko Emuzasi

Dzimwe shanduro dzinoti, “vevanhu.”
Kureva, Jakobho.
ChiHeb., “nemafuta emakwai.”
Kana kuti “yemuto wemazambiringa.”
Kureva kuti “Akarurama; Akatendeseka,” zita rekuremekedza raIsraeri.
Kana kuti “Vakaita kuti ndive negodo.”
Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Dzimwe shanduro dzinoti, “rusingateereri mazano.”
Kana kuti “achademba pamusoro pevashumiri vake.”
Kana kuti “Vaidya zvibayiro zvavo zvakanakisisa.”
Kana kuti “achachenesa.”
Raimbova zita raJoshua. Hoshea izita rekuti Hoshaya rakapfupikiswa, iro rinoreva kuti “Akaponeswa naJah; Jah Akaponesa.”
Iri idimikira raishandiswa kureva rufu.