Dheuteronomi 32:1-52
32 “Teerera, iwe denga, uye ini ndichataura,Uye nyika ngainzwe mashoko emuromo wangu.
2 Mirayiridzo yangu ichanaya semvura;Mashoko angu achadonha zvishoma nezvishoma sedova,Semvura inopfunha pauswaUye semvura zhinji pazvinhu zvinomera.
3 Nekuti ndichazivisa zita raJehovha.+
Taurai nezveukuru hwaMwari wedu!+
4 Iye iDombo, basa rake rakakwana,+Nekuti nzira dzake dzese dzakarurama.+
NdiMwari akatendeka,+ asingaiti zvisina kururama;+Iye akarurama uye akatendeseka.+
5 Ndivo vakaita zvakaipa.+
Havasi vana vake, imhosva yavo.+
Ivo chizvarwa chisina kururama uye chakamonyana!+
6 Izvi ndizvo zvamungaitira Jehovha here,+Imi mapenzi uye vanhu vakapusa?+
Haasi iye here Baba venyu vakaita kuti muveko,+Vakakusikai uye vakakusimbisai?
7 Yeukai mazuva ekare;Fungai nezvemakore ezvizvarwa zvakapfuura.
Bvunza baba vako, uye vachakuudza;+Bvunza vakuru vako, uye vachakuzivisa.
8 Wekumusorosoro paakapa marudzi nhaka yawo,+Paakaparadzanisa vanakomana vaAdhamu,*+Akaisa muganhu wemarudzi+Zvichienderana nekuwanda kwevanakomana vaIsraeri.+
9 Nekuti vanhu vaJehovha ndivo mugove wake;+Jakobho ndiye nhaka yake.+
10 Akamuwana munyika yakaita renje+Uye mugwenga risina chinhu, rinorira mhuka dzesango.+
Akamukomberedza achimudzivirira, akamuchengeta,+Uye akamuchengetedza semboni yeziso rake.+
11 Segondo rinobhabhama mapapiro aro padendere raro,Rinobhururuka pamusoro pemanyana aro,Richitambanudza mapapiro aro, roatora,Richiatakura pamapapiro aro,+
12 Jehovha ega ndiye akaramba achimutungamirira;*+Hapana mwari wekune imwe nyika waaiva naye.+
13 Akamuita kuti afambe nemunzvimbo dzakakwirira dzenyika,+Zvekuti akadya zvibereko zvemunda.+
Akamugutsa neuchi hwakabva mudombo,Nemafuta akabva mudombo rakaomarara,
14 Ruomba rwemukaka wemombe uye mukaka wemakwai,Pamwe chete nemakwai akanakisisa,*Nemakondohwe ekuBhashani, nenhongo,Pamwe chete negorosi rakanakisisa;+Uye wakanwa waini yeropa remazambiringa.*
15 Jeshuruni* paakanga akora, akakava zvekuratidza kupanduka.
Wakora, wasimba, uye wafuta.+
Saka akasiya Mwari akamusika,+Akazvidza Dombo reruponeso rwake.
16 Vakamushatirisa vachinamata vanamwari vekune dzimwe nyika;+Vaimugumbura nezvinhu zvinosemesa.+
17 Vaibayira kumadhimoni, kwete kuna Mwari,+Kuna vanamwari vavakanga vasingazivi,Vatsva vakanga vachangouyawo,Kuna vanamwari vakanga vasingazivikanwi nemadzitateguru enyu.
18 Wakakanganwa Dombo+ rakakubereka,Uye hauna kuyeuka Mwari akakuzvara.+
19 Jehovha paakazviona, akavaramba+Nekuti vanakomana vake nevanasikana vake vakamugumbura.
20 Saka akati, ‘Ndichavavanzira chiso changu;+Ndichaona kuti vachaita sei.
Nekuti ivo chizvarwa chakatsauka,+Vanakomana vasina kutendeka.+
21 Vakandishatirisa* vachinamata vanamwari pasina;+Vakandigumbura nezvidhori zvavo zvisina zvazvinobatsira.+
Saka ini ndichaita kuti vave negodo nevanhu pasina;+Ndichavagumbura nerudzi rune mapenzi evanhu.+
22 Nekuti hasha dzangu dzabatidza moto+Uchapisa kusvika muGuva* makadzika,+Uye uchaparadza nyika nezvibereko zvayoUye uchaita kuti nheyo dzemakomo dzibvire.
23 Ndichawedzera matambudziko avo;Ndichapedzera miseve yangu pavari.
24 Vachaziya nenzara+Uye vachaparadzwa nefivha uye vachaparadzwa zvinorwadza.+
Ndichavatumira mazino ezvikara,+Neuturu hwezvinofamba muguruva.
25 Kunze, bakatwa richaita kuti vafirwe;+Mukati, muri kuvatyisa+Vese jaya nemhandara,Mwana mucheche neharahwa yachena musoro.+
26 Ndingadai ndakati: “Ndichavaparadzira;Ndichaita kuti vasayeukwa zvachose pakati pevanhu,”
27 Dai kusiri kuti ndaitya zvinozoitwa nemuvengi,+Nekuti vavengi vangazozvitora nepasipo.+
Vangazoti: “Simba redu ndiro rakunda;+Haasi Jehovha akaita zvese izvi.”
28 Nekuti ivo rudzi rusingafungi,*Uye hapana kana mumwe wavo anonzwisisa.+
29 Dai vakanga vakachenjera!+ Vaizofungisisa nezvazvo.+
Vaizofunga kuti zvichazovafambira sei.+
30 Munhu mumwe chete angadzingirira sei vanhu 1 000,+Uye vaviri vangaita sei kuti vanhu 10 000 vatize?
Hazviiti, kunze kwekunge Dombo ravo ravatengesa+Uye Jehovha avaisa mumaoko avo.
31 Nekuti dombo ravo harina kuita seDombo redu,+Kunyange vavengi vedu vava kuzvinzwisisa.+
32 Nekuti muzambiringa wavo wakabva pamuzambiringa wekuSodhomuNekumateru eGomora.+
Mazambiringa avo mazambiringa emuchetura,Masumbu avo anovava.+
33 Waini yavo uturu hwenyoka,Muchetura unouraya wemhungu.
34 Handina here kuzvichengeta,Mudura rangu randakanama?+
35 Kutsiva ndekwangu, nekudzorera,+Panguva yacho chaiyo pachatsvedza tsoka dzavo,+Nekuti zuva redambudziko ravo rava pedyo,Uye matambudziko achavawira achakurumidza kuuya.’
36 Nekuti Jehovha achatonga vanhu vake,+Uye achanzwira tsitsi vashumiri vake*+Paachaona kuti simba ravo rapera,Uye kuti kwangosara vasina zvavachagona kuita nevasina simba.
37 Achabva ati, ‘Vanamwari vavo vari kupi,+Dombo ravakapotera kwariri,
38 Vaidya mafuta ezvibayiro zvavo,*Vainwa waini yemipiro yavo yezvinwiwa?+
Ngavasimuke vakubatsirei.
Ngavave nzvimbo yenyu yekupotera.
39 Chionai zvino kuti ini ndini iye,+Uye hakuna vamwe vanamwari kunze kwangu.+
Ndinouraya, uye ndinoraramisa.+
Ndinokuvadza,+ uye ndichaporesa,+Uye hapana anogona kununura kubva muruoko rwangu.+
40 Nekuti ndinosimudza ruoko rwangu kudenga,Uye ndinoti: “Ndinopika nekurarama kwangu nekusingaperi,”+
41 Kana ndikarodza bakatwa rangu rinopenyaUye ndikagadzirira ruoko rwangu kuti rupe mutongo,+Ndichatsiva mhandu dzangu+Uye ndichatsiva vaya vanondivenga.
42 Ndichaita kuti miseve yangu idhakwe neropa,Uye bakatwa rangu richadya nyama,Neropa revakaurayiwa nevakatapwa,Nemisoro yevatungamiriri vemuvengi.’
43 Farai, imi marudzi, nevanhu vake,+Nekuti achatsiva ropa revashumiri vake,+Achatsiva mhandu dzake+Uye achayananisira* nyika yevanhu vake.”
44 Saka Mozisi akauya, aina Hoshea*+ mwanakomana waNuni, akataura mashoko ese erwiyo urwu vanhu vachinzwa.+
45 Pashure pekunge Mozisi apedza kutaura mashoko ese aya kuvaIsraeri vese,
46 akati kwavari: “Isai mashoko ese andiri kukuyambirai nhasi mumwoyo menyu,+ kuitira kuti murayire vanakomana venyu kuti vanyatsoita zvese zviri kutaurwa muMutemo uyu.+
47 Nekuti iri harisi shoko ramangotaurirwawo, asi rinokuponesai,+ uye neshoko iri munogona kurarama kwenguva refu panyika yamuri kuyambuka kunotora kumhiri kwaJodhani.”
48 Jehovha akataura naMozisi musi iwoyo, achiti:
49 “Kwira mugomo iri remuAbharimu,+ Gomo reNebho,+ riri munyika yeMoabhi, rakatarisana neJeriko, uone nyika yeKenani, yandiri kupa vaIsraeri kuti ive nhaka yavo.+
50 Uchabva wafira mugomo rauri kukwira mariri, woiswa kwakaiswa vanhu vekwako,* sekufa kwakaita Aroni mukoma wako muGomo reHori,+ akaiswa kwakaiswa vanhu vekwake,
51 nekuti mese muri vaviri hamuna kuva vakatendeka kwandiri pakati pevaIsraeri pamvura yeMeribha+ yekuKadheshi murenje reZini, nekuti hamuna kunditsvenesa pakati pevaIsraeri.+
52 Uchaona nyika yacho uri nechekure, asi hauzopindi munyika yandiri kupa vaIsraeri.”+
Mashoko Emuzasi
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “vevanhu.”
^ Kureva, Jakobho.
^ ChiHeb., “nemafuta emakwai.”
^ Kana kuti “yemuto wemazambiringa.”
^ Kureva kuti “Akarurama; Akatendeseka,” zita rekuremekedza raIsraeri.
^ Kana kuti “Vakaita kuti ndive negodo.”
^ Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “rusingateereri mazano.”
^ Kana kuti “achademba pamusoro pevashumiri vake.”
^ Kana kuti “Vaidya zvibayiro zvavo zvakanakisisa.”
^ Kana kuti “achachenesa.”
^ Raimbova zita raJoshua. Hoshea izita rekuti Hoshaya rakapfupikiswa, iro rinoreva kuti “Akaponeswa naJah; Jah Akaponesa.”
^ Iri idimikira raishandiswa kureva rufu.