Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanhu Vose Vakanaka Vanoenda Kudenga Here?

Vanhu Vose Vakanaka Vanoenda Kudenga Here?

Vanhu Vose Vakanaka Vanoenda Kudenga Here?

APEDZA kudya kekupedzisira nevaapostora vake manheru asati aurayiwa, Jesu akavavimbisa kuti aizovapa mubayiro wokuva kudenga. Akati: “Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara. Dai zvisina kudaro, ndingadai ndakuudzai, nokuti ndiri kuenda kunokugadzirirai nzvimbo.” (Johani 14:2) Nei Jesu aizovapa nzvimbo kudenga? Vaizoitei ikoko?

Jesu aida kuti vadzidzi vake vanoita basa rinokosha. Pausiku ihwohwo, akati: “Imi ndimi makaramba muneni mumiedzo yangu; uye ndinoita sungano nemi, sokuita sungano youmambo neni kwakaita Baba vangu.” (Ruka 22:28, 29) Mwari ainge avimbisa Jesu kuti aizova Mambo aizoita kuti pave nehurumende yakanaka—iri iyo iri kudiwa zvikuru nevanhu. Jesu achaita kuti vanhu vasatambura uye achaparadza vose vanovabiridzira. Kunyange zvazvo Jesu achange achitonga vanhu “kusvikira kumigumo yenyika,” achatonga ari kudenga.—Pisarema 72:4, 8; Dhanieri 7:13, 14.

Zvisinei, Jesu haasi kuzotonga ari oga. Ndosaka akavimbisa vaapostora vake nzvimbo kudenga. Ndivo vakatanga kusarudzwa ‘vachatonga semadzimambo pamusoro penyika.’—Zvakazarurwa 5:10.

Vangani vanoenda kudenga? Sezvakangoitawo hurumende dzose, vachatonga muUmambo hwaMwari hwokudenga vashoma kana vachienzaniswa nevanhu vavanotonga. Kune vaya vaachatonga navo, Jesu akati: “Musatya, imi boka duku, nokuti Baba venyu vakabvumira kukupai umambo.” (Ruka 12:32) Nhamba ye“boka duku” iri pakupedzisira ichasvika 144 000. (Zvakazarurwa 14:1) Nhamba iyi iduku zvikuru kana tichienzanisa nevanhu vachatongwa nehurumende yaMwari vachararama nokusingaperi pasi pano.—Zvakazarurwa 21:4

Saka havasi vanhu vose vachaenda kudenga. NezvaMambo Dhavhidhi akanga akanaka, muapostora Petro akataura pachena kuti: “Dhavhidhi haana kukwira kumatenga.” (Mabasa 2:34) Johani Mubhabhatidzi aiva munhu akanaka. Asi, Jesu akataura kuti akanga asiri kuzokwidziridzwa zvokuva mambo anotonga ari kudenga. Jesu akati, “Pane vakaberekwa nevakadzi hapana kumutswa mukuru kuna Johani Mubhabhatidzi; asi munhu muduku muumambo hwokumatenga mukuru kwaari.”—Mateu 11:11.

Uchawana Mubayiro Wevanhu Vakanaka Here?

Munhu anofanira kuitei kuti awane mubayiro wokurarama nokusingaperi? Jesu akati: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Ona kuti kuda kwakaita Mwari nyika kwakaita kuti awanise vanhu vose upenyu husingaperi, asi vaya ‘vanotenda’ vachawana mubayiro.

Kutenda kunofanira kubva pazivo yakarurama. (Johani 17:3) Unogona kuratidza kuti uri munhu akanaka nokudzidza zvakawanda nezvechinangwa chaJehovha pavanhu. Ratidza kuti unotenda zvaunodzidza. Uye iva nechivimbo chokuti mukana wokuti uwane upenyu husingaperi uchiripo.

[Bhokisi riri papeji 7]

Bhaibheri Rinotii?

Mubvunzo:

Chii chinoitika kuvanhu vakanaka pavanofa?

Mhinduro:

“Vakafa havana kana chavanoziva.”MUPARIDZI 9:5.

Mubvunzo:

Vanhu vakanaka vane tariro yei mune remangwana?

Mhinduro:

“Awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi rake [raJesu], vobuda.”JOHANI 5:28, 29.

Mubvunzo:

Ruzhinji rwevanhu vakanaka ruchagara kupi?

Mhinduro:

“Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”PISAREMA 37:29.