Mabasa Evaapostora 2:1-47

  • Kudururwa kwemweya mutsvene paPendekosti (1-13)

  • Kuparidza kwaPetro (14-36)

  • Vanhu vanogamuchira shoko raPetro (37-41)

    • Vanhu 3 000 vanobhabhatidzwa (41)

  • Kuwadzana kwevaKristu (42-47)

2  Pazuva reMutambo wePendekosti,+ vese vakanga vari panzvimbo imwe chete.  Kwakangoerekana kwava nekutinhira kwakaita sekwemhepo inovhuvhuta nesimba kuchibva kudenga, kukazadza imba yese yavakanga vakagara.+  Vakaona aiita semarimi emoto, rimwe nerimwe rakafanana nerurimi achipararira achigara pamusoro pemumwe nemumwe wavo,  uye vese vakazadzwa nemweya mutsvene,+ vakatanga kutaura nemitauro yakasiyana-siyana,* sekupiwa kwavaiitwa nemweya kuti vataure.+  Mazuva iwayo vaJudha vaitya Mwari vaibva kunyika dzese dziri pasi pedenga vaiva muJerusarema.+  Saka pakaitika kutinhira uku, vanhu vakawanda vakaungana uye vakashamiswa, nekuti mumwe nemumwe akavanzwa vachitaura nemutauro wake.  Vakashamisika zvechokwadi vakati: “Tarisai muone! Vese vari kutaura ava havasi vaGarireya+ here?  Saka zviri kufamba sei kuti mumwe nemumwe wedu ari kunzwa mutauro wekwaanobva?*  VaPatiya, vaMedhiya,+ nevaEramu,+ vagari vekuMesopotamiya, Judhiya neKapadhokiya, Pontasi nenharaunda yeEzhiya,+ 10  Frijiya nePamfiriya, Ijipiti nenharaunda yeRibhiya iri pedyo neKurini, vashanyi vakabva kuRoma, vaJudha nevakatendeukira kuchiJudha,+ 11  vaKrete, nevaArabhiya, tese tiri kuvanzwa vachitaura nemitauro yedu nezvezvinhu zvikuru pamusoro paMwari.” 12  Vese vakashaya neremuromo zvechokwadi uye zvakavanetsa, vachibvunzana kuti: “Zvinoreveiko izvi?” 13  Asi vamwe vaivatsvinyira vachiti: “Vakadhakwa newaini ava.” 14  Asi Petro akasimuka pamwe nevane Gumi Nemumwe,+ akataura kwavari nenzwi guru kuti: “Vanhu vemuJudhiya nemi mese vemuJerusarema, zivai izvi uye nyatsoteererai mashoko angu. 15  Vanhu ava havana kudhakwa, sezvamuri kufunga, nekuti ichiri awa yechitatu.* 16  Asi izvi ndizvo zvakataurwa pachishandiswa muprofita Joeri, zvichinzi: 17  ‘“Mumazuva ekupedzisira,” Mwari anodaro, “ndichadurura mumwe mweya wangu pavanhu vemarudzi ese, uye vanakomana venyu nevanasikana venyu vachaprofita uye majaya enyu achaona zviratidzo uye vakwegura venyu vacharota hope,+ 18  uye kunyange pavarandarume nevarandakadzi vangu ndichadurura mumwe mweya wangu mumazuva iwayo, uye vachaprofita.+ 19  Uye ndichaita zvishamiso kudenga kumusoro uye zviratidzo panyika pasi, ropa nemoto nemakore eutsi. 20  Zuva richasviba uye mwedzi uchava ropa zuva guru nerinoshamisa raJehovha* risati rasvika. 21  Uye munhu wese anodana zita raJehovha* achaponeswa.”’+ 22  “Vanhu vaIsraeri, inzwai mashoko aya: Jesu wekuNazareta, aiva munhu wamakaratidzwa pachena naMwari nemabasa esimba nezvishamiso nezviratidzo zvakaitwa naMwari achimushandisa pakati penyu,+ sezvamunonyatsoziva. 23  Murume uyu, uyo akaunzwa kwamuri maererano nekuda kwaMwari uye kuziva kwake zvichaitika,+ makamuturika padanda muchishandisa maoko evanhu vasingateereri mutemo, mukamuuraya.+ 24  Asi Mwari akamumutsa+ nekumusunungura pamarwadzo erufu,* nekuti zvakanga zvisingaiti kuti arambe akabatwa narwo.+ 25  Nekuti Dhavhidhi anoti nezvake: ‘Ndinoita kuti Jehovha* agare ari pamberi pangu, nekuti ari kuruoko rwangu rwerudyi zvekuti handizombozununguswi. 26  Saka mwoyo wangu wakapembera uye rurimi rwangu rwakafara zvikuru. Uye ndichagara ndiine* tariro; 27  nekuti hamuzondisiyi* muGuva,* uye hamuzoregi munhu wenyu akavimbika achiona kuora.+ 28  Makaita kuti ndizive nzira dzeupenyu; muchandizadza nemufaro mukuru pamberi penyu.’+ 29  “Varume, hama, zvinobvumidzwa kuti nditaure nemi ndakasununguka nezvatateguru Dhavhidhi, kuti iye akafa, akavigwa,+ uye guva rake tinaro nanhasi. 30  Sezvo aiva muprofita uye aiziva kuti Mwari akanga amupikira achiita mhiko yekuti aizogadza mumwe wevana vake pachigaro chake cheumambo,+ 31  akagara aona uye ataura nezverumuko rwaKristu, kuti haana kusiyiwa muGuva* uye nyama yake haina kuora.+ 32  Mwari akamutsa Jesu uyu, uye isu tese tiri zvapupu zvacho.+ 33  Saka adurura zvamuri kuona nekunzwa nekuti akakwidziridzwa kuruoko rwerudyi rwaMwari,+ akagamuchira mweya mutsvene waakanga avimbiswa naBaba.+ 34  Nekuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi iye pachake anoti, ‘Jehovha* akati kunaShe wangu: “Gara kuruoko rwangu rwerudyi 35  kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave sechitsiko chetsoka dzako.”’+ 36  Saka imba yese yaIsraeri ngaizive kuti chokwadi Mwari akaita kuti Jesu uyu wamakaroverera padanda+ ave Ishe+ uye Kristu.” 37  Pavakanzwa izvi, vakabayiwa mwoyo, uye vakati kuna Petro nevamwe vaapostora vese: “Varume, hama, toita sei?” 38  Petro akati kwavari: “Pfidzai+ zvivi zvenyu, uye mumwe nemumwe wenyu ngaabhabhatidzwe+ muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvivi zvenyu,+ uye muchagamuchira chipo chepachena chemweya mutsvene. 39  Nekuti ndimi makavimbiswa+ izvi pamwe nevana venyu, nevamwe vese vari kure, vese vanogona kudaidzwa naJehovha* Mwari wedu kuti vauye kwaari.”+ 40  Uye akaramba achivapupurira nemamwe mashoko akawanda, achivakurudzira, achiti: “Poneswai pachizvarwa chino chisina kururama.”+ 41  Saka vaya vakagamuchira shoko rake nemufaro vakabhabhatidzwa,+ uye musi iwoyo vanhu vangasvika 3 000 vakawedzerwa.+ 42  Uye vakaramba vachizvipira pazvinhu zvaidzidziswa nevaapostora, vachiungana pamwe chete,* nekudya pamwe chete,+ uye vachinyengetera.+ 43  Vanhu vese vakatanga kutya zvechokwadi, uye vaapostora vakatanga kuita zvishamiso nezviratidzo.+ 44  Vese vakava vatendi vaiva pamwe chete, vachishandisa zvinhu zvavo zvese pamwe chete, 45  uye vaitengesa zvinhu zvavo+ nepfuma vachigovana nevamwe vese mari yacho, maererano nezvinenge zvichidiwa nemumwe nemumwe.+ 46  Uye vainge vari patemberi zuva rimwe nerimwe nechinangwa chimwe, uye vaidya zvekudya zvavo mudzimba dzakasiyana-siyana, vachipanana zvekudya zvavo nemufaro uye nemwoyo wese, 47  vachirumbidza Mwari uye vachifarirwa nevanhu vese. Ukuwo mazuva ese Jehovha* airamba achivawedzera vaya vakanga vachiponeswa.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “nendimi dzakasiyana-siyana.”
Kana kuti “waakaberekwa achitaura.”
Kureva, kuma9:00 dzemangwanani.
Dzimwe shanduro dzinoti, “patambo dzerufu.”
ChiGir., “nyama yangu ichagara iine.”
Kana kuti “muHadhesi.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “hamuzosiyi mweya wangu.”
Kana kuti “muHadhesi.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “vachishandisa zvinhu zvavo pamwe chete.”