Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dzidza Kubva Mushoko raMwari

Jesu Kristu Ndiani?

Jesu Kristu Ndiani?

Nyaya ino inokurukura mibvunzo ingave yakakunetsa uye inokuratidza paungawana mhinduro dzacho muBhaibheri rako. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukurukura newe mhinduro dzemibvunzo iyi.

1. Jesu Kristu ndiani?

Kusiyana nevamwe vanhu vose, Jesu akamborarama kudenga sechisikwa chisingaoneki asati azvarwa pasi pano. (Johani 8:23) Pane zvose zvakasikwa naMwari ndiye aiva dangwe, uye akabatsirawo pakusika zvimwe zvinhu zvose. Ndiye chete akanyatsosikwa naJehovha mbune, ndokusaka achinzi Mwanakomana “akaberekwa ari mumwe oga” waMwari. Jesu aiva Mutauriri waMwari saka anonziwo “Shoko.”—Johani 1:1-3, 14; verenga Zvirevo 8:22, 23, 30; VaKorose 1:15, 16.

2. Jesu akauyirei pasi pano?

Mwari akatamisa upenyu hweMwanakomana wake Jesu kubva kudenga kuenda mudumbu remhandara yechiJudha yainzi Mariya. Saka Jesu akanga asina baba venyama. (Ruka 1:30-35) Jesu akauya pasi pano kuti (1) adzidzise chokwadi nezvaMwari, (2) aratidze kuti zvinodiwa naMwari zvinoitwa sei, uye (3) ape upenyu hwake husina chivi kuti huve “rudzikinuro.”—Verenga Mateu 20:28; Johani 18:37.

3. Nei tichifanira kudzikinurwa?

Rudzikinuro mubhadharo unopiwa kuti munhu asunungurwe. Kubvira pakutanga chakanga chisiri chinangwa chaMwari kuti vanhu vakwegure uye vafe. Tinozviziva sei? Mwari akaudza munhu wokutanga Adhamu kuti kana akaita chivi aizofa. Kudai Adhamu asina kutadza, angadai asina kufa. Kunyange zvazvo Adhamu akazofa papera mazana emakore, kuna Mwari akafa zuva iroro raasina kuteerera. (Genesisi 2:16, 17; 5:5) Adhamu ndiye akaita kuti vana vake vose vabatirewo chivi uye vapedzisire vafa. Saka ndiye akakonzera kuti vanhu vafe. Ndokusaka tichifanira kudzikinurwa.—Verenga VaRoma 5:12; 6:23.

4. Nei Jesu akafa?

Ndiani anogona kubhadhara rudzikinuro kuti tinunurwe parufu? Munhu paanofa anongobhadhara zvivi zvake oga. Hapana munhu ane chivi anogona kubhadhara zvivi zvevamwe.—Verenga Pisarema 49:7-9.

Kunyange Jesu asina kubatira chivi kubva kuna baba vake Josefa, akafa kuti abhadhare zvivi zvevamwe kwete nemhaka yokuti aiva nezvivi. Mwari akatumira Mwanakomana wake kuti azotifira kuratidza kutida kwakadzama kwaanoita. Jesu akaratidzawo kuti anotida nokuteerera baba vake uye kupa upenyu hwake nokuda kwezvivi zvedu.—Verenga Johani 3:16; VaRoma 5:18, 19.

5. Jesu ari kuitei iye zvino?

Kurapa kwaiita Jesu vairwara, kumutsa vakafa uye kununura vaitambura kwakaratidza zvinhu zvaachazoitira vanhu vose vanoteerera. (Ruka 18:35-42; Johani 5:28, 29) Pashure pokunge Jesu afa, Mwari akamumutsa sechisikwa chisingaoneki. (1 Petro 3:18) Jesu akabva amirira ari kurudyi rwaMwari kusvikira Jehovha amupa simba rokutonga saMambo wenyika yose. (VaHebheru 10:12, 13) Iye zvino Jesu ari kutonga saMambo kudenga uye vateveri vake vari pasi pano vari kuzivisa mashoko akanaka pasi rose.—Verenga Dhanieri 7:13, 14; Mateu 24:14.

Munguva pfupi iri kutevera Jesu achashandisa simba rake saMambo kuti agumise kutambura kwose uye honzeri dzacho. Mamiriyoni anotenda muna Jesu uye anomuteerera achanakidzwa nokurarama muparadhiso pasi pano.—Verenga Pisarema 37:9-11.