Tsamba kuvaKorose 1:1-29

  • Kwaziso (1, 2)

  • Kuonga kutenda kwevaKorose (3-8)

  • Kunyengetererwa kuti vasimbe pakunamata (9-12)

  • Basa raKristu rinokosha (13-23)

  • Kushanda nesimba kwaiita Pauro nekuda kweungano (24-29)

1  Pauro, muapostora waKristu Jesu maererano nekuda kwaMwari, naTimoti+ hama yedu,  kuvatsvene nehama dzekuKorose dzakatendeka dziri pamwe naKristu: Nyasha nerugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu ngazvive nemi.  Tinogara tichitenda Mwari Baba vaShe wedu Jesu Kristu patinokunyengetererai,  sezvo takanzwa nezvekutenda kwenyu muna Kristu Jesu uye kuda kwamunoita vatsvene vese  nekuda kwetariro yezvamakachengeterwa kudenga.+ Makanzwa nezvetariro iyi pamakaudzwa chokwadi chemashoko akanaka  akauya kwamuri. Sezvo mashoko akanaka ari kuva nezvibereko uye ari kuwedzera munyika yese,+ ndizvo zvaari kuitawo pakati penyu kubvira musi wamakanzwa uye wamakanyatsoziva nyasha dzaMwari muchokwadi.  Ndizvo zvamakadzidza kuhama yedu inodiwa uye yakatendeka, Epafrasi,+ anoshumira semuranda waKristu achitimiririra.  Akatiudzawo nezverudo rwamunoratidza maererano nemweya.*  Ndokusaka isuwo kubvira pazuva ratakanzwa nezvazvo, tisina kumborega kukunyengetererai+ uye kukumbira kuti muzadzwe neruzivo rwakarurama+ pamusoro pekuda kwake muuchenjeri hwese nemukunzwisisa zvinhu zvemweya,+ 10  kuti mufambe zvinokodzerana nezita raJehovha,* kuti munyatsomufadza sezvo muchiramba muchibereka zvibereko mumabasa ese akanaka uye muchiwedzera paruzivo rwakarurama pamusoro paMwari;+ 11  uye simbiswai nesimba rese maererano nesimba rake rinokudzwa+ kuti mukwanise kutsungirira zvinhu zvese muine mwoyo murefu nemufaro, 12  muchitenda Baba, vakaita kuti muve vakakodzera kuwana nhaka pamwe nevatsvene+ vakavhenekerwa nechiedza. 13  Iye akatinunura pasimba rerima,+ akatipinza muumambo hweMwanakomana wake anodiwa, 14  uyo anoshandiswa kutisunungura nerudzikinuro, urwo runoita kuti tiregererwe zvivi zvedu.+ 15  Iye ndiye mufananidzo waMwari asingaoneki,+ dangwe rezvisikwa zvese;+ 16  nekuti pachishandiswa iye zvimwe zvinhu zvese zvakasikwa kudenga nepanyika, zvinhu zvinooneka nezvinhu zvisingaoneki,+ zvingava zvigaro zveumambo kana ushe kana hurumende kana vanhu vane masimba. Zvimwe zvinhu zvese zvakasikwa pachishandiswa iye+ uye zvakasikirwa iye. 17  Uyewo, akavapo zvimwe zvinhu zvese zvisati zvavapo,+ uye zvimwe zvinhu zvese zvakavapo pachishandiswa iye, 18  uye ndiye musoro wemuviri, iyo ungano.+ Ndiye wekutanga, dangwe kubva kuvakafa,+ kuti ave wekutanga muzvinhu zvese; 19  nekuti Mwari akafadzwa nekuita kuti kuzara kwese kugare maari,+ 20  uye kuti amushandise kuyanana nezvimwe zvinhu zvese+ nekuita kuti ave nerugare nazvo kuburikidza neropa+ raakadeura padanda rekutambudzirwa,* zvingava zvinhu zviri panyika kana zvinhu zviri kudenga. 21  Imi maimbova makaparadzaniswa naMwari muri vavengi vake nekuti pfungwa dzenyu dzaiva pamabasa akaipa, 22  iye zvino akazviyananisa nemi achishandisa muviri wenyama waiyeye nerufu rwake, kuti akuunzei pamberi pake muri vatsvene, musina pakakanganisika uye musina chamunopomerwa,+ 23  ndokunge imi maramba muri pakutenda,+ makanyatsogara pafaundesheni+ uye makasimba,+ musingabviswi patariro yemashoko akanaka amakanzwa uye akaparidzirwa zvisikwa zvese zviri pasi pedenga.+ Ini Pauro ndakava mushumiri wemashoko akanaka iwaya.+ 24  Iye zvino ndava kufara pakutambura kwandiri kuita pamusana penyu,+ uye ndiri kusangana nekutambura kwaKristu uko kusati kwaitika zvakakwana panyama yangu kuti ndibatsire muviri wake,+ iyo ungano.+ 25  Ndakashumira ungano iyi maererano neutariri+ hwakabva kuna Mwari hwandakapiwa, kuti zvikubatsirei, kuti ndinyatsoparidza shoko raMwari, 26  chakavanzika chitsvene*+ chakanga chakavanzwa kubvira nguva dzekare+ uye kuzvizvarwa zvakapfuura. Asi iye zvino chakaiswa pachena kuvatsvene vake,+ 27  avo Mwari akafarira kuzivisa pakati pemamwe marudzi pfuma inokudzwa yechakavanzika chitsvene,+ iyo inoreva Kristu ari pamwe nemi, tariro yekukudzwa pamwe naye.+ 28  Ndiye watiri kuzivisa vanhu nezvake, tichikurudzira uye tichidzidzisa munhu wese neuchenjeri hwese, kuti tiunze munhu wese ari pamwe naKristu, akakwana.+ 29  Ndiri kushanda nesimba nechinangwa ichi, ndichirwisa zvakaomarara ndichibatsirwa nesimba rake riri kushanda zvikuru mandiri.+

Mashoko Emuzasi

ChiGir., “nezverudo rwenyu mumweya.”