NHARIREYOMURINDI September 2013 | Nei Paine Kutambura Kwakanyanya? Kuchapera Rini?

Bhaibheri rinoti chii nezvekutambura uye kuti vanhu vachasvika rini vachitambura?

NYAYA IRI PAKAVHA

Vanhu Vakawanda Vasina Mhosva Vari Kuparara!

Tinoona kutambura kwakawanda munyika, kazhinji kacho pasina chikonzero. Mwari ndiye ari kuzvikonzera here?

NYAYA IRI PAKAVHA

Nei Paine Kutambura Kwose Uku?

Ona zvinhu zvishanu zvinokonzera kutambura mazuva ano, uye ziva kwaungawana tariro.

NYAYA IRI PAKAVHA

Kutambura Kwava Pedyo Nokupera!

Mwari akavimbisa kubvisa zvose zvinokonzera kutambura. Achazviita sei uye rini?

NYAYA YEUPENYU

Murombo Asi Akapfuma Pakunamata

Alexander Ursu akazvionera oga kuti hapana aigona kumisa kunamata kwechokwadi muSoviet Union. Verenga nezvenyaya yake inonakidza.

Mitauro Yedu Yakabva pa“Rusvingo rweBhabheri” Here?

Chii chinonzi Rusvingo rweBhabheri? Mitauro yevanhu yakabva kupi?

SWEDERA PEDYO NAJEHOVHA

“Mwari Anoda Munhu Anopa Achifara”

Ona kuti nei chinoita kuti tipe chichinyanya kukosha.

DZIDZISAI VANA VENYU

Mwari Anorwadziwa—Tingaitei Kuti Afare?

Waizviziva here kuti unogona kufadza kana kugumbura Jehovha? Ona kuti Adhamu naEvha vakarwadzisa sei Jehovha nezvavakaita.

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Mazano eBhaibheri panyaya yokuva newanano inofadza anobatsira nokuti anobva kuna Jehovha Mwari anova ndiye akatanga wanano.

Zvimwe Zviri paIndaneti

Zvapupu zvaJehovha Zvinowanepi Mari Yekuita Basa Razvo?

Hatiiti zvinoitwa nemamwe machechi kuti awane mari.