Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Paine Kutambura Kwose Uku?

Nei Paine Kutambura Kwose Uku?

Kuti tinzwisise kuti nei paine kutambura kwakawanda kudai uye kuti nei vanhu vachitadza kupedza kutambura uku, tinofanira kuziva zvacho zviri kukonzera kuti kuvepo. Kunyange zvazvo kutambura kuchikonzerwa nezvinhu zvakawanda uye zvisiri nyore kunzwisisa, tinoonga kuti Bhaibheri rinogona kutibatsira kuzviziva. Munyaya ino tichaongorora zvinhu zvishanu zvinonyanya kuita kuti pave nekutambura kwakanyanya kudai. Tinokukumbira kuti unyatsoongorora zvinotaurwa neBhaibheri uye kuona kuti Shoko raMwari rinotibatsira sei kuti tinyatsonzwisisa chaicho chinokonzera kutambura.—2 Timoti 3:16.

HURUMENDE DZAKAIPA

Bhaibheri rinoti: “Kana munhu akaipa achitonga, vanhu vanogomera.”—Zvirevo 29:2.

Nhoroondo dzinoratidza kuti kubvira kare vanhu vange vachitongwa nevanhu vane utsinye, avo vange vachikonzera kuti vanhu vavanotonga vatambure zvisingatauriki. Hazvirevi hazvo kuti izvi ndizvo zvakaita vatongi vose. Vamwe vanogona kunge vaine chido chokubatsira vanhu. Kunyange zvakadaro, pavanongopiwa simba vanozoona kuti zvavanoedza kuita zvinokanganiswa nokurwira kwavanoita zvinzvimbo pachavo. Kana kuti vanogona kushandisa zvinzvimbo zvavo kuti vazvipfumise, zvichiita kuti vamwe vatambure. Aimbova Munyori weHurumende yeUnited States, Henry Kissinger akati: “Nhoroondo dzekare dzinongova nyaya dzezvaiedza kuitwa zvakakundikana, uye dzezvinangwa zvisina kuzobudirira.”

Bhaibheri rinotaurawo kuti: “Munhu anofamba haakwanisi kudzora nhanho dzake.” (Jeremiya 10:23) Vanhu vane chivi havana uchenjeri hunodiwa kuti vazvitonge uye havagoni kufanoona zvichazoitika. Kana vanhu vasingakwanisi kuzvitungamirira vangakwanisa sei kutungamirira nyika? Waona here kuti nei vatungamiriri vevanhu vasingakwanisi kubvisa kutambura zvachose? Chokwadi ndechokuti utongi hwakaipa ndihwo hunowanzokonzera kutambura!

CHITENDERO CHENHEMA

Jesu akati: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.”—Johani 13:35.

Vatungamiriri vezvitendero zvose vanodzidzisa nezverudo uye kubatana. Chokwadi ndechokuti vari kutadza kuita kuti vanhu vezvitendero zvavo vave nerudo runoita kuti vasasarurana. Pane kubatsira vanhu kuti vave nerudo, chitendero chinowanzoita kuti vanhu vemarudzi akasiyana-siyana vasawirirana, vasarurane zvakanyanya uye varwisane. Mumashoko ekugumisa mubhuku rake rinonzi Christianity and the World Religions, muongorori wezvechitendero Hans Küng akanyora kuti: “Kunetsana uye utsinye hwakanyanya mune zvematongerwo enyika zvinokuchidzirwa, zvinokonzerwa uye zvinobvumirwa nechitendero.”

 Mukuwedzera pane izvi, vatungamiriri vezvitendero zvakawanda vanobvumira kuti vanhu vaite zvebonde vasati varoorana, vaite gumbo mumba gumbo panze, uye vaite ungochani. Izvi zvakakonzera kupararira kwezvinhu zvakadai sezvirwere, kubvisa pamuviri, nhumbu dzisingadiwi, uye kuparara kwewanano nemhuri, zvichizoita kuti vanhu vanetseke uye varwadziwe zvisingatauriki.

CHIVI UYE ZVIDO ZVOUDYIRE

“Mumwe nomumwe anoedzwa nokutorwa mwoyo onyengerwa nokuchiva kwake. Ipapo kuchiva pakunenge kwakura, kunobereka chivi.”—Jakobho 1:14, 15.

Nemhaka yechivi chatakaberekwa nacho, tose zvedu tinokanganisa uye tinotofanira kurwisana nechido ‘chokuita zvinhu zvinodiwa nenyama.’ (VaEfeso 2:3) Kurwisana nechido ichi kunotonyanya kuoma kana pakava nemukana wokuti tiite maererano nacho. Kuita maererano nechido chakaipa kunoita kuti zvitiipire.

Munyori anonzi P. D. Mehta akanyora kuti: “Kutambura kwakawanda kuri kukonzerwa nezvido zvedu zvakanyanyisa, uye kutsvaga mafaro kusina muganhu, kungoita chero zvinotinakidza, makaro uye zvido zvisingadzorwi.” Kupindwa muropa uye kuva nehavi yezvinhu zvakadai sedoro, madhiragi, kubheja, kuita zvebonde, nezvimwewo, zvakakuvadza “vanhu vanoremekedzwa” vakawanda uye zvakaita kuti mhuri dzavo, shamwari nevamwewo vatambure. Sezvo tatoona kuti vanhu vane chivi, tinobvumirana neBhaibheri parinoti: “Zvakajeka kumunhu wose ane maziso kuona kuti panguva ino zvipenyu zvose zvakasikwa zviri kugomera zvichirwadziwa munyika yose.”—VaRoma 8:22, The New Testament in Modern English, rakanyorwa naJ. B. Phillips.

SIMBA REMADHIMONI

Bhaibheri rinoratidza kuti Satani ndiye “mwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino” uye kuti anotsigirwa nengirozi dzakaipa dzine simba dzinonzi madhimoni.—2 VaKorinde 4:4; Zvakazarurwa 12:9.

Sezvinongoitwa naSatani, madhimoni ari kushanda nesimba kuti vanhu vaite zvaanoda, achivatsausa. Muapostora Pauro akabvumirana neizvi paakati: “Hatirwi neropa nenyama, asi nehurumende, nevanhu vane masimba, nevatongi venyika verima rino, nemasimba emidzimu yakaipa ari munzvimbo dzomumatenga.”—VaEfeso 6:12.

Kunyange zvazvo madhimoni achifarira kutambudza vanhu, ichi hachisiricho chinangwa chawo chikuru. Anoda kutsausa vanhu kuti vabve pana Mwari Wokumusorosoro, Jehovha. (Pisarema 83:18) Zvinhu zvinoshandiswa nemadhimoni kuti anyengere vanhu uye kuti vaite zvaanoda zvinosanganisira kushopera uchishandisa nyeredzi, mashiripiti, uroyi uye kufembera. Ndokusaka Jehovha achitinyevera nezvezvinhu izvi uye achidzivirira vose vanorwisana naSatani nemadhimoni.—Jakobho 4:7.

TIRI KURARAMA “MUMAZUVA OKUPEDZISIRA”

Makore anenge 2 000 akapfuura Bhaibheri rakafanotaura kuti: “Ziva izvi, kuti mumazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika.”

Rinoratidza zvinoita kuti nguva dzacho dziome richiti: “Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanozvikudza, . . . vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo, vasingambodi kubvumirana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza nokuda kwokudada, vanoda mafaro panzvimbo pokuda Mwari.” Zvechokwadi chikonzero chikuru chokutambura kwose kwatiri kuona ndechokuti tiri kurarama “mumazuva okupedzisira.”—2 Timoti 3:1-4.

Kubva pane zvataongorora, hazvina kujeka here kuti nei vanhu vachitadza kupedza kutambura pasinei nezvavanoedza kuita? Saka ndekupi kwatingawana rubatsiro? Tinofanira kutarira kumusiki wedu uyo akavimbisa kuti ‘achaputsa mabasa aDhiyabhorosi’ nevateveri vake. (1 Johani 3:8) Nyaya inotevera ichatsanangura zvichaitwa naMwari kuti abvise zvose zvinokonzera kutambura.