Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 NYAYA IRI PAKAVHA | MAONERO ANOITA MWARI KUSVUTA

Dambudziko Renyika Yose

Dambudziko Renyika Yose

Fodya muurayi asinganeti.

  • Yakauraya vanhu 100 000 000 mumakore ekuma1900.

  • Inouraya vanhu vanenge 6 000 000 pagore.

  • Paavhareji, inouraya munhu mumwe chete pamasekonzi 6 oga oga.

Uye hapana chinoratidza kuti zvichachinja.

Zviremera zvinofungidzira kuti kana zviri kuitika izvi zvikaramba zvakadaro, nhamba yevanhu vanofa pagore pamusana pekusvuta ichatopfuura 8 000 000 panozosvika 2030. Uye vanoti pachazosvika 2100, vanhu 1 000 000 000 vachange vafa pamusana pekusvuta.

Fodya haingokuvadzi vanoisvuta chete. Mhuri inenge yasiyiwa inorwadziwa uye inorasikirwa nemari, uyewo pane vanhu 600 000 vasingasvuti vanofa gore rimwe nerimwe pamusana pekufema utsi hunobudiswa nevanosvuta. Dambudziko racho rinova remunhu wese pakuti kurapwa kunenge kwava kudhura.

Dambudziko iri rakasiyana nezvirwere zvinopararira nokukurumidza zvinoita kuti vanachiremba vamhanye-mhanye kutsvaga mushonga pakuti rinorapika; uye mushonga wacho unonyatsozivikanwa. Mutungamiriri wesangano reWorld Health Organization anonzi Dr. Margaret Chan akataura kuti: “Dambudziko refodya idambudziko rinokonzerwa nevanhu pachavo, uye rinogona kugadziriswa kana vanhu vakashanda nesimba pamwe chete nehurumende.”

Zviri kuitwa nenyika dzakawanda pakugadzirisa dambudziko iri reutano hazvisati zvamboitwa kubvira kare. Kubva muna August 2012, nyika dzinenge 175 dzakabvumirana kutora matanho ekuderedza kushandiswa kwefodya. * Zvisinei, pane zvimwe zvinoita kuti dambudziko racho rirambe richitowedzera. Gore negore, indasitiri yefodya inopedzera mabhiriyoni emadhora pakushambadzira kuitira kukwezva vamwe vatsva, kunyanya vakadzi uye vechidiki vari munyika dzichiri kusimukira. Kupinda muropa kunoita fodya kunoitawo kuti vanhu vanourayiwa nayo varambe vakawanda pavanhu vanosvika bhiriyoni vakatopindwa muropa nayo. Kana vari kusvuta iye zvino vakasarega, nhamba yevanhu vanourayiwa nayo ichakwira zvakaipa mumakore 40 ari kutevera.

Kushambadzira uye kupindwa muropa kunoita kuti vakawanda varambe vaine tsika yavanoshuva kurega. Izvi ndizvo zvakaitika kuna Naoko. Akatanga kusvuta achiri mumakore okuyaruka. Kutevedzera maitiro aaiona mune zvinobudisa nhau kwaiita kuti azvione semunhu anoziva zvaanoita. Pasinei nokuona vabereki vake vachifa nekenza yemapapu, akangoramba achisvuta, kunyange paairera vanasikana vake vaviri. Anobvuma kuti, “Ndaitya kubatwa nekenza yemapapu uye ndainetseka nezveutano hwevana vangu, asi ndaisakwanisa kurega. Ndaifunga kuti ndaisazombofa ndakakwanisa kurega kusvuta.”

Asi Naoko akazorega. Chinhu chakamubatsira kukunda tsika yokusvuta ndicho chakabatsirawo mamiriyoni evanhu kuti vasatombotanga kusvuta fodya. Chii ichocho? Tapota ramba uchiverenga.

^ ndima 11 Matanho aya anosanganisira kudzidzisa vanhu nezvengozi dzekusvuta, kuita kuti fodya isanyanyotengeswa, kukwidza mitero yefodya, uye kuita zvirongwa zvekubatsira vanhu kurega kusvuta.