Enda pane zvauri kuda

Kutambura Kwatiri Kuita Kunokonzerwa naMwari Here?

Kutambura Kwatiri Kuita Kunokonzerwa naMwari Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Bhaibheri rinobudisa pachena kuti kwete haasi Mwari! Kutambura kuri kuita vanhu hachisi icho chaiva chinangwa chaJehovha Mwari kubvira pakutanga-tanga. Asi kuti murume nomudzimai vokutanga, vakapandukira utongi hwaMwari vachibva vasarudza kuti vagadze mitemo yavo yokuzvisarudzira chakanaka nechakaipa. Vakabva vapira Mwari gotsi uye ndipo pakatangira kutambura kwose.

 Nemhaka yechisarudzo chavo chakaipa chavakaita, isu nhasi tava kutambura. Asi kubvira pakutanga-tanga Mwari akanga asina kuronga kuti vanhu vazotambura.

 Bhaibheri rinoti: “Paanenge achiedzwa, munhu ngaarege kuti: ‘Ndiri kuedzwa naMwari.’ Nokuti hapana munhu angaedza Mwari nezvinhu zvakaipa uyewo iye haaedzi munhu.” (Jakobho 1:​13) Munhu wose anogona kusangana nematambudziko kunyange vaya vanonamata Mwari.