Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Hatiregi

Hatiregi

Dhaunirodha:

  1. 1. Kubva zvandakanzwa chokwadi

    NezvaJehovha uye nyika itsva,

    Kubva ipapo ndinongomuda.

    Asi nyika inoda ndimurambe.

    (SUMO YEKORASI)

    Oo-o ini ndatsunga.

    Oo-o kunyatsomute’rera.

    (KORASI)

    Ndovaka kutenda, kuti ndisimbe.

    Handisi kuzomboneta.

    Ndotungamirwa neShoko rake.

    Ndokumbira ndisimbiswe.

    Ndovaka kutenda; Handiregi.

  2. 2. Tinosarudza tomirepi:

    Pajecha here kana padombo.

    Nyika inoda kuti tifunge

    Haimboparadzwi; ngatifarei.

    (SUMO YEKORASI)

    Oo-o asi ichabviswa,

    Oo-o neUmambo hwake.

    (KORASI)

    Ngativake kutenda, kuti tisimbe.

    Hatisi kuzomborega.

    Totungamirwa neShoko rake.

    Tokumbira tisimbiswe.

    Tovaka kutenda; hatiregi.

    (KORASI)

    Ngativake kutenda, kuti tisimbe.

    Hatisi kuzomboneta.

    Totungamirwa neShoko rake.

    Tokumbira tisimbiswe.

    Tovaka kutenda; hatiregi.

    Hatiregi.

    Hatiregi.