Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Yatosvika

Yatosvika

Dhaunirodha:

  1. 1.Unonzwa nziyo dzeshiri;

    Wotarisa makore.

    Uri kufamba mubani

    Zuva richipenya mudenga.

    Wotambira vadiwa,

    Haungazvidaviri.

    Paradhiso yepasi,

    Zvayanga yatosvika.

  2. 2.Pane’mba iri mubani

    Nemba iri pagomo.

    Wonzwa kurwizi kuimba

    Iri mvura ichipopoma.

    Minda yedu yaibva

    Kukohwa ngakutange.

    Nyika ino yatiri

    Zvayanga yatosvika.

    (BHIRIJI)

    Zvinofadza kutaura

    Zvinhu zvataimirira.

    Misodzi yose yapera.

    Nyika itsva, nehupenyu.

  3. 3.Pane manzwi ekufara

    Uswa hwakasvibi’ra

    Zvino wodana vadiwa

    Paunotanga zuva idzva.

    Totenda Mwari Jehovha,

    Ari kutichengeta.

    Zvikomborero izvi,

    Zvazvanga zvatosvika.

    (BHIRIJI)

    Ndonyemwerera ndichiti,

    “Ndazofara kukuona!”

    Zvaimbova sekurota

    Kuti ndichakumbundira.

  4. 4.Chandakamirira

    Inyika yandinoda.

    Ivimbiso yaJehovha.

    Itarisiro yechokwadi.

    Zvakaoma kusafara

    Ndafunga zviri mberi.

    Zuva randamirira,

    Iye zvino ratosvika.