Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Machechi Aripo Kuti Angoita Mari Here?

Machechi Aripo Kuti Angoita Mari Here?

 Wati wambozviona here kuti machechi akawanda ava kutoita semabhizinesi pane kubatsira vanhu kuziva Mwari? Vanoita mabhizinesi ekushambadzira uye kutengesa zvinhu. Vatungamiriri vavo vanotambiriswa mari yakawanda uye vari kurarama upenyu hweumbozha. Semuenzaniso:

  •   Imwe ongororo yakaitwa yakaratidza kuti kwemakore 13 mumwe bhishopu wechechi yeRoma akashandisa mari yaaiwana kuchechi kuti akwire ndege kanoda kusvika ka150 uyewo kuti ahaye imwe mota inodhura ka200. Akashandisawo mari inopfuura US$4 miriyoni kuti agadzirise imba yechechi yaaigara.

  •   Mumwe mufundisi weimwe chechi iri kuAfrica anogara achiparidza kuzviuru zvevanhu. Chechi yake inotengesawo zvinhu zvakasiyana-siyana zvakadai semafuta avanoti anoporesa uyewo matauro nehembe dzinenge dziine chiso chemufundisi wacho. Vanhu vakawanda vanopinda chechi yacho varombo, asi mufundisi wacho ane mari yakawanda.

  •   Mamwe makomo maviri ari kuChina anonzi anoyera nevaBhudha atoriwo mabhizinesi. Uyewo pane imwe temberi yakakurumbira inonzi Shaolin panoitwawo zvimwe zvinhu zvinowanisa mari uye mumwe mufundisi wepatemberi iyoyo anotozivikanwa semukuru webhizinesi.

  •   Mamwewo mabhizinesi ari kuAmerica, anototsvaga vanhu kuti vazouya kumakambani avo kuti vanamatire kana kuti vabatsire vashandi vavo pane zvekunamata.

 Unofungei nezvemachechi anoita sekuti atova mabhizinesi? Unofunga kuti Mwari anonzwa sei nezvevanhu vanoita sekuti vari kubatsira vanhu kuti vamuzive asi ivo vaine chinangwa chekupfuma?

Mwari anoti kudii nezvevanhu vanoda kuita mari nekunamata?

 Mwari haatombogamuchiri munhu anomunamata aine chinangwa chekuita mari. Bhaibheri rinoratidza kuti kare Mwari haana kutombofadzwa nevapristi vaiita sekuti vaimushumira asi ivo vachizviitira “kuti vawane mubhadharo.” (Mika 3:11) Mwari aitowanira mhosva vanhu vaiva nemakaro vaiita kuti imba yake yekunamatira iite “sebako remakororo.”—Jeremiya 7:11.

 Kufanana naMwari, Jesu aitovengawo vanhu vaiti vari kunamata Mwari asi vachizviitira kuti vawane mari. Jesu paaiva panyika, vatungamiriri vezvitendero vaitowana mari kubva kuvanhu vaiva nemakaro vavaibvumira kuti vatengesere mutemberi yaiva muJerusarema. Vaitobira vanhu vaida Mwari vaiuya kuzonamata. Jesu akaratidza ushingi akaenda kunodzinga makororo iwayo mutemberi akavaudza kuti: “Regai kuita imba yaBaba vangu imba yekutengesera!”—Johani 2:14-16.

 Jesu akaratidzawo mafungiro aMwari panyaya iyi nemaitiro aaiita ushumiri hwake. (Johani 8:28, 29) Haana kumbobhadharisa vanhu vaaidzidzisa nezvaMwari. Kana kuvabhadharisa paaiita zvishamiso zvakadai sekuvapa zvekudya, kurapa vairwara uyewo kumutsa vakafa. Jesu haana kushandisa ushumiri hwake kuti awane pfuma, uye akanga asina kana imba yake pachake yekugara.—Ruka 9:58.

VaKristu vekutanga vakaratidzawo sei kuti vaisaita zvekunamata vaine chinangwa chekuita mari?

 Jesu akaudza vateveri vake kuti vasanamata vachiitira kuti vawane mari. Akati: “Makagamuchira pachena, ipai pachena.” (Mateu 10:8) Vateveri vake avo vakazozivikanwa sevaKristu, vakanyatsoteerera zvaakavaudza. Semuenzaniso:

  •   Mumwe murume ainzi Simoni akakumbira Petro simba rekuti akwanise kuita zvishamiso uye kuti ave nechinzvimbo. Petro akaramba achibva amutsiura zvakasimba, achiti: “Sirivha yako ngaiparare newe, nekuti wafunga kuti unogona kuwana chipo chaMwari chepachena uchishandisa mari.”—Mabasa 8:18-20.

  •   Muapostora Pauro aizivikanwa nekushanyira vamwe vaKristu achivakurudzira pane zvekunamata. Kunyange zvazvo akashanda nesimba kwemakore akawanda, haana kumbotsvaga kuti abharwe pabasa raaiita. Pauro nevamwe vaKristu ‘vaisatengesa shoko raMwari sezvinoitwa nevakawanda.’ (2 VaKorinde 2:17) Pauro akatonyora kuti: “Taishanda siku nesikati, kuti pasava nemumwe wenyu watinoremedza achitichengeta pataikuparidzirai mashoko akanaka aMwari.”—1 VaTesaronika 2:9.

 VaKristu ava kuti vakwanise kuita basa ravo rekuparidza uyewo mamwe mabasa ekuyamura, vaitoda mari. Asi vaisabhadharisa vanhu. Vanhu vaipa kana vachida uye vaiita zvinoenderana nemavhesi anotevera:

  •   2 VaKorinde 8:12: “Nekuti kutanga, kana munhu aine chido, zvinonyanya kudiwa ndezvekuti ape maererano nezvaainazvo, kwete maererano nezvaasina.”

     Zvazvinoreva: Chikonzero chinoita kuti munhu ape ndicho chinonyanya kukosha kupfuura mari yaanopa.

  •   2 VaKorinde 9:7: “Mumwe nemumwe ngaaite sezvaakasarudza mumwoyo make, kwete kuita asingadi kana kuti achimanikidzwa, nekuti Mwari anoda munhu anopa achifara.”

     Zvazvinoreva: Mwari anoda munhu anopa zvichibva pamwoyo kwete achiita zvekumanikidzwa.

Chii chava pedyo kuitika kumachechi anokara mari?

 Bhaibheri rinotaura kuti Mwari anongova nemanamatiro mamwe chete aanogamuchira. (Mateu 7:21-23) Bhaibheri rinofananidza machechi ese enhema nepfambi, nekuti anobatana nehurumende achiitira kuti awane mari nezvinhu uyewo kuti vanotorera vanhu mari vachishandisa nzira dzeunyengeri. (Zvakazarurwa 17:1-3; 18:3) Bhaibheri rinoratidzawo kuti Mwari ava pedyo kuparadza machechi ese enhema.—Zvakazarurwa 17:15-17; 18:7.

 Mwari anorwadziwa chaizvo nezviri kuitwa nemachechi ese enhema achinyengera vanhu uye achivatadzisa kuti vaswedere pedyo naye. Anokurudzira vanhu vanoda havo kumunamata zvepachokwadi kuti vadzidze nezvake uye kuti vasiye machechi enhema.—2 VaKorinde 6:16, 17.