Enda pane zvauri kuda

Kuva Nekutenda Muna Mwari

Nei Kutenda Muna Mwari Kuchikosha?

Mwari Ariko Here?

Bhaibheri rinopindura richipa zvikonzero 5 zvakasimba.

Chii Chinoita Kuti Titende Kuti Mwari Ariko

Magadzirirwo akaitwa zvinhu akabatsira mumwe muzvinafundo kuti abvume kuti kune akasika zvinhu.

Kuziva Mwari

Zita raMwari Ndiani?

Waizviziva here kuti Mwari ane zita rinoratidza zvaakaita?

Ungaita Sei Kuti Uve Pedyo naMwari?

Zvinhu 7 zvinogona kukubatsira uti uve pedyo naMwari.

Zvinhu Zvakasikwa Zvinoratidza Rudo rwaJehovha—Muviri Wemunhu?

Kuona, kubata, kunzwa, kunhuwidza, kuravidza uye kuyeuka zvinhu kunotidzidzisa chinhu chinokosha.

Zvatinodzidza nezvaMwari Kubva Kuvaprofita Vake

Tinodzidza nezvaMwari uye zvatingaita kuti tiwane makomborero kubva kuvaprofita vatatu vaiva vakatendeka.

Zvinonyatsoita Here Kuti Tizive Mwari?

Zvatisingakwanisi kunzwisisa nezvaMwari zvinogona kutokubatsira kuti umuzive zviri nani.

Zvinoita Here Kuti Uone Mwari Asingaoneki?

Dzidza kuti ungashandisa sei “maziso emwoyo” wako.”

Chokwadi nezvaJehovha naJesu

Jehovha Mwari naJesu Kristu munhu mumwe chete here?

Mwari Ane Unhu Hwakaita Sei?

Ndehupi unhu hukuru huna Mwari?

Mwari Anokukoshesa Here?

Chii chinoratidza kuti Mwari ane hanya nesu?

Mwari Ane Tsitsi Here?

Bhaibheri rinotivimbisa kuti Mwari anotinzwisisa uye anorwadziwawo patinotambura.

Zvakoshera Kuva Nekutenda

Nei Mwari Achikosha Muupenyu Hwedu?

Ona kuti kuva neukama naMwari kunogona sei kuita kuti uve neupenyu hunofadza uye hune chinangwa.

Zvinotaura Bhaibheri Nezvekutenda?

Bhaibheri rinoti ‘pasina kutenda hazvibviri kunyatsofadza Mwari.’ Chii chinonzi kutenda? Ungaita sei kuti uve nekutenda?

Kuva Nechitendero Kuzvinyengera Here?

Bhaibheri harikurudziri kuti tingotenda tisina uchapupu, asi kuti tishandise simba redu rokufunga uye kuti tifunge nezveuchapupu hunenge huripo.

Chokwadi chemuBhaibheri Chakapedza Nyota Yezvandaida Kuziva

Mayli Gündel akarega kutenda muna Mwari pakafa baba vake. Akawana sei chitendero chechokwadi uye rugare rwemupfungwa?

Zvechechi Ndakanga Ndisingachadi Kuzvinzwa

Tom aida zvekunamata Mwari, asi zvinoitwa mumachechi zvakaita kuti apedzisire asingachadi kunamata. Kudzidza Bhaibheri kwakamubatsira sei kuchinja mafungiro ake?

Zvii Zvinoita Kuti Vamwe Vasava Nekutenda?

Kuvengana Kungapedzwa Sei?—Batsirwa naMwari Kukunda Ruvengo

Mweya mutsvene waMwari unogona kukubatsira kuva neunhu hunoita kuti ukunde ruvengo.

Machechi Aripo Kuti Angoita Mari Here?

Vakawanda vanoenda kumachechi varombo asi vafundisi vavo vari kurarama upenyu hweumbozha.

Pane Chakaipa Here Nokubvunza Mwari?

Tingawana kuti mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo inokosha yeupenyu? Tingabvunza Mwari here?

Nei Mwari Achibvumira Kutambura?

Vanhu vakawanda vanobvunza kuti nei nyika yakazara kuvengana uye kutambura. Bhaibheri rinopa mhinduro inogutsa uye inonyaradza.

Sei Vanhu Vachiti Mwari Ane Utsinye?

Vakawanda vanofunga kuti Mwari ane utsinye kana kuti haana basa nevanhu. Bhaibheri rinotii?

Kuswedera Pedyo naMwari

Unonzwa Uri Pedyo naMwari Here?

Mamiriyoni evanhu ane chokwadi chekuti Mwari anovaona seshamwari dzake.

Ungaitei Kuti Uve Pedyo naMwari?

Ona kuti Mwari anonzwa minyengetero yese here, kuti tinganyengetera sei, uye zvatingaita kuti tive pedyo naMwari.

Chipo Chikuru chaMwari—Nei Chichikosha?

Zvii zvinoita kuti chipo chizonzi chinokosha kupfuura zvimwe? Kuziva izvi kunotibatsira kuti tiwedzere kukoshesa kufirwa kwatakaitwa naJesu.

Bhaibheri Rinotibatsira Kusiyanisa Zvakanaka Nezvakaipa

Ungava sei nechokwadi chekuti Bhaibheri rine mazano anobatsira?

Zvinonyatsoita Here Kuti Tifadze Mwari?

Mhinduro yacho tinogona kuiwana pane zvakaitika kuna Jobho, Roti, uye Dhavhidhi, avo vakamboita zvikanganiso zvakakura.

Ungaitei Kuti Urarame Nekusingaperi?

Bhaibheri rinovimbisa kuti vanhu vanoita kuda kwaMwari vachararama nekusingaperi. Chimboona zvinhu zvitatu zvaanoda kuti tiite.

Kuziva Kuti Mwari Anokuda Kunogona Kukubatsira

Bhaibheri rinotibatsira kuti tive nekutenda mune zvinovimbiswa naMwari.