Enda pane zvauri kuda

Chitendero Chenyu ndechokuAmerica Here?

Chitendero Chenyu ndechokuAmerica Here?

 Muzinda wedu mukuru uri kuUnited States of America. Asi hatina kubuda mune chimwe chitendero chokuAmerica, uye zvikonzero zvacho ndeizvi:

  •   Vamwe vanoti Zvapupu zvaJehovha zvakabuda mune chimwe chitendero. Asi kuti takamutsidzira chiKristu chepakutanga-tanga chepanguva yevaapostora vaJesu.

  •   Zvapupu zvaJehovha zviri kuita basa razvo zvokuparidza munyika dzinopfuura 230. Pasinei nokuti tinogarepi, tinotsigira Jehovha Mwari naJesu Kristu kwete hurumende yokuAmerica kana kuti imwewo hurumende yepano panyika.​—Johani 15:​19; 17:​15, 16.

  •   Dzidziso dzedu dzose dzinobva muBhaibheri, kwete mupfungwa dzomumwe mutungamiriri wechitendero ari kuUnited States.​—1 VaTesaronika 2:13.

  •   Tinotevera Jesu Kristu somutungamiri kwete mumwe munhuwo wenyama.​—Mateu 23:​8-10.