Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha Zvinofunga Kuti Ndizvo Chete Zvichaponeswa Here?

Zvapupu zvaJehovha Zvinofunga Kuti Ndizvo Chete Zvichaponeswa Here?

 Kwete. Mamiriyoni akawanda evanhu vakararama mazana emakore akapfuura uye vakanga vasiri Zvapupu zvaJehovha vachava nemukana wokuponeswa. Bhaibheri rinotsanangura kuti munyika itsva yakavimbiswa naMwari, “kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.” (Mabasa 24:​15) Uyezve vakawanda vari kurarama mazuva ano vanogona kutanga kushumira Mwari, uye naivowo vachaponeswa. Zvisinei, harisi basa redu kutonga kuti nhingi ari kuzoponeswa uye nhingi haasi kuzoponeswa. Ibasa raJesu.​—Johani 5:​22, 27.