Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha Zvakabuda Muchechi yeRoma Here?

Zvapupu zvaJehovha Zvakabuda Muchechi yeRoma Here?

 Aiwa. Kunyange zvazvo tiri vaKristu, hatina kubuda muchechi yeRoma. Nei tichidaro?

 Chechi dzakabuda muRoma dzinopikisana nedzidziso dzeRoma. Kunyange zvazvo chiri chokwadi kuti Zvapupu zvaJehovha hazviwirirani nedzidziso dzechechi yeRoma, isu hatina kubuda muchechi yeRoma nemhaka yezvikonzero zvinotevera:

  1.   Dzidziso dzakawanda dzemachechi akabuda muRoma dzinopesana nezvinonyatsodzidziswa neBhaibheri. Somuenzaniso, Bhaibheri rinodzidzisa kuti “kuna Mwari mumwe chete,” kwete vanaMwari vatatu vari mumunhu mumwe chete. (1 Timoti 2:5; Johani 14:28) Uye rinodzidzisa zvakajeka kuti Mwari anoranga vakaipa nokuvaparadza zvachose, kwete nokuvapisa mumoto.—Pisarema 37:9; 2 VaTesaronika 1:9.

  2.   Hatishori chechi yeRoma kana zvimwe zvitendero. Asi kuti tinoparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari, nechinangwa chokubatsira vamwe kuti vave nokutenda mumashoko akanaka atinoparidza. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Chido chedu ndechokudzidzisa vanhu vanoda chokwadi nezvaMwari uye Shoko rake, Bhaibheri, kwete kushora dzidziso dzezvimwe zvitendero.—VaKorose 1:9, 10; 2 Timoti 2:24, 25.