Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Isaya 42:8—“Ndini TENZI”

Isaya 42:8—“Ndini TENZI”

 “Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu; hapana wandinopa kukudzwa kwangu, uye handipi kurumbidzwa kwangu kumifananidzo yakavezwa.”—Isaya 42:8, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

 “Ndini TENZI, ndiro zita rangu. Handingatongopi ukuru hwangu kuno mumwe munhu kunyange kupa mbiri yangu kuzvifananidzo zvakavezwa.”—Isaya 42:8, Bhaibheri Rine Apokirifa.

Zvinorehwa naIsaya 42:8

 Mwari anotiudza zita rake uye akati haapi kukudzwa kana kuti kurumbidzwa kwake kumifananidzo yakavezwa.

  Mwari ndiye akazvipa zita, uye rinowanzoshandurwa kuti “Jehovha” muchiShona. a (Eksodho 3:14, 15) Kunyange zvazvo zita raMwari richiwanika kanoda kusvika ka7 000 muTestamende Yekare kureva muMagwaro echiHebheru nechiAramaiki, vashanduri vakawanda vakabvisa zita iri vachiritsiva nezita rekuremekedza rekuti “ISHE” (rinenge rakanyorwa nemabhii makuru). Semuenzaniso pana Pisarema 110:1, pane uprofita hunotaura nezvaJehovha naJesu. Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi rinoti: “ISHE [Jehovha] akati kuna She [Jesu] wangu].” (Mabasa 2:34-36) Shanduro yeNyika Itsva inoita kuti munhu asambovhiringidzika paanenge achiverenga ‘nezvemadzishe’ aya maviri nekuti yakadzorera zita raMwari parinofanira kunge riri. Inoti: “Jehovha akati kunaShe wangu: ‘Gara kuruoko rwangu rwerudyi kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave sechitsiko chetsoka dzako.’”

 Vamwe vaongorori veBhaibheri vanoti zita raMwari rinoreva kuti “Anoita Kuti Zviitike.” Mwari wechokwadi chete ndiye anokodzera kushevedzwa nezita iri, nekuti ndiye ega anogona kuita kuti iye kana kuti zvinhu zvaakasika zvive sezvaanoda kuti azadzise chinangwa chake.

  Jehovha ndiye ega akakodzera kunamatwa nekuti ndiye Musiki wedu uye ndiye ega Mwari wechokwadi. Hapana kana mumwe mwari kana kuti chimwe chinhu chatinofanira kunamata, kusanganisira zvidhori kana mifananidzo.—Eksodho 20:2-6; 34:14; 1 Johani 5:21.

Mashoko akapoteredza Isaya 42:8

 Mumavhesi ekutanga aIsaya chitsauko 42, Jehovha akagara ataura basa raizoitwa ‘newaakasarudza.’ Mwari akati mushumiri waanofarira “achatonga marudzi zvakarurama.” (Isaya 42:1) Achitaura nezvevimbiso iyoyo akati: “Iye zvino ndava kuzivisa zvinhu zvitsva. Ndinokuudzai nezvazvo zvisati zvatanga kuvapo.” (Isaya 42:9) Uprofita hwaitaura ‘nezveakasarudzwa’ hwakazadzika papfuura mazana emakore pakauya Mesiya kuzoita basa rake pano panyika.—Mateu 3:16, 17; 12:15-21.

Manyorerwo Akaitwa Isaya 42:8 Mune Mamwe maBhaibheri

 “Ndini Jehovha; ndiro zita rangu! Handizopi kukudzwa kwangu kuno mumwe, kana kurumbidzwa kwangu kuzvifananidzo.”—Bhaibheri Dzvene muchiShona Chanhasi.

 “Ndini Jehovha, ndiro zita rangu; kukudzwa kwangu handingakupi mumwe, kana kurumbidzwa kwangu kumifananidzo yakavezwa.”—Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

a MuchiHebheru zita raMwari rine mabhii mana, anowanzonyorwa muChirungu achinzi YHWH. Mune dzimwe shanduro dzeChirungu, zita raMwari rakanyorwa richinzi “Yahweh.” Kuti unzwe zvimwe, enda muShanduro yeNyika Itsva wovhura chikamu chakanzi Mashoko Ekuwedzera A4 wozoenda pakanzi “Zita raMwari muMagwaro echiHebheru”.