Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

VaRoma 12:12—“Farai Mutariro, Tsungirirai Pakutambudzika, Rambai Muchinyengetera”

VaRoma 12:12—“Farai Mutariro, Tsungirirai Pakutambudzika, Rambai Muchinyengetera”

 “Farai patariro. Tsungirirai pakutambudzika. Rambai muchinyengetera.”—VaRoma 12:12, BhaibheriShanduro yeNyika Itsva.

 “Farai mutariro, tsungirirai pakutambudzika, rambai muchinyengetera.”—VaRoma 12:12, Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi.

Zvinorehwa naVaRoma 12:12

 Muvhesi iyi, muapostora Pauro aikurudzira vaKristu vaiva muRoma kuti vaite zvinhu zvitatu zvaizovabatsira kuti varambe vakatendeka pasinei nekutambudzwa uye mamwe matambudziko avaizosangana nawo.

 “Farai patariro.” VaKristu vane tariro yakazonaka yeupenyu husingaperi, vamwe vari kudenga uye vakawanda vari muparadhiso panyika. (Pisarema 37:29; Johani 3:16; Zvakazarurwa 14:1-4; 21:3, 4) Tariro iyoyo inosanganisira kuona zvichaitwa neUmambo hwaMwari a pakugadzirisa matambudziko ari kushungurudza vanhu. (Dhanieri 2:44; Mateu 6:10) Vanamati vaMwari vanogona kufara pasinei nekuti vanenge vachitsungirira matambudziko nekuti vanonyatsovimba kuti tariro yavo ndeyechokwadi uye kuti kana vakatsungirira, Mwari achavafarira.—Mateu 5:11, 12; VaRoma 5:3-5.

 “Tsungirirai pakutambudzika.” MuBhaibheri, shoko rechiito rechiGiriki rakashandurwa kuti “tsungirirai” rine pfungwa “yekuramba uripo kwete kutiza; kushingirira; kuramba wakatsunga.” Vateveri vaKristu ‘havasi venyika,’ b saka vanoziva kuti vachatambudzwa, ndokusaka vachifanira kutsungirira. (Johani 15:18-20; 2 Timoti 3:12) Kana muKristu akaramba akatsunga kushumira Mwari kunyange zvazvo izvozvo zvichireva kuti anofanira kutsungirira matambudziko, kutenda kwaanoita kuti Mwari achamupa mubayiro kuchamusimbisa. (Mateu 24:13) Kutenda ikoko, kuchaita kuti akwanise kutsungirira matambudziko aine mwoyo murefu uye achifara.—VaKorose 1:11.

 “Rambai muchinyengetera.” Kuti varambe vakatendeka kuna Mwari, vaKristu vanofanira kugara vachinyengetera. (Ruka 11:9; 18:1) Vanogara vachitsvaga kutungamirirwa naMwari uye vanovimba naye pane zvese zvavanoita muupenyu hwavo. (VaKorose 4:2; 1 VaTesaronika 5:17) Vane chokwadi chekuti Mwari achapindura minyengetero yavo nekuti vanoteerera mirayiro yake uye vanoita zvese zvavanogona kuti vamufadze. (1 Johani 3:22; 5:14) Vanozivawo kuti kana vakaramba vachinyengetera, Mwari achavapa simba ravanoda kuti varambe vakatendeka pasinei nematambudziko avanosangana nawo.—VaFiripi 4:13.

Mashoko Akapoteredza VaRoma 12:12

 Pauro akanyora tsamba yake kuvaKristu vaiva muRoma munenge muna 56 C.E. Muchitsauko 12 chetsamba iyi, akataura mazano anobatsira pakuratidza unhu hwechiKristu, mabatiro avaifanira kuita vavainamata navo nevamwewo vanhu, uye zvavaifanira kuita kuti varambe vaine rugare pavaitambudzwa. (VaRoma 12:9-21) VaKristu vaiva muRoma vakapiwa zano iri panguva chaiyo nekuti pasina nguva, vakabva vatanga kutambudzwa zvakaipisisa.

 Papera makore mashoma, muna 64 C.E., moto wakakura wakaparadza guta reRoma. Vanhu vakawanda vaiti Emperor Nero ndiye ainge akaukonzera. Tacitus, munyori wezvakaitika kare wekuRoma, akati Nero akaedza kuzvidzivirira achibva ati vaKristu ndivo vakatanga moto wacho. Izvi zvakaita kuti vaKristu vatambudzwe zvakaomarara. Zano rakapiwa naPauro rekuti vatsungirire pavaitambudzwa rakavabatsira kuti varambe vakatendeka panguva iyoyo yainge yakaoma uye vasaite zvinhu zvaizoita kuti vashorwe. (1 VaTesaronika 5:15; 1 Petro 3:9) Vanamati vaMwari mazuva ano vanogona kudzidza zvakawanda pamuenzaniso wavo.

 Ona vhidhiyo pfupi iyi kuti unzwe pfupiso yezviri mubhuku raVaRoma.

a Umambo hwaMwari ihurumende iri kudenga yakagadzwa naMwari kuti azadzise chinangwa chake chaakasikira nyika. Kuti unzwe zvimwe, ona nyaya yakanzi “Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?

b MuBhaibheri, shoko rekuti “nyika” rinogona kureva vanhu vasingazivi Mwari.