Enda pane zvauri kuda

Chibayiro chaJesu ‘Chinodzikinura Sei Vazhinji’?

Chibayiro chaJesu ‘Chinodzikinura Sei Vazhinji’?

Mhinduro yeBhaibheri

 Chibayiro chaJesu ndiyo nzira inoshandiswa naMwari pakununura, kana kuti kuponesa vanhu pachivi nerufu. Bhaibheri rinotaura nezveropa rakadeurwa raJesu serudzikinuro. (VaEfeso 1:7; 1 Petro 1:18, 19) Ndosaka Jesu akati akauya ‘kuzopa upenyu hwake sorudzikinuro rwavazhinji.’​—Mateu 20:28, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

Nei paidiwa ‘rudzikinuro rwavazhinji’?

 Munhu wekutanga, Adhamu, akasikwa asina chivi kana kuti asingatadzi. Aiva netariro yekurarama nekusingaperi, asi akarasikirwa nayo nekuti akasarudza kusateerera Mwari. (Genesisi 3:17-19) Paakazova nevana akapfuudzawo chivi chacho kwavari. (VaRoma 5:12) Ndosaka Bhaibheri richiratidza kuti Adhamu ‘akazvitengesa’ iye nevana vake muuranda hwechivi nerufu. (VaRoma 7:14) Nemhaka yekuti vese vanotadza, hapana kana mumwe chete wavo aigona kutengazve zvakanga zvaraswa naAdhamu.​—Pisarema 49:7, 8.

 Mwari akanzwira tsitsi vana vaAdhamu vakanga vasisina tariro yeramangwana. (Johani 3:16) Kunyange zvakadaro, mutemo waMwari wekururamisira waisamubvumira kuti angorega hake kana kuti kufuratira zvivi zvavo pasina chikonzero chine musoro. (Pisarema 89:14; VaRoma 3:23-26) Mwari anoda vanhu, saka akaita kuti pave nenzira iri pamutemo yekuita kuti zvivi zvavo zvikanganwirwe uyewo kuti zvidzimwe. (VaRoma 5:6-8) Akazviita achishandisa rudzikinuro.

Rudzikinuro runoshanda sei?

 MuBhaibheri, shoko rekuti “rudzikinuro” rinoreva zvinhu zvitatu zvinotevera:

  1.   Mubhadharo.​—Numeri 3:46, 47.

  2.   Runoita kuti pave nekusunungurwa.​—Eksodho 21:30.

  3.   Rune ukoshi hunoenzana nechiri kubhadharwa chacho, kana kuti runochifukidza. a

 Ona kuti zvinhu zvitatu izvi zvinobatana sei nechibayiro cherudzikinuro chaJesu Kristu.

  1.   Mubhadharo. Bhaibheri rinoti vaKristu ‘vakatengwa nemutengo.’ (1 VaKorinde 6:20; 7:23) Mutengo wacho iropa raJesu, raakashandisa kuti ‘atengere Mwari vanhu kubva mumadzinza ose nendimi nevanhu norudzi.’​—Zvakazarurwa 5:8, 9.

  2.   Kusunungurwa. Chibayiro chaJesu chinounza ‘kusunungurwa pachivi pachishandiswa rudzikinuro’.​—1 VaKorinde 1:30; VaKorose 1:14; VaHebheru 9:15.

  3.   Kuenzana. Chibayiro chaJesu chinonyatsoenderana nezvakaraswa naAdhamu​—upenyu hwemunhu akakwana. (1 VaKorinde 15:21, 22, 45, 46) Bhaibheri rinoti: “Vazhinji zvavakaitwa vatadzi nokuda kwokusateerera kwomunhu mumwe chete [Adhamu], saizvozvowo nokuda kwokuteerera kwomunhu mumwe chete [Jesu Kristu] vazhinji vachaitwa vakarurama.” (VaRoma 5:19) Izvi zvinoratidza kuti rufu rwemunhu mumwe chete runogona kudzikinura vatadzi vakawanda. Chibayiro chaJesu, ndirwo “rudzikinuro runoenzanirana nevose” vanoita zvavanotarisirwa kuti vaite, kuti vabatsirwe nechibayiro chacho.​—1 Timoti 2:5, 6.

a MuBhaibheri, mashoko akashandurwa kuti rudzikinuro anopa pfungwa yemutengo, kana kuti chinhu chinokosha, chinobhadharwa. Semuenzaniso, shoko rechiHebheru rechiito rekuti ka·pharʹ rinonyanya kureva ‘kufukidza.’ (Genesisi 6:14) Rinowanzotaura nezvekufukidza chivi. (Pisarema 65:3) Rimwe shoko rinoenderana nairoro ndikoʹpher, iro rinoreva mutengo unobhadharwa kuti kufukidza ikoko kuvepo kana kuti kudzikinura. (Eksodho 21:30) Uyewo, shoko rechiGiriki rekuti lyʹtron, iro rinowanzoshandurwa kuti “rudzikinuro,” rinogonawo kushandurwa kuti “mutengo wekudzikinura.” (Mateu 20:28; The New Testament in Modern Speech, yaR. F. Weymouth) Vanyori vechiGiriki vakashandisa shoko racho vachitaura nezvemutengo unobhadharwa kuti munhu anenge asungwa muhondo adzikinurwe, kana kuti muranda asunungurwe.