Enda pane zvauri kuda

Tinofanira Kunyengetera Sei?—Tinofanira Kutevedzera Munyengetero waShe Chete Here?

Tinofanira Kunyengetera Sei?—Tinofanira Kutevedzera Munyengetero waShe Chete Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Munyengetero waShe unoita kuti tizive kuti tinofanira kunyengetera sei uye kuti tinofanira kunyengetera nezvei. Jesu akataura nezvemunyengetero uyu pashure pekunge vadzidzi vake vakumbira kuti: “Ishe, tidzidzisei kunyengetera.” (Ruka 11:1) Zvisinei, munyengetero waShe handiwo chete munyengetero unogamuchirwa naMwari. a Asi, Jesu akautaura semuenzaniso weminyengetero inogamuchirwa naMwari.

Zviri munyaya ino

 Munyengetero waShe unotaura nezvei?

 Munyengetero waShe, uyo wakanyorwa pana Mateu 6:9-13, wakanyorwa zvakasiyana-siyana mumaBhaibheri akawanda. Ona mienzaniso miviri iyi.

 Shanduro yeNyika Itsva inoti: “Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe, panyika, sekudenga. Tipei nhasi zvekudya zvedu zvanhasi; uye tiregerereiwo zvivi zvedu, sezvatakaregererawo vakatitadzira. Uye musatipinza mumuedzo, asi tinunurei pane akaipa.”

 The Bible in Union SHONA Version rinoti: “Baba vedu muri kudenga, zita renyu ngarikudzwe. Ushe hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe pasi sokudenga. Mutipei nhasi zvokudya zvedu zvinotiringana. Mutiregererei mhosva dzedu sezvatinoregererawo vane mhosva nesu. Musatirege tichiedzwa, asi mutinunurei pane zvakaipa.” b

 Munyengetero waShe unorevei?

 Zvakadzidziswa naJesu zvinowirirana nezviri muMagwaro ese, saka tinotarisira kuti zvimwe zvikamu zveBhaibheri zvinogona kutibatsira kunzwisisa zvinorehwa nemunyengetero waShe.

“Baba vedu vari kudenga”

 Zvakakodzera kuti tishevedze Mwari tichiti, “Baba vedu,” nekuti ndiye akatisika uye akatipa upenyu.—Isaya 64:8.

“Zita renyu ngaritsveneswe”

 Zita raMwari rekuti Jehovha, rinofanira kukudzwa uye kuonekwa sedzvene. Vanhu vanogona kubatsira kutsvenesa zita raMwari nekuudza vamwe nezveunhu hwake uye zvinangwa zvake.—Pisarema 83:18; Isaya 6:3.

“Umambo hwenyu ngahuuye”

 Umambo hwaMwari ihurumende yekudenga uye Jesu ndiye Mambo wayo. Jesu akatidzidzisa kuti tinyengeterere kuti hurumende iyi kuti itonge nyika yese.—Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 11:15.

“Kuda kwenyu ngakuitwe, panyika, sekudenga”

 Sezvo kudenga kusina uipi uye rufu, Mwari anodawo kuti vanhu vararame nekusingaperi panyika vaine rugare uye vakachengeteka.—Pisarema 37:11, 29.

“Tipei nhasi zvekudya zvedu zvanhasi”

 Tinofanira kuyeuka kuti Musiki wedu ndiye anotipa zvatinoda kuti tirarame.—Mabasa 17:24, 25.

“Tiregerereiwo zvivi zvedu, sezvatakaregererawo vakatitadzira”

 Vanhu vese vanotadza uye vanoda kuregererwa. Asi kuti Mwari atiregerere, tinofanira kuva nechido chekuregererawo vamwe pavanotitadzira.—Mateu 6:14, 15.

“Musatipinza mumuedzo, asi tinunurei pane akaipa”

 Jehovha Mwari haatiedzi kuti tiite zvakaipa. (Jakobho 1:13) Asi tinoedzwa ‘neakaipa,’ Satani Dhiyabhorosi, uyo anonziwo “Muedzi.” (1 Johani 5:19; Mateu 4:1-4) Tinokumbira Jehovha kuti atibatsire kuramba takavimbika kwaari patinosangana nemiedzo yekuita zvakaipa.

 Tinofanira kungodzokorora munyengetero waShe pese patinonyengetera here?

 Jesu akataura nezvemunyengetero waShe semuenzaniso. Haufaniri kungodzokororwa shoko neshoko. Jesu asati apa munyengetero waShe, akayambira kuti: “Paunenge uchinyengetera, usadzokorora-dzokorora zvinhu zvimwe chetezvo.” (Mateu 6:7) Pane imwe nguva paakataura munyengetero wemuenzaniso, akashandisa mashoko akasiyana.—Ruka 11:2-4.

 Nzira yakanakisisa yekunyengetera ndeyekutaura zviri pamwoyo pako.—Pisarema 62:8.

 Tinofanira kunyengetera sei?

 Munyengetero waShe unotiratidza kuti tinofanira kunyengetera sei kuti Mwari atinzwe. Ona kuti unowirirana sei nemamwe mavhesi eBhaibheri anotaura nezvemunyengetero.

  •   Nyengetera kuna Mwari chete

     Rugwaro: “Panyaya dzese zvikumbiro zvenyu ngazviziviswe Mwari muchinyengetera uye muchiteterera pamwe chete nekuonga.”—VaFiripi 4:6.

     Zvazvinoreva: Tinofanira kunyengetera kuna Mwari, kwete kuna Jesu, Mariya, kana kuvasande. Nemashoko ekuti, “Baba vedu,” munyengetero waShe unotidzidzisa kuti tinofanira kunyengetera kuna Jehovha Mwari chete.

  •   Nyengeterera zvinhu zvinoenderana nekuda kwaMwari

     Rugwaro: “Pasinei nezvatinokumbira maererano nekuda kwake, iye anotinzwa.”—1 Johani 5:14.

     Zvazvinoreva: Tinogona kunyengetera nezvechero chii zvacho chinoenderana nekuda kwaMwari. Jesu akatidzidzisa kuti kuda kwaMwari kunokosha zvakadini kuburikidza nekuita kuti munyengetero waShe unge uine mashoko ekuti “kuda kwenyu ngakuitwe.” Tinogona kuziva kuda kwaMwari pamusoro penyika uye vanhu kuburikidza nekudzidza Bhaibheri.

  •   Nyengetera nezvezvinhu zvinokunetsa

     Rugwaro: “Kanda mutoro wako pana Jehovha, iye achakutsigira.”—Pisarema 55:22.

     Zvazvinoreva: Mwari ane hanya nezvinotinetsa. Sezvo Jesu akataura zvinhu zvakasiyana-siyana zvatinoda mumunyengetero waShe, tinogona kunyengetera nezvezvinhu zvatinoda zvezuva nezuva, kutungamirirwa pakuita zvisarudzo zvinokosha, kutsigirwa patinoomerwa, uye kuregererwa zvivi zvedu. c

a Semuenzaniso, Jesu nevadzidzi vake vakapa mimwe minyengetero asi vasingadzokorori shoko neshoko zviri mumunyengetero uyu wemuenzaniso.—Ruka 23:34; VaFiripi 1:9.

b The Bible in Union SHONA Version rinogumisa munyengetero waShe nemashoko ekuti: “Nokuti ushe ndohwenyu, nesimba nokubwinya, nokusingaperi. Ameni.” Mashoko aya ekurumbidza Mwari, ayo anowanikawo mune mamwe maBhaibheri, anozivikanwa sedoxology. Zvisinei, The Jerome Biblical Commentary rinoti: “Doxology . . . haiwaniki [muzvinyorwa] zvakawanda zvinovimbwa nazvo zvekare.”

c Vaya vanoziva kuti vanoda kuti Mwari avaregerere vanogona kuzvipa mhosva zvakanyanya zvekuti vanoomerwa nekunyengetera. Asi Jehovha anoti kwavari: “Chiuyai zvino tiruramise zvinhu.” (Isaya 1:18) Haaregi kuteerera munhu anoda nemwoyo wese kuregererwa naye.