Enda pane zvauri kuda

Kuuya kwaKristu Kunorevei?

Kuuya kwaKristu Kunorevei?

Mhinduro yeBhaibheri

 Magwaro anotaura kakawanda kuti Kristu achauya kuzotonga vanhu panyika. a Somuenzaniso, Mateu 25:31-​33 inoti:

 “Mwanakomana womunhu [Jesu Kristu] paanosvika achibwinya, aine ngirozi dzose, achabva agara pachigaro chake choumambo chinobwinya. Zvino marudzi ose achaunganidzwa pamberi pake, uye achaparadzanisa vanhu mumwe achibva kune mumwe, sokuparadzanisa kunoita mufudzi makwai nembudzi. Zvino achaisa makwai kuruoko rwake rworudyi, asi mbudzi kuruboshwe rwake.”

 Kutonga uku kwaitaurwa naJesu kuchaitika munguva ‘yokutambudzika kukuru’ kusina kumboitika. Kutambudzika ikoko kuchaguma nehondo yeAmagedhoni. (Mateu 24:21; Zvakazarurwa 16:16) Vavengi vaKristu vanotaurwa mumufananidzo wake sembudzi, “vachatongerwa kuparadzwa nokusingaperi.” (2 VaTesaronika 1:9; Zvakazarurwa 19:11, 15) Asi vashumiri vake vakatendeka, kureva makwai, vachange vaine tariro yokurarama “upenyu husingaperi.”​—Mateu 25:46.

Kristu achauya riini?

 Jesu akati: “Hapana munhu anoziva nezvezuva iroro neawa.” (Mateu 24:36, 42; 25:13) Asi akataura zvinhu zvakasiyana-siyana zvinooneka, ‘zvaizoratidza’ kuti ava pedyo nokuuya.​—Mateu 24:3, 7-14; Ruka 21:10, 11.

Kristu achauya aine muviri unooneka here?

 Jesu akamutswa aine muviri usingaoneki, saka haazouyi aine muviri wenyama. (1 VaKorinde 15:45; 1 Petro 3:18) Ndokusaka paakanga ava pedyo nokufa akaudza vaapostora vake kuti: “Munguva pfupi, nyika haichazondioni.”​—Johani 14:19.

Nhema dzinowanzotaurwa nezvekuuya kwaKristu

 Nhema: Bhaibheri parinotaura kuti vanhu vachaona Jesu “achiuya ari pamakore,” rinenge richireva kuti Jesu achaonekwa nevanhu achiuya.​—Mateu 24:30.

 Chokwadi: MuBhaibheri makore anowanzomiririra zvinhu zvatisingagoni kuona nemaziso edu. (Revhitiko 16:2; Numeri 11:25; Dheuteronomio 33:26) Semuenzaniso, Mwari akaudza Mosesi kuti: “Ndichauya kwauri ndiri mugore dema.” (Eksodho 19:9) Mosesi haana kuona Mwari nemaziso ake. Kristu ‘achauyawo ari pamakore’ pakuti vanhu vachaziva kuti auya kunyange vasingazogoni kumuona nemaziso avo.

 Nhema: Mashoko anotaura nezvekuuya kwaKristu akashandiswa pana Zvakazarurwa 1:7, okuti “maziso ose achamuona,” anoreva kuti vanhu vachanyatsomuona nemaziso avo.

 Chokwadi: Dzimwe nguva mashoko echiGiriki ari muBhaibheri ekuti “ziso” uye “kuona” anoshandiswa achireva kunzwisisa chimwe chinhu kwete kuchiona nemaziso. b (Mateu 13:15; Ruka 19:42; VaRoma 15:21; VaEfeso 1:18) Richitaura nezvaJesu pashure pekunge amutswa Bhaibheri rinoti ‘ndiye oga, anogara muchiedza chisingasvikiki, asina munhu anogona kumuona.’ (1 Timoti 6:16) Saizvozvowo, “maziso ose achamuona” kureva kuti vanhu vose vachaziva kuti Jesu ndiye anenge achiunza mutongo waMwari pavanhu—Mateu 24:30.

 

a Vanhu vakawanda vanoshandisa mashoko okuti “kuuya kwechipiri” kana kuti “kudzoka” pavanenge vachitaura nezvekuuya kwaKristu, asi haawaniki hawo muBhaibheri.

b Ona The New Thayer’s Greek-English Lexicon of the New Testament (1981), mapeji 451 ne470.