Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndiri Munhu Anovimbwa Naye Here?

Ndiri Munhu Anovimbwa Naye Here?

 Zviongorore!

  •  Pachinhu chimwe nechimwe chiri pasi apa nyora kuti unochiita sei. Unozviita nguva dzose here, apo neapo here, kana kuti hautombozviiti.

    •  kutendeseka

    •  kuvimbwa

    •  kubata nguva

    •  kushanda nesimba

    •  kurongeka

    •  kubatsira vamwe

    •  kuremekedza vamwe

    •  kuva nehanya

  •   Pazvinhu izvi ndechipi chaunonyanya kuita?

     Uri kuita zvakanaka ramba wakadaro.​—VaFiripi 3:16.

  •   Ndechipi chaunoda kuzogadzirisa?

 Mashoko anotevera achakubatsira kuti ugone kugadzirisa chinhu chawataura.

 Kuva munhu anovimbwa naye kunorevei?

 Vanhu vanovimbwa navo vanhu vanoita zvavanotarisirwa kuti vaite kuchikoro, kumba uye munzvimbo yavanogara. Vanoziva kuti pazvinhu zvavanoita, ndivo vachabvunzwa. Saka kana vakakanganisa vanobvuma mhosva yavo, vokumbira ruregerero uye voedza kugadzirisa pavakanganisa.

 Bhaibheri rinoti: “Mumwe nomumwe achatakura mutoro wake.”—VaGaratiya 6:5.

 Sei ndichifanira kuva munhu anovimbwa naye?

  Munhu anovimbwa naye anoshandisa zvakanaka matarenda ake uye vanhu vanobva vamuremekedza, vomubata somunhu mukuru uye anopiwa rusununguko rwakakura uye mamwe mabasa okuita.

 Bhaibheri rinoti: “Unoona munhu ane unyanzvi pabasa rake here? Iye achamira pamberi pemadzimambo.”—Zvirevo 22:29.

  Kazhinji kacho munhu anovimbwa naye munhu ane rupo uye anowanzova neshamwari dzechokwadi.

 Bhaibheri rinoti: “Garai muchipa, uye vanhu vachakupaiwo.”—Ruka 6:38.

  Munhu anovimbwa naye anofara nezvaanoita uye haazvirovi dundundu uye izvi zvinomubatsira kuti ave nechivimbo pane zvaanozoita.

 Bhaibheri rinoti: “Munhu mumwe nomumwe ngaaratidze zvakaita basa rake oga, uye achabva ava nechikonzero chokupembera nomufaro pamusoro pebasa rake.”—VaGaratiya 6:4.

 Ndingaitei kuti vanhu vawedzere kundivimba?

 Kuti ukwanise kupindura mubvunzo uyu, tarisa mashoko anotevera. Mashoko api anonyatsorondedzera mafungiro ako?

 “Zvinobhowa kubatwa kunge kamwana kokuti mai kana kuti baba vanoda kuziva kanhu kose kauri kuita!”​—Kerri.

 “Vabereki vangu vanowanzondibvumira kuti ndiende kwandinoda neshamwari dzangu vasina kundibvunza mibvunzo hobho-hobho.”​—Richard.

 “Pandinoona vana vezera rangu vachiita zvimwe zvinhu ndinobva ndati: ‘Heyi vamwe zvavo! Sei vabereki vangu vasingandibvumiriwo?’”​—Anne.

 “Vabereki vangu vanondibvumira kuita zvandinoda. Ndinovatenda chaizvo nokundipa rusununguko irworwo.”​—Marina.

 Chinhu chinokosha: Vamwe vana vanopiwa rusununguko rwakakura kudarika vamwe. Sei zvichisiyana?

 Chokwadi chisingarambiki: Paunowedzera kuva munhu akavimbika unobva wawedzerwawo rusununguko.

 Somuenzaniso, ona zvakataurwa nevechiduku vambotaurwa pamusoro apa.

 Richard: “Pane imwe nguva vabereki vangu vaimbozeza kundipa rusununguko rwakati kurei. Asi iye zvino vava kundivimba nokuti ndinoitawo zvinhu zvine musoro. Kana pane kwandiri kuda kuenda ndinovaudza uye ndinotovaudza kuti ndiani wandiri kuenda naye. Ndini ndinototanga kuvaudza zvandiri kuda kuita ivo vasati vandibvunza.”

 Marina: “Muupenyu hwangu ndakanyepera vabereki vangu kaviri, uye vakandibata pose pandaivanyepera. Kubvira ipapo ndakanga ndava kuvaudza chokwadi. Somuenzaniso, ndinovaudza zvose zvandiri kuda kuita uye kana ndichida kubuda ndinotanga ndavaudza. Iye zvino vava kundivimba.”

Unotanga kuita mabasa epamba here kana kuti kutamba?

 Unodawo here kubatwa sezvinoitwa Richard naMarina? Ona kuti unoita sei pazvinhu zvinotevera:

ZVAUNOITA URI PAMBA

  •   Unonyatsoita zvakanaka uye wopedza here mabasa aunopiwa pamba?

  •   Nguva yaunonzi usvike pamba ndiyo here yaunosvika?

  •   Unoremekedza vabereki vako, vakoma, vanin’ina nehanzvadzi dzako here?

 Pane here zvaunofanira kugadzirisa pane zviri pamusoro apa?

 Bhaibheri rinoti: “Teererai vabereki venyu.”​—VaEfeso 6:1.

BASA ROKUCHIKORO

  •   Basa raunopiwa kuchikoro uchinzi uzoitira kumba unoripedza nenguva here?

  •   Uri kudzidza nesimba here kuti upase?

  •   Unogara uchiverenga mabhuku ako echikoro here?

 Pane here zvaunofanira kugadzirisa pane zviri pamusoro apa?

 Bhaibheri rinoti: “Uchenjeri hunodzivirira.” (Muparidzi 7:12) Dzidzo yakanaka ichakubatsira kuti uve nouchenjeri.

KUZIVIKANWA KWAUNOITWA

  •   Wakatendeseka here kuvabereki vako uye kune vamwe vanhu?

  •   Unogona kushandisa mari zvakanaka here?

  •   Vanhu vanovimba newe here?

 Pane here zvaunofanira kugadzirisa pane zviri pamusoro apa?

 Bhaibheri rinoti: ‘Pfekai unhu hutsva.’ (VaEfeso 4:24) Unogona kugadzirisa unhu hwako uye zvaunoita.

 Zvaungaita: Sarudza chinhu chaunoda kugadzirisa. Taura nevamwe vari kugona kuita chinhu ichocho, uye vabvunze kuti vari kuzviita sei. Nyora kuti zvii zvauchaita kuti ugadzirise chinhu ichocho uye zviongorore pashure pemwedzi kuti uone kuti wava papi. Iva nekabhuku kaunonyora zvaunenge wagona uye zvaunenge watadza.