Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MUBVUNZO 3

Ndiani Akanyora Bhaibheri?

“Mozisi akanyora pasi mashoko ese aJehovha.”

Eksodho 24:4

“Dhanieri akarota hope uye akaona zviratidzo akarara pamubhedha wake. Akabva anyora hope dzacho, achirondedzera zvinhu zvacho zvese.”

Dhanieri 7:1

“Pamakagamuchira shoko raMwari ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko revanhu, asi sezvariri chaizvo, seshoko raMwari.”

1 VaTesaronika 2:13

“Magwaro ese akafemerwa naMwari uye anobatsira pakudzidzisa.”

2 Timoti 3:16

“Hapana kana pakamboziviswa uprofita huchibva mupfungwa dzevanhu, asi vanhu vakataura zvichibva kuna Mwari, vachitungamirirwa nemweya mutsvene.”

2 Petro 1:21