Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MUBVUNZO 7

Bhaibheri Rakagara Ratii Nezvemazuva Atiri Kurarama?

“Rudzi ruchamukira rudzi uye umambo huchamukira umambo . . . Zvese izvi zvichava kutanga kwemarwadzo anotambudza.”

Mateu 24:7, 8

“Vaprofita venhema vazhinji vachamuka votsausa vanhu vazhinji; uye kuwedzera kwekusateerera mutemo kuchaita kuti rudo rwevazhinji rutonhore.”

Mateu 24:11, 12

“Pamunonzwa nezvehondo nemashoko ezvehondo, musavhunduka; zvinhu izvi zvinofanira kuitika, asi mugumo unenge usati wasvika.”

Mako 13:7

“Kuchava nekudengenyeka kwenyika kukuru, uye munzvimbo dzakawanda muchava nenzara nematenda; kuchaonekwa zvinhu zvinotyisa, uye zviratidzo zvikuru zvichabva kudenga.”

Ruka 21:11

“Mumazuva ekupedzisira, nguva dzakaoma, dzinonetsa kurarama madziri dzichasvika. Nekuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanomhura, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasina kuvimbika, vasina rudo runongobva rwega mumwoyo, vasingatombodi kubvumirana, vanotaura zvenhema nezvevamwe, vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza, vanoda mafaro panzvimbo pekuda Mwari, vanoita sekunge vanonamata Mwari asi vasingaiti zvinoenderana nekunamata kwacho.”

2 Timoti 3:1-5