Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | CHANDINORARAMIRA CHII?

Nokuti Tariro Iripo

Nokuti Tariro Iripo

“Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.”—PISAREMA 37:11.

Bhaibheri rinotaura kuti upenyu ‘hwakazara nematambudziko.’ (Jobho 14:1) Mazuva ano hapana asina dambudziko raanosangana naro. Asi vamwe vanoona sokuti hapana chikonzero chokurarama, sokunge kuti hazviiti kuti vararame upenyu huri nani mune ramangwana. Ndiwo mafungiro aunoitawo here? Kana ari iwo, simbisirwa kuti Bhaibheri rinogona kukupa tariro ichakubatsira uye ichabatsirawo vamwe. Somuenzaniso:

  • Bhaibheri rinodzidzisa kuti Jehovha Mwari paakatisika ane zvinhu zvakanaka zvaaitifungira.—Genesisi 1:28.

  • Jehovha Mwari anovimbisa kuti nyika ino ichava paradhiso.—Isaya 65:21-25.

  • Zvaakavimbisa ndezvechokwadi. Zvakazarurwa 21:3, 4 inoti:

    “Tende raMwari riri pakati pevanhu, iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Mwari pachake achava navo. Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”

Tarisiro idzi hadzisi dzokuda kungofadzana. Jehovha Mwari achanyatsozvizadzisa uye ane simba nechido chokuzviita. Tarisiro dziri muBhaibheri ndedzechokwadi uye dzinoita kuti tiwane mhinduro dzomubvunzo wokuti “Chandinoraramira chii?”

YEUKA IZVI: Kunyanya kufunga kunogona kukudya, asi mashoko anonyaradza ari muBhaibheri anogona kuita kuti usanyanya kuzvidya mwoyo.

ZVAUNGAITA NHASI: Ongorora uone kuti Bhaibheri rinoti chii nezveramangwana. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubatsira. Unogona kutaura nevanogara pedyo newe kana kuti kutsvaka mashoko anobatsira panzvimbo yavo yepaIndaneti inonzi, jw.org. *

^ ndima 11 Zvaungaita: Enda paIndaneti pajw.org wovhura pakanzi MABHUKU > RAIBHURARI YEPAINDANETI. Chibva wanyora mashoko akadai sokuti “kuora mwoyo,” “depression” kana kuti “kuzviuraya” kuti uwane mashoko angakubatsira.