Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MAZANO OKUBATSIRA MHURI | WANANO

Kana Usisina Mufaro Muwanano Yenyu

Kana Usisina Mufaro Muwanano Yenyu

DAMBUDZIKO

Musati maroorana, iwe nemumwe wako maiita sokuti mune zvakawanda zvamunowirirana. Asi zvino, panzvimbo pokunakidzwa nemba, mava kuita sevasungwa nemhaka yokuti zvamaifungidzira kuti wanano yenyu ichange yakaita hazvisizvo zviri kuitika.

Zvinoita kuti munatsiridze ukama hwenyu. Asi chaunofanira kutanga kuziva ndechokuti zvii zviri kukonzera kuti musawirirane. *

CHINOZVIKONZERA

Wava kunyatsoona zvinhu sezvazviri. Kuenda kubasa, kutarisira vana, uye zvinoitwa nehama dzemurume, zvinogona kuvhiringa mufaro wemba yenyu. Kunewo matambudziko anongomuka anogona kuvhiringa wanano akadai seemari kana kutarisira womumhuri ari kurwara.

Zvausingawirirani nomumwe wako zvinoita sekuti hazvigadzirisiki. Mukomana nemusikana pavanenge vachiri kupfimbana, vanogona kusazvitora senyaya hombe kana vakasawirirana pane chimwe chinhu. Asi pavanoroorana, vanozoona kuti vakasiyana chaizvo muzvinhu zvakadai sematauriro, mashandisiro emari uyewo mukugadzirisa zvinenge zvanetsa. Kusiyana kuri pakati pavo kwavaisimboona sechinhu chidiki kunenge kwava nyaya hombe.

Hausisina hanya nemumwe wako. Kana kutaura, kuita zvinorwadzisa mumwe uye kusagadzirisa kusawirirana kwamunenge munako zvikaramba zvichiitika, zvinogona kuita kuti murume kana mudzimai asave nehanya nomumwe wake. Uye chakatoipa ndechokuti zvinogona kuita kuti atange kuwirirana nomumwe munhu waasina kuroorana naye.

Waitarisira zvakawandisa. Vamwe vanhu vanopinda muwanano vaine pfungwa yokuti vawana munhu akagara anzi ndewavo. Kunyange zvazvo mafungiro akadaro achinakidza, ane ngozi. Panongotanga matambudziko, pfungwa yokuti munhu wandakawana “ndiye chaiye” inobva yanyangarika, zvoita kuti ufunge kuti wakakanganisa kusarudza.

ZVAUNGAITA

Nyanya kufunga nezveunhu hwakanaka hwemumwe wako. Edza izvi: Nyora pasi unhu hutatu hwakanaka hune mumwe wako. Chengeta zvawanyora, zvimwe kuseri kwekapikicha kenyu kemuchato kana kuti mufoni yako. Gara uchitarisa zvawakanyora, kuti urambe uchiyeuka zvakaita kuti ude kuroorana nemumwe wako. Kunyanya kufunga nezveunhu hwakanaka hwemumwe wako kunoita kuti muve norugare uye zvichakubatsirai pakugadzirisa kusawirirana kwamunoita.—Zvinotaurwa neBhaibheri: VaRoma 14:19.

Rongai kuva nenguva yokuva pamwe chete. Muchiri mukomana nemusikana maiita zvekutoronga kuti muve nenguva yokuita zvinhu zvenyu pamwe chete uye mainakidzwa. Madii kuita izvozvo? Rongai kuti muve nenguva dzamunenge muri vaviri sezvamaiita muchiri mukomana nemusikana. Izvi zvichaita kuti muwedzere kudanana uye zvichakubatsirai kugadzirisa matambudziko anomuka muwanano yenyu.—Zvinotaurwa neBhaibheri: Zvirevo 5:18.

Udza mumwe wako zviri mumwoyo mako. Kana wagumburwa nemashoko kana nezviito zvemumwe wako, zvinoita here kuti ungosiyana nenyaya yacho? Kana usingagoni usaite zvinoitwa nevana zvekungonyararira mumwe wako wakafundumwara. Kana zvichiita, ibva wataurirana naye zuva iroro asi uchizviita wakadzikama.—Zvinotaurwa neBhaibheri: VaEfeso 4:26.

Kana wagumburwa nemashoko kana nezviito zvemumwe wako, zvinoita here kuti ungosiyana nenyaya yacho?

Ziva kuti zvauri kufungira mumwe wako zvinogona kunge zvakasiyana nezvaanga achifunga. Kazhinji kacho, pauviri hwenyu hapana anenge aine chinangwa chokurwadzisa mumwe. Ita kuti mumwe wako azive izvi nokunyatsokumbira ruregerero pakumurwadzisa kwaunogona kunge waita. Chibvai makurukura kuti zvii zvamungaita kuti musazorwadzisane. Itai zvinotaurwa muBhaibheri zvokuti: “Itiranai mutsa, muchinzwirana tsitsi kwazvo, muchikanganwirana nomwoyo wose.”—VaEfeso 4:32.

Usatarisire zvakawandisa. Bhaibheri rinoti vaya vanoroorana “vachava nedambudziko munyama yavo.” (1 VaKorinde 7:28) Paunosangana nematambudziko muwanano usabva wakurumidza kufunga kuti wakakanganisa pakusarudza wokuroorana naye. Asi, shandai pamwe chete pakugadzirisa kusawirirana kwamunenge munako uye “rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose.”—VaKorose 3:13.

^ ndima 5 Kunyange zvazvo nyaya ino yakanangana nemadzimai, mazano arimo anoshanda kunyange kuvarume.