Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | ZVINHU 5 ZVAUNGAITA KUTI UVE NOUTANO

Zvaungaita Kuti Uve Noutano

Zvaungaita Kuti Uve Noutano

HAPANA anoda kurwara. Kurwara kunokutadzisa kuita zvimwe zvinhu uye kurapwa kunodhura. Kana uchirwara haukwanisi kushanda, kuenda kuchikoro kana kuti kuriritira mhuri. Dzimwe nguva pangatoda mumwe munhu anouya achikupepa uye panogona kunge pachidiwa mari yakawanda kuchipatara uye yekutenga mishonga.

Kugara wazvidzivirira kuri nani pane kuti urware uchiti ndichazorapwa. Zvimwe zvirwere hazvinzvengeki. Asi pane zvakawanda zvaunogona kuita kuti uderedze mikana yekubatwa nezvirwere. Verenga unzwe zvinhu 5 zvaunogona kuita kuti urambe uine utano hwakanaka.

1 IVA NEUTSANANA

Vezveutano vanoti, “imwe nzira yakanakisisa yekuti usarwara uye usaparadzira zvirwere” ndeyekugeza maoko ako. Zviri nyore chaizvo kuti ubatwe neflu kana ukabata mhino yako kana maziso nemaoko ane utachiona. Kugeza maoko ako nguva dzose kunokosha kuti uzvidzivirire. Kuva neutsanana kunoita kuti zvirwere zvakadai semabayo nemanyoka zvisapararira. Gore negore zvirwere izvi zviri kuuraya vana vari pasi pemakore 5 vanopfuura 2 miriyoni. Kugeza maoko kunoitawo kuti chirwere cheEbola chisapararira.

Kuti usarwara uye kuti usaparadzira zvirwere, unofanira kugeza maoko:

  • Kana wabva kuchimbuzi.

  • Kana wapedza kuchinja mwana munapukeni kana kuti wamuperekedza kuchimbuzi.

  • Usati waisa ronda mushonga uyewo wapedza kuriisa.

  • Usati waenda pane murwere uye wabva paari.

  • Usati wagadzira chikafu, kana kuchipakura kana kuchidya.

  • Kana wahetsura, kana kukosora kana kuti kufura dzihwa.

  • Kana wabata mhuka kana kuti tsvina yayo.

  • Kana wabata marara.

Kunyange uchigeza maoko ako nguva dzose, pane zvaunofanira kuyeuka. Ongororo dzakaitwa dzinoratidza kuti vanhu vakawanda pavanobva muzvimbuzi havanyatsogezi maoko avo uye vamwe havatomboagezi. Unofanira kugeza sei maoko ako?

  • Nyorovesa maoko ako nemvura yakachena iri kuchururuka wobva waazora sipo.

  • Nyatsoakwiza kusvikira sipo yava kubudisa furo wogeza nzara, zvigunwe, kuseri kwemaoko uye pakati pezvigunwe.

  • Ramba uchiakwiza kwemasekonzi 20 zvichienda mberi.

  • Chiadzumburudza nemvura yakachena iri kuchururuka.

  • Chibva waapukuta nepaper towel kana kungoasiya achioma.

Kuita zvinhu izvi kungaita sezvinhu zvidiki asi kunodzivirira pazvirwere.

2 SHANDISA MVURA YAKACHENA

Mune dzimwe nyika, mhuri yoga yoga inozvitsvagira mvura yakachena yokushandisa. Kunyange kana vamwe vasina dambudziko pakuwana mvura yakachena, naivowo vanogona kusangana nedambudziko panoitika mafashamo, madutu, panotsemuka mapaipi emvura kana kuti panoitikawo zvimwe zvinhu. Kana panotorwa mvura pasina kuchena kana kuti isina kuchengetwa zvakanaka, utachiona hunogona kupinda mumvura iyoyo, zvokonzera korera, zvirwere zvemanyoka nezvimwewo. Gore roga roga, vanhu vanenge 1,7 bhiriyoni vanorwara nemanyoka nemhaka yekunwa mvura isina kuchena.

Pane zvakawanda zvaunogona kuita kuti uderedze kana kuti udzivirire zvirwere

Munhu anowanzobatwa nekorera kana anwa mvura kana kuti adya chikafu chaenda tsvina yemunhu anenge aine korera. Kana pakaitika dambudziko rokushayikwa kwemvura yakachena, ungaita sei kuti uzvidzivirire kuti usabatwa nekorera nezvimwe zvirwere zvinokonzerwa nemvura isina kuchena?

  • Inwa mvura inenge yakaiswa mushonga unouraya utachiona kana kuti inotengwa iri muzvigubhu uye ndiyo yaunofanira kushandisa pakugeza mazino, kubika uye kusuka midziyo yemukicheni.

  • Kana uchifungidzira kuti mvura yemupombi haina kuchena, tanga waibhoira kana kuisa mushonga unouraya utachiona.

  • Kana uchida kushandisa mushonga wakadai sejik kana mamwewo mapiritsi okuuraya utachiona, nyatsotevedzera mirayiridzo inenge yakanyorwa.

  • Shandisa mafilter anonyatsosefa mvura uye anouraya utachiona kana achiwanika uye achitengeka.

  • Mvura inenge yaiswa mushonga inofanira kugara yakavharwa kuitira kuti isapinda zvimwe zvinhu zvinogona kuisvibisa zvekare.

  • Shandisa kapu yakachena kucheresa mvura.

  • Pakubata zvinhu zvinochengeterwa mvura yakachena, iva nechokwadi chokuti maoko ako akachena uye usanyika zvigunwe zvako kana maoko mumvura yokunwa.

3 NGWARIRA ZVAUNODYA

Kuti uve neutano hwakanaka unofanira kudya zvokudya zvinovaka muviri. Ngwarira kuti usadya zvinhu zvakawanda munyu, mafuta kana shuga uyewo usadyisa. Idya zvinhu zvakasiyana-siyana zvinosanganisira michero nemiriwo. Zvokudya zvakadai sechingwa, macereal, pasta uye mupunga zvinovaka muviri uye zvinobatsira kuti chikafu chinyatsogayika mumuviri. Saka paunozvitenga, unofanira kutanga watarisa zvakanyorwa papepa racho kuti uzive kana zvisina kubviswa zvimwe zvinhu zvinovaka muviri. Kuti uwane maprotein, idya nyama shoma isina mafuta akawanda uyewo kana zvichiita edza kudya hove kakati wandei pavhiki.

Kana ukadya zvinhu zvakawanda shuga kana mafuta akagwamba, unogona kupedzisira wafuta. Kuti usafuta, inwa mvura yakawanda panzvimbo pokunwa zvinhu zvinotapira. Idya michero yakawanda panzvimbo petwunotapira. Deredza madyiro aunoita zvinhu zvine mafuta akagwamba zvakadai semasausage, nyama, majarini uye zvimwe zvinogadzirwa nemafuta iwayo zvakadai semakeke, cheese nemabhisikiti. Kushandisa cooking oil pakubika kuri nani pane kushandisa mafuta akagwamba.

Zvokudya zvine munyu wakawanda zvinogona kusimudza chirwere cheBP. Kana uine dambudziko reBP uye uchida kutenga zvokudya, tanga watarisa bepa racho kuti uzive kuti zvine munyu wakawanda sei. Pakurunga zvokudya, zviri nani kushandisa maspice pane kushandisa munyu.

Unofanira kungwarira kuti usanyanya kudyisa. Kunyange chikafu chikakunakira, kana waguta siya, pane kungoramba uchingodya.

Zvimwe zvokudya zvinogona kukurwarisa kana zvikasagadzirwa kana kuchengetwa zvakanaka. Gore negore, munhu mumwe chete pavanhu 6 vokuAmerica anorwara nemhaka yenyaya iyoyi. Vamwe vavo vanogona kupora havo asi vamwe vacho vanotosvika pakufa. Ungazvidzivirira sei panyaya iyi?

  • Muriwo unogona kunge wakaiswa mupfudze, saka zvakakosha kuti utange wausuka usati wabika.

  • Shandisa sipo nemvura inopisa kugeza maoko, kusuka ndiro, mapanga, pekuchekerera nezvimwewo zvinoshandiswa pakubika.

  • Unofanira kutanga wasuka nzvimbo yawanga uchigadzirira zvinhu zvimbishi zvakadai semazai, nyama kana hove usati washandisa nzvimbo iyoyo kugadzira chimwe chikafu.

  • Nyatsobika chikafu kuti chinyatsoibva, uye kana chisiri kuzodyiwa nekukurumidza ibva wachiisa mufiriji kuti chisakanganisike.

  • Kana chikafu chacho chikapedza maawa anopfuura maviri chisiri mufiriji uye kuchipisa 32°C zvichienda mberi, chinofanira kuraswa.

4 GARA UCHIITA MAEKISESAIZI

Pasinei nekuti wakura zvakadini, unofanira kugara uchiita maekisesaizi kuti ugare wakasimba. Vanhu vakawanda mazuva ano havanyanyi kuita maekisesaizi. Kuita maekisesaizi kwakanakirei? Kunokubatsira kuti:

  • Urare zvakanaka.

  • Ugare wakachangamuka.

  • Mabhonzo netsandanyama zvigare zvakasimba.

  • Ugare uine uremu hwakanaka.

  • Uderedze mikana yekurwara nechirwere chedepression.

  • Urarame kwenguva yakati rebei.

Kana usingaiti maekisesaizi, unogona:

  • Kurwara nechirwere chemwoyo.

  • Kurwara nechirwere cheshuga.

  • Kurwara neBP.

  • Kuita mafuta akawanda muropa.

  • Kuita stroke.

Kuti uzive maekisesaizi anonyatsoenderana newe, tanga wabvunza chiremba wako. Vakawanda vanoona nezveutano vanokurudzira kuti vana vadiki nevachiri kuyaruka vaite maekisesaizi mazuva ose kweawa imwe chete zvichienda mberi. Vanhu vakuru vanokurudzirwawo kuti pavhiki vaite maekisesaizi kwemaawa maviri zvichienda mberi.

Ita maekisesaizi anokunakidza. Unogona kutamba bhora, basketball, tennis, kuchovha bhasikoro, kufamba, kutema huni, kutuhwina, kukwasva chikepe, kujoga kana kuitawo mamwe maekisesaizi. Pakuita maekisesaizi pane mamwe anoita kuti ubude ziya uye mamwe anotoita kuti unetseke kutaura kana uchiaita. Saka sarudza anokuitira.

5 NYATSORARA ZVAKAKWANA

Nguva inodiwa pakurara inosiyana-siyana pamunhu mumwe nemumwe. Pazuva, vacheche vazhinji vanorara kwemaawa 16 kusvika ku18, vane makore ari pakati pe1 ne3 vanoda maawa 14 uye vane makore 3 kusvika ku4 vanoda maawa 11 kana kuti 12. Vana vechikoro nevari kuyaruka kazhinji vanoda maawa 9 kana 10 uye vanhu vakuru vanoda 7 kusvika ku8.

Kurara zvakakwana haisi nyaya yekuti munhu anozvisarudzira. Vanoongorora vanoti kuwana nguva yokurara yakakwana kunobatsira:

  • Kuti vana vadiki nevari kuyaruka vanyatsokura zvakanaka.

  • Pakudzidza uye kuti usanyanya kuita hanganwa.

  • Kuti muviri ugadzire mahormone akakwana anoita kuti muviri ushande zvakanaka.

  • Kuti usabatwa nechirwere chemwoyo.

  • Kuti usanyanya kubatwa nezvimwewo zvirwere.

Kusarara zvakakwana kunogona kukonzera kufuta, depression, chirwere chemwoyo necheshuga uyewo tsaona. Saka zvakakosha kuti tiwane nguva yakakwana yokurara.

Kana ukaona kuti une dambudziko rekusarara zvakakwana, ungaita sei?

  • Usachinja-chinja nguva dzaunorara uye dzaunomuka.

  • Ita kuti mumba maunorara musava neruzha, muve nerima, uye musanyanya kupisa kana kutonhora.

  • Usaona TV kana kushandisa foni kana zvimwe zvakarerekera ikoko paunenge uri mumagumbezi uchida kurara.

  • Ita kuti paunorara pange pakagadzirwa zvakanaka uye pakanyatsopfavirira.

  • Usadya chikafu chakawanda uye usanwa doro kana zvinhu zvine caffeine kana wava kuda kurara.

  • Kana ukaedza kutevedzera mazano aya asi woona kuti uchiri kunetseka nekushaya hope, kunyanya kurara masikati kana kuti kuzarirwa wakarara, unofanira kuenda kunoongororwa nachiremba.