Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tariro Kune Vasina Pekugara Uye Varombo

Tariro Kune Vasina Pekugara Uye Varombo

Joe wekuUnited States aimbova musoja. Matambudziko aakasangana nawo uye akasangana nemhuri yake akamusiya asisina pekugara kwemakore anoda kusvika 18. Rimwe gore akatanga kuenda kune imwe raibhurari munharaunda yaaiva, uye dzimwe nguva aimbokurukura nemumwe mukadzi aishanda imomo. Zvavaitaura zvakachinja upenyu hwake.

Mumwe murume wechidiki anonzi Martín wekuArgentina, aisafara nekuti ainyatsonzwa kuti akanga asingazivi Mwari. Upenyu hwaiita sehusina chinangwa kwaari. Achida kuziva chikonzero nei tichirarama, akabva pamba akazopedzisira ava kugara pane imwe mhenderekedzo yegungwa. Asi panzvimbo pekuwana chikonzero chacho, akatozopedzisira aora mwoyo zvakanyanya. Achisvimha misodzi, akateterera Mwari achiti: “Kana muriko, ndapota ndibatsireiwo kuti ndikuzivei.” Chii chakazoitika? Regai tione.

PANE zvikonzero zvakasiyana-siyana zvinoita kuti vanhu vashaye pekugara. Vamwe vakaita saJoe vane matambudziko avanosangana nawo. Vamwe vakaita saMartín vanosarudza kurarama upenyu hwakasiyana nehwevamwe nemhaka yekuti vanenge vachiona sekuti upenyu hahuna chinangwa. Uye vamwe vanoshaya pekugara nemhaka yeurombo, njodzi dzinongoitika dzega, kurwisana mudzimba, kuita zvemadhiragi, kunwisa doro, kurwara nepfungwa, kudhura kwepekugara, kana kuti kupererwa nebasa.

Dambudziko rekushaya pekugara raimbofungidzirwa kuti riri munyika dzichiri kusimukira chete kana kuti dzakasakadzwa nehondo. Asi mumwe purofesa anonzi Paul Toro anoti nyaya iyi “yatova dambudziko rakakura munyika dzakawanda dzakasimukira.” * Zvimwe zvinowedzera dambudziko racho zvingasanganisira kusabudirira kwezvirongwa zvehurumende zvekubatsira vanoshayiwa, uye kuti vapfumi vanoramba vachiwedzera kupfuma uku varombo vachiwedzera kushayiwa.

Vanhu vakawanda vanozvidya mwoyo pamusoro peramangwana. Asi vamwe vakaderedza kuzvidya mwoyo nokuongorora zvinotaurwa neBhaibheri nezveramangwana. Iyi ndiyo nyaya yatichakurukura nezvayo. Bhaibheri rinogonawo kutibatsira iye zvino sekubatsira kwarakaita Joe naMartín. Rine mazano ekushandisa muupenyu, ayo anotibatsira panyaya dzemari uye kuti tisanyanya kunetseka mupfungwa.

BHAIBHERI RAKACHINJA UPENYU HWAKE

“Joe airatidzika kuti akachenjera, ane unhu, uye anozvininipisa,” anodaro Cindi, uyo aishanda paraibhurari paiwanzouya Joe. Cindi mumwe weZvapupu zvaJehovha, saka aigara achipa Joe magazini eNharireyomurindi neMukai! uye akamukoka kumusangano wechiKristu. Ari ikoko, akabatwa zvakanaka uye zvine ruremekedzo, zvekuti kubva ipapo haana kuzorega kuenda kumisangano yechiKristu. Akabvumawo kudzidziswa Bhaibheri pashure pekuudzwa nezveurongwa hwacho nemumwe murume wemuungano iyoyo.

Kudzidza Bhaibheri kwaiita Joe kwakaita kuti atange kuzviremekedza

Kunyange zvazvo aiva nezvakawanda zvaaifanira kuchinja muupenyu hwake, Joe akanyaradzwa chaizvo nezvaaidzidza, ndokutanga kushandisa zviri muBhaibheri. Semuenzaniso, akadzidza kuti upenyu chipo chinobva kuna Mwari, uye chinofanira kuremekedzwa, uye kuti kusvuta kunosvibisa muviri. (Pisarema 36:9) Saka akarega kusvuta, achitevedzera zvinotaurwa pana 2 VaKorinde 7:1 panoti: “Ngatizvichenesei pazvinhu zvose zvinosvibisa nyama.” Zvakaitwa naJoe zvakamubatsira kuva neutano uye kuchengetedza mari.

Joe akateerera zano riri muBhaibheri rekuti tinofanira kushanda kuti tiwane chekuzviriritira nacho, akabva atanga kutsvaka basa. * (1 VaTesaronika 4:11, 12) Muparidzi 2:24 inoti, “Kumunhu hapana chinhu chiri nani kupfuura kuti adye, anwe, aite kuti mweya wake ufadzwe nezvakanaka pabasa rake rakaoma.” Mufaro iwoyo unobvawo pakuzviremekedza kwatinoita, nekuti tinenge tisingaiti zvekubiridzira pabasa redu. Uye basa rakadaro rinoita kuti tikwanise kubatsira vanoshayiwa.—VaEfeso 4:28.

Cindi anoti, “vanhu vomuungano vakagamuchira” Joe uye pavakaona chido chaaiva nacho, “vamwe vakamubatsira kunyoresa kuti awane pekugara pari nani nezvimwe zvinhu zvaaifanira kuwana.” Joe akaramba achichinja mararamiro ake kuti aite zvinodiwa naMwari uye nekufamba kwenguva akazobhabhatidzwa kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Iye zvino paanokurudzira vamwe kuti vawane uchenjeri hwaMwari hunowanikwa muBhaibheri, anozvitaura zvichibva pane zvakaitika kwaari.—Zvirevo 3:13, 14.

AKAZOWANA CHINANGWA CHEUPENYU

Martín akatanga kuda kuziva chinangwa cheupenyu aine makore 20. Anoti, “Ndakaongorora zvitendero zvakasiyana-siyana, ndikambotsvaka zvinodzidziswa nevanhu, ndikamboita zvemadhiragi, asi hapana chazvakandibatsira.” Akamboti garei muCalifornia, kuU.S.A., ndokuzotamira kuHawaii. Anoti, “Ndakafunga kuti ndainge ndazowana paradhiso.” Asi zvinhu zvinoyevedza zvainge zvakamupoteredza hazvina kumuwanisa zvaaitsvaka. Anoyeuka kuti, “Ndakatanga kuzvidya mwoyo zvakanyanya zvekuti ndakatombofunga kuzviuraya.” Ndipo paakazochema achiteterera kuna Mwari achiti, “Kana muriko, ndapota ndibatsireiwo kuti ndikuzivei.”

Iye zvino Martín ava nechinangwa muupenyu

Martín akayeuka kuti akanga amboona chikwangwani chakanzi “Imba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha.” Akaendako kuti anopinda musangano wechiKristu. Anoti, “Ndakanga ndiine vhudzi refu nendebvu, uye ndiine mbatya dzandainge ndava nemwedzi inoverengeka ndakapfeka, asi ndakagamuchirwa zvakanaka.” Martín akabvuma kudzidza Bhaibheri uye aifamba achibva kwaaigara kumhenderekedzo achienda kune nzvimbo yaiungana vanhu vakawanda mutaundi kuti anodzidza Bhaibheri.

Martín akazowana mhinduro dzemibvunzo yake. Izvi zvakaita kuti asanyanya kuzvidya mwoyo ndokuwana mufaro wakataurwa naJesu paakati: “Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.”—Mateu 5:3.

“Vanhu vainge vava kushamisika zvikuru nekuchinja kwandaiita”

Kushandisa mazano eBhaibheri akafanana neakabatsira Joe kwakabatsirawo Martín. Akanga ava munhu ava kushambidzika zvakanaka, uye achibatsirwa neZvapupu, akawana basa nepekugara. Akati “Vanhu vaiwanzondiona panzvimbo yaiungana vanhu mutaundi vakapedzisira vava kundiziva semunhu asina pekugara, asi panguva iyi vanhu vainge vava kushamisika zvikuru nekuchinja kwandaiita.”

Pave paya, Martín akadzokera kuArgentina, kwaakazobhabhatidzwa kuti ave mumwe weZvapupu zvaJehovha. Iye zvino anokoshesa ropafadzo yaava nayo yekubatsira vamwe vanoda kunyatsoziva Mwari kuti vawane mhinduro dzemibvunzo inokosha yeupenyu.

MATAMBUDZIKO EKUSHAYA PEKUGARA UYE UROMBO ACHANGE ASISIPO

Mumwe mushumiri waMwari ainzi Jeremiya, akasangana nematambudziko akakura muupenyu. Muvengi akanga apinda munyika mavo nechisimba ndokutapa vanhu verudzi rwake achinovaita varanda. (Mariro 1:3) Kunyange zvazvo Jeremiya akapona, akarasikirwa nezvinhu zvakawanda. Achirwadziwa, akanyengetera achiti: “Yeukai kutambudzika kwangu nokusava kwangu nomusha.”—Mariro 3:19.

Pasinei nematambudziko aakasangana nawo, Jeremiya haana kubva apererwa. Nei? Nekuti aiziva kuti Jehovha aisazombomusiya. (Jeremiya 1:8) Uyezve, aidzidza Magwaro, ayo anovimbisa kuti urombo uye kutambudzika zvichapera pozova nerugare rwechokwadi nekuchengeteka.—Pisarema 37:10, 11.

Umambo hwaMwari chete ndihwo huchaita kuti izvozvo zvizadzike, kwete zvinoedza kuitwa nevanhu. (Dhanieri 7:13, 14) Hapana mumwe akakodzera kuva Mambo weUmambo ihwohwo kunze kwaJesu Kristu, uyo akaratidza kuti aiva netsitsi kuvarombo paaiva panyika. (Ruka 7:22; 14:13) Paachange ava kutonga, “munhu akarurama achamera, uye rugare rukuru ruchavapo . . . Nokuti iye achanunura murombo anochemera kubatsirwa, pamwe chete nomunhu anotambudzika nomunhu wose asina mubatsiri. Achadzikinura mweya yavo pakudzvinyirirwa nepakuitirwa zvechisimba.”—Pisarema 72:7, 12, 14.

“Vachavaka dzimba vogaramo.”—Isaya 65:21

Jesu ainyanya kudzidzisa nezveUmambo hwaMwari. (Ruka 4:43) Akatodzidzisa vanhu kuti vanyengetere vachiti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.” (Mateu 6:9, 10) Upenyu huchange hwakaita sei Umambo hwaMwari pahunenge hwava kutonga panyika? Bhaibheri rinotipa nzwisa yezvahuchange hwakaita. Semuenzaniso, richitaura nezvevachatongwa neUmambo hwaMwari rinoti:

  • “Vachavaka dzimba vogaramo; vachadyara minda yemizambiringa vodya zvibereko zvayo. Havazovaki mumwe ogaramo; havazodyari mumwe odya. . . . Vanhu vandakasarudza vachafarira basa remaoko avo zvizere.”—Isaya 65:21, 22.

  • “Mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake, nepasi pomuonde wake, hapana angazovadederesa; nokuti muromo waJehovha wemauto wazvitaura.”—Mika 4:4.

Tariro iyoyo yechokwadi inogona kutisimbisa patinenge tiri mumatambudziko. Zvinotaurwa neBhaibheri zvinogonawo kutibatsira kuti tirarame upenyu hune chinangwa uye hunogutsa iye zvino, sezvakaitika kuna Joe, Martín nevamwe vakawanda. Zvechokwadi, Musiki wedu, Jehovha Mwari, anotivimbisa kuti: “Munhu anonditeerera achagara akachengeteka, asinganetseki nokutya dambudziko.” (Zvirevo 1:33) Dai izvozvo zvikaitikawo kwauri!

^ ndima 5 Nemhaka yemhirizhonga, kurwisana, kana kuti kutambudzwa, mamiriyoni evanhu akapedzisira asiyiswa misha yavo, vachiva vapoteri kune dzimwe nyika kana kuti kune dzimwe nzvimbo munyika mavo. Nyaya iyi yakataurwa muMukai! yaFebruary 8, 2002.

^ ndima 10 Vamwe vanhu vanenge vachida kushanda asi havakwanisi, zvimwe nemhaka yeurema, urwere, kana kuti kukwegura. Mwari haafariri “munhu asingadi kushanda.”—2 VaTesaronika 3:10.