Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MAZANO OKUBATSIRA MHURI | WANANO

Zvaungaita Kuti Usimbise Imba Yako

Zvaungaita Kuti Usimbise Imba Yako

DAMBUDZIKO

Musi wamakaroorana, makaita mhiko. Makavimbisana kuti muchagara mese kweupenyu hwose munhamo nemumatambudziko.

Asi nokupindana kwemakore, kukakavadzana kwava kuita kuti dzinde rorudo ritange kusvava. Nechepasi pemwoyo uchiri kunzwa uchida mumwe wako here?

ZVAUNOFANIRA KUZIVA

Kuzvipira kune wawakaroorana naye kwakaita sechinhu chinotsigisa imba yenyu

Kuzvipira kune wawakaroorana naye kunotosimbisa imba yenyu. Mazuva ano vanhu vakawanda vanozeza kuzvipira kune wavakaroorana naye. Vamwe vanoona sokuti ukazvipira kune mumwe wako unenge wazvisungirira. Mafungiro iwayo haana kunaka, unofanira kuona kuzvipira sechinhu chinotsigisa imba yenyu. Mumwe mudzimai anonzi Megan akati, “Chakanakira kuzvipira kune wawakaroorana naye ndechekuti kana mukanetsana, mose munenge muchiziva kuti imba yenyu haisi kuzoparara.” * Kuziva izvi kunoita kuti kunyange mukasangana nematambudziko muupenyu, kuagadzirisa kunova nyore.—Ona bhokisi rakanzi “ Kuzvipira Uye Kuvimbika.”

Zvinonyanya kukosha: Kana muri kunetsana mumba menyu, ino ndiyo nguva yekuti usimbise kuzvipira kwawakaita kune mumwe wako kwete kufunga kuti wakakanganisa kusarudza wokuroorana naye. Ungazviita sei?

ZVAUNGAITA

Ongorora mafungiro ako. “Kuroorana ndekweupenyu hwose.” Mashoko iwayo anoita kuti utye here kana kuti unzwe kugadzikana? Pamunonetsana nomumwe wako, pfungwa dzekurambana dzinombouya here? Kuti urambe wakazvipira kune mumwe wako, zvakakosha kuziva kuti wanano mubatanidzwa weupenyu hwose.—Zvinotaurwa neBhaibheri: Mateu 19:6.

Funga zvakaitwawo nevamwe vokumba kwenyu. Zvakaitwa nevabereki vako muwanano yavo zvinogona kuita kuti ufunge kuti ndozvauchaitawo. Mumwe mudzimai anonzi Lea akati, “Vabereki vangu vakarambana ndichiri muduku saka ndinogara ndichingofunga kuti zvimwe imba yangu ichaguma yapararawo.” Chokwadi ndechokuti kana uchida unogona kuita kuti wanano yenyu irambe yakasimba. Zvakaitika kuvabereki vako hazvirevi kuti ndizvo zvichaitika kwauri!—Zvinotaurwa neBhaibheri: VaGaratiya 6:4, 5.

Ongorora matauriro aunoita nemumwe wako. Kana ukapopotedzana nemumwe wako, usataura mashoko anoita kuti uzozvidemba, akadai seokuti “Ndava kudzokera kumba kwedu!” kana kuti “Ndakaita mistake yekukuroora!” Mashoko akadaro anokanganisa wanano yenyu. Panzvimbo pokugadzirisa dambudziko rinenge riripo, anotoita kuti murambe muchingokandirana makobvu nematete. Panzvimbo pekutaura mashoko anokododzvora, unogona kutaura kuti: “Ndinoziva hangu kuti tose takatsamwa, asi tingaita sei kuti tigadzirise dambudziko iri?”—Zvinotaurwa neBhaibheri: Zvirevo 12:18.

Ita zvinoratidza kuti wakaperera kune mumwe wako. Isa pikicha yomumwe wako padhesiki rako kubasa. Taura zvakanaka nezvewanano yenyu paunenge uchitaura nevamwe. Fonerawo mumwe wako zuva roga roga paunenge uri kure naye. Shandisa mashoko akadai seokuti “isu,” “ini nemudzimai wangu” kana kuti “ini nemurume wangu.” Kuita izvi kunoita kuti iwe uye vamwe vanhu vanyatsoona kuti wakaperera kune mumwe wako.

Tarisa kune vava nemakore vari vose. Panewo vamwe vakakwanisa kutsungirira matambudziko muwanano yavo vakabudirira. Unogona kuvabvunza kuti, “Chii chinoita kuti murambe muri mose?” Bhaibheri rinoti: “Simbi inorodza simbi, saizvozvowo munhu anorodza chiso chemumwe.” (Zvirevo 27:17) Uchifunga nezvataurwa muvhesi iyi, wadii kutsvaka mazano kune vava nemakore vakaroorana?

^ ndima 7 Bhaibheri rinobvumira kuti vakaroorana varambane chete kana mumwe wavo aita upombwe.