Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | KUNYENGETERA KUNOBATSIRA HERE?

Kubatsira Kunoita Munyengetero

Kubatsira Kunoita Munyengetero

Zviri matiri kuti tisati taita chimwe chinhu, tinombozvibvunza kuti, ‘Zvichandibatsirei?’ Kana tikazvibvunza mubvunzo iwoyo patinenge tichida kunyengetera zvinoreva here kuti tinongofunga zvakatinakira chete? Hazvirevi hazvo kudaro. Zvingori muropa kuti tinenge tichida kuziva kuti zvinobatsira here. Kunyange murume akanaka Jobho akambobvunza kuti: “Kudai ndaizomushevedza [Mwari], aizondipindura here?”—Jobho 9:16.

Munyaya dzapfuura tadzidza kuti kunyange zvazvo munyengetero uchiitwa mune zvechitendero uye uchiita kuti munhu anzwe zviri nani, chikuru ndechekuti Mwari wechokwadi anoteerera minyengetero. Anoteerera kana tikanyengetera nenzira yakarurama, tichinyengeterera zvinhu zvakakodzera. Anototikurudzira kuti tiswedere pedyo naye. (Jakobho 4:8) Kugara tichinyengetera, kunotibatsira sei? Ngationei.

Rugare rwepfungwa.

Paunosangana nematambudziko, unombonzwa sekuti wava kukurirwa nekuzvidya mwoyo here? Panguva dzakadaro, Bhaibheri rinotikurudzira ‘kuramba tichinyengetera’ uye kuita kuti ‘kukumbira kwedu kuziviswe Mwari.’ (1 VaTesaronika 5:17; VaFiripi 4:6) Bhaibheri rinotipa chivimbo chokuti kana tikanyengetera kuna Mwari, “rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo [yedu] nesimba [redu] rokufunga.” (VaFiripi 4:7) Patinoudza Baba vedu vokudenga zvose zvinotinetsa tinobva tanzwa zviri nani. Mwari anototikurudzira kuti tidaro. Pisarema 55:22 inoti: “Kanda mutoro wako pana Jehovha, iye achakutsigira.”

“Kanda mutoro wako pana Jehovha, iye achakutsigira.”Pisarema 55:22

Vanhu vakawanda pasi rose vakambowana rugare rwepfungwa rwakadai. Hee Ran, wekuSouth Korea akati: “Kunyange zvazvo ndiine matambudziko akakura, pandinonyengetera nezvawo, ndinonzwa ndarerukirwa uye ndava nesimba rekutsungirira.” Cecilia wekuPhilippines anoti: “Saamai vane vanasikana, ndinozvidya mwoyo chaizvo pandinofunga nezvavo uye pandinofunga nezvaamai vangu avo vasisakwanisi kundiziva nenyaya yekurwara uye kuchembera. Asi kunyengetera kuri kuita kuti ndikwanise kuenderera mberi neupenyu hwangu ndisinganyanyi kunetseka. Ndinoziva kuti Jehovha achandibatsira kuvachengeta.”

Tinonyaradzwa uye tinosimbiswa patinosangana nemiedzo.

Uri kushushikana zvakanyanya kana kuti upenyu hwako hutori pangozi here? Kana ukanyengetera kuna “Mwari wokunyaradza kwose” uchanzwa sekuti watura mutoro unorema. Bhaibheri rinoti “anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.” (2 VaKorinde 1:3, 4) Semuenzaniso, rimwe zuva Jesu paakanga achinetseka chaizvo, “akapfugama, akatanga kunyengetera.” Akanzwiwa here? Hongu, ‘Ngirozi yakabva kudenga yakazviratidza kwaari, ikamusimbisa.’ (Ruka 22:41, 43) Mumwe murume ainge akatendeka, Nehemiya, akatyisidzirwa nevanhu vakaipa vaida kuti asiye kuita basa raMwari. Akanyengetera kuti: “Zvino simbisai maoko angu.” Zvakazoitika zvinoratidza kuti zvechokwadi Mwari akamubatsira kuti asatye uye kuti abudirire pabasa rake. (Nehemiya 6:9-16) Reginald wekuGhana, akataura kuti anonzwa sei paanonyengetera. Anoti: “Pandinonyengetera, kunyanya kana ndiri panguva yakaoma chaizvo, ndinonzwa sekuti ndataura dambudziko rangu kune munhu anokwanisa kundibatsira uye anondipa chivimbo chekuti hapana chandinofanira kutya.” Zviri pachena kuti Mwari anotinyaradza kana tikanyengetera kwaari.

Uchenjeri Hunobva Kuna Mwari.

Zvimwe zvisarudzo zvatinoita zvinogona kutikanganisa pamwe chete nevanhu vatinoda kweupenyu hwose. Saka tingaitei kuti tive neuchenjeri hunotibatsira kusarudza zvakanaka? Bhaibheri rinoti: “Naizvozvo, kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri [kunyanya paanenge ari mumiedzo], ngaarambe achikumbira Mwari, uye iye achahupiwa; nokuti iye [Mwari] ane rupo kuna vose uye haazvidzi.” (Jakobho 1:5) Kana tikanyengeterera uchenjeri, Mwari anogona kutipa mudzimu wake mutsvene kuti utitungamirire pakusarudza zvakanaka. Saka tinogona kutokumbira mudzimu mutsvene nekuti Jesu akativimbisa kuti “Baba vari kudenga vachapa vaya vanovakumbira mudzimu mutsvene!”—Ruka 11:13.

“Ndaigara ndichinyengetera kuna Jehovha kuti anditungamirire pane zvandaizosarudza.”—Kwabena, Ghana

Kunyange Jesu aikumbira kubatsirwa naBaba vake paaida kuita zvisarudzo zvinokosha. Bhaibheri rinotiudza kuti paaida kusarudza varume 12 kuti vazova vaapostora vake, “akaramba achinyengetera kuna Mwari usiku hwose.”—Ruka 6:12.

Kungofanana naJesu, mazuva ano, vakawanda vakanyaradzwa nekuona Mwari achipindura minyengetero yavo pavaikumbira uchenjeri hwekuti vaite zvisarudzo zvakanaka. Regina wekuPhilippines akataura nezvematambudziko akawanda aakatarisana nawo, akadai sekuzviriritira nemhuri yake murume wake paainge afa, kurasikirwa nebasa, uye kurera vana ari ega. Chii chiri kumubatsira kuti aite zvisarudzo zvakanaka? Anoti, “Ndinonyengetera ndichivimba kuti Jehovha achandibatsira.” Kwabena wekuGhana anotaura chakaita kuti akumbire kubatsirwa naMwari paakati, “Basa randaiita rokuvaka iro raibhadhara rakapera.” Achitaura nezvenguva yaaifunga kuti oita zvipi, anoti, “Ndaigara ndichinyengetera kuna Jehovha kuti anditungamirire pane zvandaizosarudza.” Akawedzera kuti, “Ndinonyatsoziva kuti Jehovha akandibatsira kusarudza basa rinondiwanisa nguva yokuita zvekunamata uku ndichiwana chokurarama nacho.” Newewo unogona kutungamirirwa naJehovha kana ukanyengetera kwaari nezvenyaya dzine chekuita nekunamata kwako.

Tangokurukura kubatsira kunoita munyengetero pazvinhu zvishoma chete. (Kuti uone kubatsira kwaunoita pane zvimwe, enda pabhokisi rakanzi, “ Kubatsira Kunoita Munyengetero.”) Asi kuti ubatsirwe saizvozvo, unofanira kutanga waziva Mwari uye kuda kwake. Kana uchida, tinokukurudzira kuti ukumbire Zvapupu zvaJehovha kuti zvikubatsire kudzidza Bhaibheri. * Iri rinogona kuva danho rako rokutanga rekuswedera pedyo ‘neMunzwi womunyengetero.’—Pisarema 65:2.

^ ndima 14 Kuti udzidze zvimwe, taura neZvapupu zvaJehovha zvekwaunogara kana kuti enda paIndaneti pawww.mr1310.com.