Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Varume—Garai Nemadzimai Enyu Zvakanaka

Varume—Garai Nemadzimai Enyu Zvakanaka

MURUME angaitei kuti mudzimai wake afare? Vakawanda vakangokura vachifunga kuti basa hombe remurume nderekutsvaga mari yekuriritira mhuri yake. Asi mamwe madzimai haana mufaro uye anogara achitya pasinei nokuti ane zvose. Somuenzaniso, mumwe mukadzi wekuSpain anonzi Rosa akati nezvemurume wake, “Aiva munhu kwaye kana aine vamwe, asi kana ava pamba aiita utsinye.” Joy wekuNigeria anotiwo, “Patainge tisingabvumirani, murume wangu aiti, ‘Unofanira kuita zvose zvandinenge ndataura nokuti ndiri murume wako.’”

Murume angaitei kuti atungamirire mhuri yake nerudo? Zvii zvingaitwa nemurume kuti musha wake uve “nzvimbo yokuzororera” kumudzimai wake?Rute 1:9.

BHAIBHERI RINOTII NEZVEBASA REMURUME?

Kunyange zvazvo kuna Mwari murume nemudzimai vachikosha zvakaenzana, Bhaibheri rinoratidza zvinofanira kuitwa nemumwe nemumwe wavo mumhuri. VaRoma 7:2 inoti mudzimai akaroorwa ari pasi ‘pemutemo womurume wake.’ Masangano akawanda anosarudza mutungamiriri, saizvozvowo Mwari akapa murume basa rekuva musoro wemudzimai wake. (1 VaKorinde 11:3) Varume vanofanira kutungamirira mhuri dzavo.

Varume, munofanira kushandisa sei simba ramakapiwa naMwari? Bhaibheri rinoti, “Rambai muchida madzimai enyu, Kristu zvaakadawo ungano.” (VaEfeso 5:25) Kunyange zvazvo Jesu Kristu asina kumbobvira aroora, zvaaiita zvinogona kukubatsira kuva murume akanaka. Ngationei kuti ungazviita sei.

VARUME TEVEDZERAI MUENZANISO WAKANAKA WAJESU

Jesu aizorodza uye aibatsira vamwe. Jesu akavimbisa vose vaidzvinyirirwa uye vairemerwa nematambudziko kuti: “Uyai kwandiri, . . . uye ini ndichakuzorodzai.” (Mateu 11:28, 29) Kakawanda aivarapa uye aivabatsira kuti vave pedyo naJehovha. Saka hazvishamisi kuti vakawanda vaida kuva naJesu, vaine chokwadi chekuti aikwanisa kuvabatsira!

Varume vangatevedzera sei Jesu? Tsvaga nzira dzekurerutsira mudzimai wako basa. Mamwe madzimai anonzwa sezvaiita Rosa, uyo akati: “Ndaitoita semusikana webasa wemurume wangu.” Kusiyana neizvi, murume anonzi Kweku uyo anogara zvakanaka nemudzimai wake anoti: “Ndinowanzobvunza mudzimai wangu kuti ndoita sei kuti ndimubatsirewo. Ndinomuda, saka ndinowanzomubvunza kuti ndepapi pandingabatsirawo pamabasa epamba.”

Jesu aifungawo vamwe uye aiva netsitsi. Mumwe mukadzi uyo aiva murombo, akatambura nechimwe chirwere kwemakore 12. Paakanzwa kuti Jesu aiva nesimba rekuita zvishamiso, “akaramba achiti: ‘Kana ndikangobata nguo yake yokunze ndichapora.’” Ndizvo zvakabva zvaitika. Akaenda kuna Jesu ndokubata mupendero wenguo yake uye akabva angopora. Zvimwe vaivapo vakafunga kuti zvakaitwa nemukadzi uyu ndezvekuonererwa, asi Jesu akaona kuti kwaiva kupererwa. * Akamuudza nemutsa kuti: “Mwanasikana, . . . uve noutano hwakanaka pachirwere chako chinotambudza.” Haana kumunyadzisa kana kumutsiura, asi akanzwisisa kurwadziwa kwemukadzi wacho. Saka Jesu akaratidza kuti aiva netsitsi.Mako 5:25-34.

Varume vangatevedzera sei Jesu? Kana ukaona kuti mudzimai wako haasi kufara, munzwisise uye iva nemwoyo murefu. Edza kuona zvinhu sezvaari kuita, woratidza kuti uri kumunzwisisa. Ricardo anoti, “Kana ndikaona kuti mudzimai wangu anenge asiri kufara, ndinotozvidzora kuti ndisataure zvinhu zvingawedzera kumurwadzisa.”

Jesu aitaura nevadzidzi vake. Jesu aigara achitaura neshamwari dzake. Akati: “Ndakakuzivisai zvinhu zvose zvandakanzwa kuna Baba vangu.” (Johani 15:15) Ndizvo hazvo kuti dzimwe nguva Jesu aida kumbova oga kuti afungisise uye kuti anyengetere. Asi aiwanzotaurira vadzidzi vake zvaiva pasi pemwoyo wake. Zuva raakaurayiwa achiitwa semunhu ane mhosva, Jesu akavajekesera kuti ‘aishungurudzika kwazvo.’ (Mateu 26:38) Kunyange shamwari dzake idzi padzaimboita zvaisamufadza, Jesu haana kurega kutaura nadzo.Mateu 26:40, 41.

Kudzidza zvaiitwa naJesu kunogona kuita kuti murume ave musoro wemba uye baba vakanaka

Varume vangatevedzera sei Jesu? Taura nemudzimai wako uchinyatsomuudza zviri mumwoyo mako. Mukadzi anganyunyuta kuti murume wake anosununguka kutaura nevamwe paruzhinji asi kumba anenge akangoti zii. Asi ona kuti mukadzi anonzi Ana anonzwa sei murume wake paanomuudza zvaanofunga. Anoti, “Ndinobva ndaona kuti anondida, neni ndinobva ndawedzerawo kumuda.”

Usarwadzisa mudzimai wako nekumunyararira. Mumwe mukadzi anoti: “Murume wangu paainditsamwira, aiita mazuva asingatauri neni. Zvaiita kuti ndigare ndichizvitongesa, ndichifunga kuti handikoshi.” Mumwe murume anonzi Edwin uyo anoedza kutevedzera Jesu anoti: “Pandinotsamwa, handigadzirise dambudziko racho ipapo ipapo, asi ndinomirira nguva yakakodzera yekukurukura nyaya yacho.”

Joy ambotaurwa kwekutanga ari kuona kuti kubva pakatanga murume wake kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha ari kuchinja. Anoti: “Murume wangu ari kuchinja uye ari kushanda nesimba kuti ave murume ane rudo, achitevedzera Jesu.” Dzimba dzakawanda dziri kubatsirwa nekudzidziswa Bhaibheri seizvi. Unodawo kubatsirwa nemazano emuBhaibheri here? Unogona kukumbira mumwe weZvapupu zvaJehovha kuti adzidze newe Bhaibheri usingabhadhari.

^ ndima 10 Maererano nezviri muMutemo waMosesi, chirwere chemukadzi uyu chaiita kuti ave asina kuchena, saka munhu wese waaibata aizonzi haana kuchena.Revhitiko 15:19, 25.