Enda pane zvauri kuda

Wanano

Zvaungaita Kuti Ubudirire

Tarisirai Kuna Mwari Kuti Muve Newanano Inofadza

Kuzvibvunza mibvunzo miviri isina kuoma kunogona kukubatsira kuvandudza wanano yenyu.

Chii Chingaita Kuti Vari Muwanano Vafare?

Mazano eBhaibheri panyaya yokuva newanano inofadza anobatsira nokuti anobva kuna Jehovha Mwari anova ndiye akatanga wanano.

Mazano Anobatsira Kuti Mhuri Ifare

Zvii zvingaitwa nevarume, madzimai, vabereki nevana kuti vafare mumhuri?

Mhuri Dzinofara—Kushanda Pamwe Chete

Muri kugara muimba imwe chete asi muchiita mazvake mazvake here?

Ungava Sei Nemwoyo Murefu?

Vanhu pavanoroorana, vanosangana nematambudziko akasiyana-siyana. Mwoyo murefu unokosha kuti wanano ibudirire.

Zvaungaita Kuti Uremekedze Mumwe Wako

Murume nemudzimai vanofanira kugara vachiremekedzana. Zvii zvaungaita kuti uratidze kuti unoremekedza mumwe wako?

Kuremekedza Wawakaroorana Naye

Murume kana kuti mudzimai angataura sei noruremekedzo?

Kuti Mhuri Ifare: Ratidzanai Rudo

Basa, kuzvidya mwoyo, uye kuwandirwa nezvekuita kunogona kuita kuti murume nemudzimai vasaratidzana rudo sezvavanofanira kuita. Mungaita sei kuti mutangezve kuratidzana rudo rwechokwadi?

Tenda Zvinoitwawo Nemumwe Wako

Kana murume nemudzimai vakatarisa zvakanaka zvinoitwa nemumwe votendana, zvichaita kuti vawedzere kudanana. Zvii zvaungaita kuti uwedzere kutenda mumwe wako?

Ungaratidza Sei Kuti Unoda Mumwe Wako?

Vakaroorana vangaratidzana sei rudo? Ona zvinhu 4 zvinotaurwa neBhaibheri.

Zvaungaita Kuti Usimbise Imba Yako

Ukazvipira kune mumwe wako unenge wazvisungirira here, kana kuti zvinotoita kuti imba yenyu itsige?

Ivai Vakavimbika Kune Mumwe Nemumwe

Kutendeseka muwanano kunongoreva chete kudzivisa upombwe here?

Kuita Kuti Wanano Yechipiri Ibudirire

Wanano yechipiri inogona kuunza zvipingamupinyi zvaisava muwanano yokutanga. Vari muwanano vangabudirira sei?

Varume—Garai Nemadzimai Enyu Zvakanaka

Mhuri inogona kuwana zvose, asi ichishayiwa chimwe chinhu chinokosha.

Nzira Yekuwana Mufaro—Mufaro

Kudiwa kana kuti kuda vamwe kunoita kuti munhu afare.

Zvinotaurwa neBhaibheri

Bhaibheri Pane Zvarinotaura Here Nezvekuroorana Kwengochani?

Muvambi wewanano anofanira kuziva kuti, kuti vanhu vakaroorana vachembedzane uye vachifara vanofanira kuita sei.

Barika Rinobvumirwa Here?

Pfungwa yacho yakabva kuna Mwari here? Ona zvinotaurwa neBhaibheri nezvebarika.

Bhaibheri Rinoti Chii Nezvekuroorana Kwevanhu Vemarudzi Akasiyana?

Ona zvinotaurwa neBhaibheri nezvekufanana kwakaita marudzi uye kuroorana kwevanhu ava.

Bhaibheri Rinotii Nezvewanano?

Mazano ari muBhaibheri anogonawo kubatsira vakaroorana kuti vasanetsana kana kuti vagadzirise zvinhu zvinenge zvichinetsa.

Tinofanira Kuona Sei Wanano?

Ona kuti mabasa akapiwa vari muwanano naMwari anogona sei kubatsira kuti murume nomukadzi vafare mumba.

Kuroora Kana Kuroorwa Ndiko Kunoita Kuti Munhu Afare Here?

VaKristu vasina kuroora kana kuroorwa vanogona kufara here? Bhaibheri rinoratidza kuti tinofanira kuona sei wanano, uye rinewo muenzaniso wakanaka wemunhu asina kuroora.

Matambudziko Uye Kuagadzirisa

Ungaitei Kana Mumwe Wako Aine Unhu Hunokusvota?

Pane kuti kurega unhu une mumwe hwako hunokusvota huchikanganisa wanano yenyu, edza kutarisa rimwe divi rahwakanakira.

Zvamungaita Kuti Basa Riperere Kubasa

Mazano mashanu anogona kukubatsira kuti basa rako risavhiringidza wanano yako.

Rubatsiro Kune Vaya Vari Kushungurudzwa Mudzimba

Ziva kuti haisi mhosva yako uye Mwari ane hanya newe.

Kupedza Mhirizhonga Mudzimba

Bhaibheri rinogona sei kubatsira kunyange vaya vanonzi havaiti panyaya dzokuda kurwisana nevamwe?

Kuwirirana Natezvara Naambuya

Mazano 3 okukubatsira kuti dambudziko ringavapo pakati pako nanatezvara risakanganisa imba yako.

Zvamungaita Kuti Murambe Muine Rugare Nehama Dzenyu

Munogona kukudza vabereki venyu musingakanganisi imba yenyu.

Kana Mukava Nemaonero Akasiyana

Murume nemudzimai vangagadzirisana sei zvakanaka kana paine nyaya yavasiri kuwirirana?

Ungaitei Kana Wawakaroorana Naye Achiona Zvinonyadzisira?

Murume nemudzimai vangashanda sei pamwe chete kuti vabatsire uya anenge akapindwa muropa nekuona zvinonyadzisira uye kuti vatangezve kuvimbana?

Kuona Zvinonyadzisira Kunogona Kuparadza Wanano

Mazano aya anogona kukubatsira kukunda muedzo wekuona zvinonyadzisira mofarazve muwanano yenyu.

Zvaungaita Kuti Usaramba Uine Chigumbu

Kuti uregerere mumwe wako zvinoreva here kuti unofanira kuona sokuti zvaaita haisi nyaya hombe kana kuti kuona sokuti hapana chaitika?

Mhuri Dzinofara—Kuregererana

Zvii zvingakubatsira kuti uregerere mumwe wako?

Kuchinja Kunoita Zvinhu Murume Nomudzimai Pavanova Nevana

Ona kuti zvinotaurwa neBhaibheri zvingabatsira sei vabereki kuti vajairane neupenyu hutsva uhwu.

Kana Vana Vabva Pamba

Vabereki vanowanzoita dambudziko vana pavanokura, vobva pamba. Kana vana vabva pamba, vabereki vangaita sei kuti vasasara vava kuita sevanhu vasingatombozivani?

Panoitika Dambudziko

Wana rutsigiro rwaunoda.

Zvaungaita Kuti Usave Neshanje Muwanano

Wanano haibudiriri kana murume nemudzimai vachigara vachifungirana uye vasingavimbani. Ungaitei kuti usava neshanje pasina chikonzero?

Kushamwaridzana Kwacho Kwanyanya Here?

Unozviti, ‘Tingori shamwari’ here? Ona zvinotaurwa neBhaibheri kuti uone kuti uri papi panyaya iyi.

Kumbosiyana Uye Kugura Muchato

Kurambana Kunokanganisa Sei Vana?

Kunyange zvazvo vamwe vanhu vachifunga kuti kurambana kuchabatsira vana vavo, nyanzvi dzinotaura kuti kurambana kunokanganisa vana zvisingaiti.

Kana Usisina Mufaro Muwanano Yenyu

Mava kunzwa sokuti muri mujeri here? Zvinhu zvishanu zvinogona kubatsira wanano yenyu.

Pane Chekuraramira Here Kana Wawakaroorana Naye Akadanana Nemumwe Munhu?

Vakawanda vakanyaradzwa nemavhesi ari muBhaibheri pavakarwadziswa newavakaroorana naye.

Kuedza Kuvimbazve Nomumwe Wako

Zvakaoma kuedza kuchengetedza mhuri yako kuti isaparare pashure pekunge mumwe wako aita upombwe. Asi zvinoita!

Bhaibheri Rinobvumidza Kurambana Here?

Inzwa zvinobvumirwa naMwari uye zvaanovenga.

Upenyu Pashure Pokurambana

Vanenge vanhu vose vanorambana vanozoona kuti upenyu hwakaoma kupfuura zvavaitarisira. Mazano emuBhaibheri anogona kukubatsira kuti ubudirire.

Zvapupu zvaJehovha Zvinoona Sei Nyaya Yekurambana?

Zvapupu zvaJehovha zvinobatsira here vanhu vane wanano dzisiri kufamba zvakanaka? Vakuru veungano vanofanira here kuudza chimwe Chapupu kuti chirambane nemumwe wacho?