Mashoko Akanaka Akanyorwa naMako 5:1-43

  • Jesu anodzingira madhimoni munguruve (1-20)

  • Mwanasikana waJairosi; mukadzi anobata nguo yaJesu yekunze (21-43)

5  Vakabva vasvika mhiri kwegungwa munharaunda yevaGerasa.+  Uye Jesu achingobuda muchikepe, mumwe munhu akanga akagarwa nemweya usina kuchena akabva kumakuva* akasangana naye.  Aigara kumakuva, uye pakanga pasati pambova nemunhu aikwanisa kumusunga zvakasimba kunyange necheni chaidzo.  Akanga asungwa kakawanda nezvisungo zvemumakumbo necheni, asi aidambura cheni dzacho uye aipwanya-pwanya zvisungo zvemumakumbo; hapana aiva nesimba rekumukurira.  Uye aigara achingozhamba siku nesikati ari kumakuva nemumakomo achizvicheka-cheka nematombo.  Asi paakaona Jesu achiri kure zvishoma, akamhanya, akamupfugamira.+  Akabva ashevedzera nenzwi guru achiti: “Munei neni, Jesu, Mwanakomana waMwari Wekumusorosoro? Ndinoita kuti mupike naMwari kuti murege kundirwadzisa.”+  Nekuti Jesu aiti kumweya wacho usina kuchena: “Buda mumunhu uyu, iwe mweya usina kuchena.”+  Asi Jesu akamubvunza kuti: “Unonzi ani?” Iye akapindura kuti: “Ndinonzi Rigiyoni, nekuti tiri vazhinji.” 10  Uye akaramba achiteterera Jesu kuti arege kudzinga mweya yacho munyika iyoyo.+ 11  Pakanga paine nguruve+ dzakawanda dzaifudzwa mugomo.+ 12  Saka mweya yacho yakamuteterera ichiti: “Titumirei munguruve, tipinde zvedu madziri.” 13  Iye akaibvumira. Saka mweya isina kuchena yakabuda, ikapinda munguruve, uye dzakamhanya nepamawere dzikapinda mugungwa, nguruve dzingasvika 2 000 dzikanyura mugungwa. 14  Asi vafudzi vadzo vakatiza, vakanozvitaura muguta nemumamisha, uye vanhu vakauya kuzoona zvakanga zvaitika.+ 15  Saka vakauya kuna Jesu, vakaona murume uya wemadhimoni, uya aimbova nemadhimoni akawanda,* akagara akapfeka, ava munhu kwaye, uye vakatya. 16  Uyewo, vaya vakanga vazviona vakavatsanangurira zvakanga zvaitika kumurume aiva nemadhimoni nekunguruve. 17  Saka vakatanga kuteterera Jesu kuti abve munharaunda yavo.+ 18  Paakanga ava kukwira chikepe, murume uya aimbova nemadhimoni akamuteterera kuti aende naye.+ 19  Asi akaramba kuenda naye, akati kwaari: “Enda kumba kuhama dzako, unovaudza zvese zvawaitirwa naJehovha* netsitsi dzawanzwirwa.” 20  Murume uyu akaenda akatanga kuzivisa muDhekaporisi* zvese zvaakanga aitirwa naJesu, uye vanhu vese vakashamiswa nazvo. 21  Pashure pekunge Jesu ayambuka nechikepe ava kumhiri, vanhu vazhinji vakamuunganira, uye akanga ari pedyo negungwa.+ 22  Mumwe wevakuru vaitungamirira sinagogi, ainzi Jairosi, akasvika, uye paakamuona, akawira patsoka dzake.+ 23  Akamuteterera kakawanda achiti: “Mwanasikana wangu arwarisa.* Mungauyawo here mukaisa maoko enyu paari+ kuti apore, ararame.” 24  Jesu akabva aenda naye, uye vanhu vakawanda vakanga vachimutevera, vachisundidzirana paari. 25  Paiva nemukadzi akanga ava nemakore 12+ achibuda ropa.+ 26  Akanga arwadziswa zvikuru navanachiremba vakawanda uye akanga apedza pfuma yake yese, pasina zvazvakabatsira, zvichitowedzera. 27  Paakanzwa zvaitaurwa nezvaJesu, akauya nechekumashure kwevanhu, akabata nguo yake yekunze,+ 28  nekuti aingoti: “Kana ndikangobata nguo yake yekunze chete, ndichapora.”+ 29  Pakarepo ropa rake raibuda rakabva rangooma, akanzwa mumuviri make kuti akanga aporeswa chirwere chinotambudza. 30  Jesu akabva angoziva pakarepo kuti simba+ rakanga rabuda maari, ndokutendeuka ari pakati pevanhu, akabvunza kuti: “Ndiani abata nguo yangu yekunze?”+ 31  Asi vadzidzi vake vakati kwaari: “Seiko muri kuti, ‘Ndiani andibata?’ ivo vanhu vari kusundidzirana kudai pamuri?” 32  Asi iye akanga achitarisa-tarisa kuti aone kuti ndiani akanga azviita. 33  Mukadzi wacho, achitya uye achidedera, achiziva zvakanga zvaitika kwaari, akauya, akazviwisira pamberi pake, akamuudza zvese zvakanga zvaitika. 34  Akati kwaari: “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda zvako nerugare,+ upore pachirwere chako chinotambudza.”+ 35  Achiri kutaura kudaro, vamwe varume vakasvika vachibva kumba kwemukuru aitungamirira sinagogi vachiti: “Mwanasikana wenyu afa! Muchiri kunetserei zvenyu Mudzidzisi?”+ 36  Asi Jesu akanzwa zvavaitaura uye akati kumukuru aitungamirira sinagogi: “Usatya, ingotenda chete.”+ 37  Hapana vamwe vanhu vaakabvumira kuti vaende naye kunze kwaPetro, Jakobho, naJohani munin’ina waJakobho.+ 38  Saka vakasvika pamba pemukuru aitungamirira sinagogi, uye akaona riri zhowezhowe, vanhu vachichema uye vachiridza mhere.+ 39  Paakapinda, akati kwavari: “Muri kuchemeiko muchiita ruzha rwakadai? Mwana haana kufa uyu, asi akarara.”+ 40  Vakabva vatanga kumuseka zvekutsvinya. Asi akavabudisa vese, ndokutora baba naamai vemwana wacho nevaya vaaiva navo, akapinda makanga muine mwana wacho. 41  Akabva abata ruoko rwemwana wacho, akati kwaari: “Tarita kumi,” izvo zvinoreva kuti: “Kasikana, ndinoti kwauri, muka!”+ 42  Uye musikana wacho akabva angomuka pakarepo, akatanga kufamba. (Aiva nemakore 12.) Vachingozviona vakafara zvekuti vakanga vasingachabatiki. 43  Asi akavarayira zvakasimba kuti vasaudza mumwe munhu,+ uye akati vamupe chekudya.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “kumakuva evanoyeukwa.”
Kana kuti “nerigiyoni.”
Kana kuti “muNharaunda Yemaguta Gumi.”
Kana kuti “ava kuda kufa.”