Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Chii chakaita kuti zviomere Herodhi kuvakazve temberi muJerusarema?

Soromoni akanga avaka temberi muJerusarema pagomo uye akavakawo madziro kumabvazuva nekumadokero kwegomo racho, ekutsigira ivhu kuti risawondomoke, zvichiita kuti pave nechivanze chakapoteredza temberi. Herodhi aida kuti pave netemberi yainge yakanaka kupfuura yakanga yavakwa naSoromoni. Saka akaronga kuchinja zvimwe zvinhu pairi uye kuwedzera ukuru hwayo.

Mainjiniya aHerodhi akashanda pakuwedzera ukuru hwechivanze chaiva kuchamhembe kwetemberi. Nechokumaodzanyemba vakachiwedzera nemamita 32. Kuti vaite izvi, vakaita zvivako pasi pevhu zvakatevedzana zvaiva nedenga rakati sandara, uye vakavakawo madziro ekutsigira ivhu kuti risawondomoke. Pamwe pacho madziro aya akanga akakwirira nemamita 50.

Herodhi haana kuda kugumbura vaJudha kana kuvhiringidza basa raiitwa patemberi nezvibayiro zvaipiwa ipapo. Josephus, munyori wezvakaitika kare wechiJudha, akanyora kuti Herodhi akatodzidzisa vaJudha vaiva vapristi basa rekuveza nerekucheka matombo ekuvakisa kuti pasave nemunhu asingabvumirwi aizopinda munzvimbo tsvene achiita basa.

Herodhi akafa temberi yacho isati yapera. Pakazosvika gore ra30 C.E., yakanga yava nemakore 46 ichivakwa. (Johani 2:20) Yakazopedziswa nemuzukuru waHerodhi, ainzi Agripa II, mumakore ekuma60 C.E.

Sei vanhu vokuMarita vakafunga kuti muapostora Pauro aiva mhondi?

Mwarikadzi anotonga zvakanaka (kuruboshwe) achirova mwarikadzi asingatonge zvakanaka

Dzidziso dzechitendero chevaGiriki ndidzo dzinogona kunge dzakaita kuti vamwe vanhu vekuMarita vafunge kuti Pauro aiva mhondi. Chimbofunga zvakaitika kuna Pauro pakaparara chikepe chaainge ari pachitsuwa cheMarita, izvo zvakanyorwa mubhuku raMabasa. Muapostora iyeye paakaisa svinga retsotso pamoto wakanga wabatidzwa kuti vamwe vaaiva navo muchikepe vadziye, akarumwa nenyoka ikaramba yakanamatira paruoko rwake. Pavakaona izvi, vagari vepachitsuwa ichi vakati: “Chokwadi murume uyu imhondi, kunyange zvazvo apukunyuka mugungwa, kururamisira kwokuranga hakuna kumubvumira kuti arambe achirarama.”Mabasa 28:4.

Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kururamisira” nderekuti “di’ke.” Shoko racho ringangoreva zvaifungidzirwa kuti ndokunonzi kutonga zvakarurama. Mungano dzechiGiriki, shoko rokuti Dike raiva zita ramwarikadzi ainzi anotonga zvakarurama. Zvaifungidzirwa kuti aiongorora zvinoitwa nevanhu uye aibva amhan’ara kuna Zeusi kana pane zvakaipa zvaainge aona, kuti vane mhosva varangwe. Rimwe bhuku rinoti, vagari vekuMarita vanogona kunge vakafunga kuti: “Kunyange zvazvo Pauro apona mugungwa, acherechedzwa namwarikadzi Dike . . . zvekuti ava kumutsiva achishandisa nyoka.” Vanhu vacho vakazochinja pfungwa pavakaona kuti Pauro haana kukuvara.