Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

JW LIBRARY

Kudhaunirodha Uye Kushandisa Mabhuku​—Android

Kudhaunirodha Uye Kushandisa Mabhuku​—Android

PaJW Library pane mabhuku, matracts, nemavhidhiyo akawanda chaizvo aunogona kuzoona paunenge usiri paindaneti.

Ita zvinotevera kuti udhaunirodhe kana kushandisa mabhuku ari paJW Library:

 Dhaunirodha Bhuku

Unogona kudhaunirodha mabhuku akawanda ekuti uzoverenge kana kudzidza paunenge usiri paindaneti.

  • Tsvaira uchibva kuruboshwe, wobaya pakanzi Publications kuti uone mabhuku ose.

  • Baya panobudisa mitauro yakasiyana-siyana kuti uone mabhuku aripo. Sarudza mutauro waunoda. Mitauro yaunowanzoshandisa ndiyo inenge iri nechepamusoro. Unogonawo kuita zvekutaipa mutauro wacho waunenge uchida.

Pane nzira dzakati kuti dzekutsvaga nadzo mabhuku paJW Library.

Pakanzi By Type panokubudisira zvinhu zvakarongeka, semuenzaniso mabhuku, matracts, kana kuti mavhidhiyo. Panenge painewo zvimwe zvakadai semagazini eNharireyomurindi anenge akarongwa maererano negore uyewo mavhidhiyo. Baya pakanzi All Types kuti udzoke pamusoro.

Pakanzi What’s New panenge paine zvinhu zvinenge zvichangobva kubuda mumutauro waunenge uchishandisa paApp yacho.

Mabhuku aunenge usati wadhaunirodha anenge aine kamufananidzo kegore. Baya bhuku racho kuti uridhaunirodhe. Kana waridhaunirodha, kamufananidzo kegore kanobva kanyangarika. Baya bhuku racho zvakare kuti uriverenge.

Pakanzi Downloaded panenge paine mabhuku ose aunenge wakadhaunirodha. Unogona kusarudza kuti woaronga sei, Frequently Used here, Rarely Used here, kana kuti Largest Size.

 Bvisa Bhuku

Unogona kubvisa bhuku kana kuti vhidhiyo kana usisaidi.

Unoenda pane chacho chauda kubvisa, wobaya kabhatani kane madot, wobva wabaya Delete.

Kana uchida kuti tablet rako rive nenzvimbo, unogona kubvisa zvinyorwa kana mavhidhiyo akakura kana kuti ausingawanzoshandisa. Enda pakanzi Downloaded; wobaya pakanzi Rarely Used kana kuti Largest Size.

 Kuti Uwane Zvitsva Zviripo

Pano neapo, rimwe bhuku raunaro rinogona kugadziridzwa.

Bhuku racho rinenge riine tumaarrow. Paunoribaya, panobva pabuda mashoko anokuratidza kuti pane zvakagadziridzwa. Baya pakanzi Download kuti rigadziridzwe, kana kuti pakanzi Later kana uchida kuti rirambe rakadaro.

Kana uchida kuona kana paine mabhuku akagadziridzwa, tsvaira uchibva kuruboshwe, wobaya pakanzi Publications. Kana paine zvinenge zvakagadziridzwa, panobuda chikamu chakanzi Pending Updates. Baya ipapo kuti uone mabhuku ose akagadziridzwa. Baya bhuku racho kuti rigadziridzwe kana kuti baya kaarrow kanenge kari nechepamusoro kuti ose abva agadziridzwa.

Zvinhu izvi zvakatanga kushanda muna February 2015 paJW Library 1.4, iyo inoshanda paAndroid 2.3 zvichikwira. Kana usiri kuzviona, ona mirayiridzo iri papeji rakanzi “Tanga Kushandisa JW Library​—Android,” pasi pemusoro wakanzi Kuti Uwane Zvitsva Zviripo.