Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

JW LIBRARY

Tsvaga Zvauri Kuda muBhaibheri Kana Kuti Mune Rimwe Bhuku​—Android

Tsvaga Zvauri Kuda muBhaibheri Kana Kuti Mune Rimwe Bhuku​—Android

JW Library inoita kuti ukwanise kutsvaga mashoko ari muBhaibheri kana kuti mune rimwewo bhuku.

Mirayiridzo inotevera ichakubatsira:

 Kutsvaga muBhaibheri

Unogona kutsvaga mashoko muBhaibheri raunenge uchiverenga.

Paunenge wakavhura Bhaibheri, baya bhatani riri kuratidzwa pano, wonyora mashoko auri kutsvaga. Paunenge uchinyora, panobva mashoko anoda kuti fananei nezvauri kunyora. Baya shoko rauri kuda kana kuti baya Enter kuti uwane zvauri kutsvaga.

Pakanzi Top Verses panobudisa mavhesi anowanzoshandiswa ane mashoko awanyora. Pakanzi All Verses panobudisa mavhesi ose ane mashoko awanyora akarongwa kubva kuna Genesisi zvichingoenda zvakadaro. Pakanzi Articles panoratidza nyaya dzose dzine nemashoko awanyora dziri kwekutanga kweBhaibheri uyewo kumaappendix.

Kana wanyora mashoko akati kuti, baya kabhokisi kakanzi Match Exact Phrase kuti uone pari kuwanika mashoko acho sezvaari.

 Kutsvaga Mubhuku

Unogonawo kutsvaga mashoko auri kuda mubhuku raunenge uchiverenga.

Paunenge wakavhura bhuku racho, baya bhatani reSearch, wonyora mashoko auri kutsvaga. Paunenge uchitaipa, panobva mashoko anoda kuti fananei nezvauri kunyora anokubatsira kuwana zvauri kuda. Baya shoko rauri kuda kana kuti baya Enter kuti uwane zvacho zvauri kutsvaga.

Kana wanyora mashoko akati kuti, baya kabox kakanzi Match Exact Phrase kuti uone pari kuwanika mashoko acho sezvaari.

 Kutsvaga Musoro Wenyaya

Kana wakatodhaunirodha bhuku raInsight, unogona kutsvaga chero nyaya yawada iri mubhuku iri. Unokwanisa kuita izvi kunyange paunenge uchiverenga Bhaibheri kana kuti chero rimwe bhuku riri paapp iyi.

Baya bhatani riri kuratidzwa pano, wonyora zvauri kutsvaga. Paunenge uchinyora, panobva zvinhu zvinoenderana nezvauri kunyora zvinowanika mubhuku raInsight. Chibaya mashoko acho kuti uvhure nyaya yacho.

Zvinhu izvi zvakatanga kushanda muna October 2014 paJW Library 1.3.4, inoshanda paAndroid 2.3 zvichikwira. Kana usiri kuzviona, ona mirayiridzo iri papeji rakanzi “Tanga Kushandisa JW Library​—Android,” pasi pemusoro wakanzi Kuti Uwane Zvitsva Zviripo.