Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

JW LIBRARY

Kudhaunirodha Uye Kushandisa Mabhuku​—iOS

Kudhaunirodha Uye Kushandisa Mabhuku​—iOS

PaJW Library pane mabhuku, matracts, nemavhidhiyo akawanda chaizvo aunogona kuzoona paunenge usiri paindaneti.

Ita izvi pasi apa kuti ukwanise kudhaunirodha uye kushandisa mabhuku:

 Kudhaunirodha Bhuku

Unogona kudhaunirodha mabhuku akawanda ekuti uzoverenge kana kudzidza paunenge usiri paindaneti.

  • Baya pakanzi Publications kuti uone mabhuku ose.

  • Baya kabhatani kemitauro kuti uone mitauro inowanika mabhuku akasiyana-siyana. Mitauro yaunowanzoshandisa ndiyo inenge iri nechepamusoro. Unogonawo kuita zvekutaipa mutauro wacho waunenge uchida.

Pane nzira dzakati kuti dzekutsvaga nadzo mabhuku paJW Library.

Pakanzi By Type panokubudisira zvinhu zvakadai semabhuku, matracts, kana kuti mavhidhiyo. Panenge painewo zvimwe zvakadai, semagazini eNharireyomurindi anenge akarongwa maererano negore uye mavhidhiyo. Baya pakanzi All Types kuti udzoke pamusoro.

Pakanzi What’s New panenge paine zvinhu zvinenge zvichangobva kubuda mumutauro waunenge uchishandisa paApp yacho.

Zvinhu zvaunenge usati wadhaunirodha zvinenge zviine kapikicha kegore. Baya bhuku raunoda kudhaunirodha. Kana waridhaunirodha, kapikicha kegore kanobva kanyangarika. Baya bhuku racho zvakare kuti uriverenge.

Pakanzi Downloaded panenge paine mabhuku ose aunenge wakadhaunirodha. Unogona kusarudza kuti woaronga sei, neTitle here, Frequently Used here, Rarely Used here, kana kuti Largest Size.

 Kubvisa Bhuku Mufoni Kana Tablet

Unogona kubvisa bhuku kana kuti vhidhiyo kana usisaidi.

Baya pakanzi Publications, wobva wabaya chacho chaunoda kubvisa (semuenzaniso, pakanzi Books) panokuratidza mabhuku. Baya pakanzi Select, wadaro wobaya bhuku kana vhidhiyo yacho. Unogonawo kuramba wakabaya chaunoda kubvisa chacho.Baya Delete, wobva wabvuma kuti uri kuda kubvisa bhuku racho.

Kana uchida kuti tablet rako rive nenzvimbo, unogona kubvisa mabhuku kana mavhidhiyo akakura kana kuti ausingawanzoshandisa. Baya pakanzi Publications, woenda pakanzi Downloaded, wozobaya pakanzi Rarely Used kana kuti Largest Size, wobva wabvisa zvacho zvaunenge usisadi.

 Kuwana Zvinenge Zvagadziridzwa Mubhuku

Pano neapo, rimwe bhuku raunaro rinogona kugadziridzwa.

Bhuku racho rinenge riine tumaarrow twakadai. Paunoribaya, panobva pabuda mashoko anokuratidza kuti pane zvakagadziridzwa. Baya pakanzi Download kuti rigadziridzwe, kana kuti pakanzi Later kana uchida kuti rirambe rakadaro.

Kana uchida kuona kana paine mabhuku akagadziridzwa, baya pakanzi Publications. Kana paine zvinenge zvakagadziridzwa, panobuda chikamu chakanzi Pending Updates. Baya ipapo kuti uone mabhuku ose akagadziridzwa. Baya bhuku racho kuti rigadziridzwe, kana kuti baya pakanzi Update all kuti mabhuku ose abva agadziridzwa.

Izvi zvakatanga kushanda muna February 2015 paJW Library 1.4, pamidziyo inoshanda neiOS 6.0 zvichikwira. Kana foni yako kana tablet isiri kubudisa izvi, ita zviri munyaya yakanzi “Tanga Kushandisa JW Library​—iOS,” pasi pemusoro wakanzi Wana Zvitsva Zviripo.