Enda pane zvauri kuda

Nei Zvapupu zvaJehovha Zvisingaiti Zvematongerwo Enyika?

Nei Zvapupu zvaJehovha Zvisingaiti Zvematongerwo Enyika?

 Chinoita kuti tidaro ndechokuti tinotevedzera zvinodzidziswa neBhaibheri. Hatiudzi hurumende zvokuita uye hatina bato ratinovhotera, hatikwikwidzi musarudzo, kana kuita zvinhu zvokuda kuchinja hurumende. Tine zvikonzero zvakasimba zvinobva muBhaibheri zvinoita kuti tisapindire mune zvenyika.

  •   Tinotevedzera zvakaitwa naJesu uyo akaramba kupiwa chinzvimbo mune zvenyika. (Johani 6:15) Akadzidzisa vadzidzi vake kuti ‘vasave venyika’ uye akavatsanangurira kuti vasave nedivi ravanotsigira.​—Johani 17:14, 16; 18:36; Mako 12:13-17.

  •   Tinotsigira Umambo hwaMwari hwairehwa naJesu paakati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa.” (Mateu 24:14) Sevamiririri voUmambo hwaMwari vakapiwa basa rokuzivisa nezvokuuya kwahwo, hatipindiri mune zvenyika.​—2 VaKorinde 5:20; VaEfeso 6:20.

  •   Kusava nebato ratinotsigira kunoita kuti tisununguke kuudza vanhu nezvoUmambo hwaMwari pasinei nokuti ndevebato ripi. Zvatinotaura uye zvatinoita zvinoratidza kuti tinoziva kuti Umambo hwaMwari ndihwo huchagadzirisa matambudziko ari panyika.​—Pisarema 56:11.

  •   Kusapindira kwedu mune zvenyika kunoita kuti tive sangano rakabatana pasinei nokuti vamwe havasi vorudzi rwedu. (VaKorose 3:14; 1 Petro 2:17) Asi mamwe machechi anopinda mune zvenyika uye izvozvo zvinoita kuti vanhu vari mumachechi iwayo vasabatane.​—1 VaKorinde 1:10.

 Kuremekedza hurumende. Kunyange zvazvo tisingapindiri mune zvenyika tinoremekedza hurumende dzinenge dziripo. Izvi zvinoenderana nezvinorayirwa muBhaibheri kuti: ‘Munhu wose ngaazviise pasi pevanhu vane masimba makuru.’ (VaRoma 13:1) Tinoteerera mutemo, tinobhadhara mitero, uye tinoteerera zvatinonzi tiite nehurumende pakuita kuti vanhu vagare zvakanaka. Hatipikisi hurumende asi tinoteerera zano riri muBhaibheri rokuti tinyengeterere “madzimambo nevaya vose vane nzvimbo dzepamusoro,” kunyanya kana vakadzika mutemo unotitadzisa kunamata takasununguka.​—1 Timoti 2:1, 2.

 Tinoremekedzawo kodzero dzevamwe dzokusarudza zvavanoda munyaya dzezvematongerwo enyika. Saka hativhiringidzi vanhu panguva dzokuvhota uye hativaudzi zvokuita.

 Takazotanga kusapindira mune zvematongerwo enyika iye zvino here? Aiwa. Vaapostora nevaKristu vepakutanga-tanga vaisapindirawo mune zvenyika. Bhuku rinonzi Beyond Good Intentions rinoti: “Kunyange zvazvo vaKristu vepakutanga-tanga vaiziva kuti vaifanira kuremekedza hurumende, vaisapindira mune zvenyika.” Rimwe bhuku zvakare rinonzi On the Road to Civilization rinotaurawo zvakafanana richiti vaKristu vokutanga-tanga “havana kuva nezvinzvimbo muhurumende.”

 Kusapindira kwedu mune zvenyika kunoreva here kuti tine mwoyo wokuda kuzopandukira? Aiwa. Tinoda rugare uye hurumende hadzifaniri kutitya. Muna 2001 Sangano reNational Academy of Sciences of Ukraine rakabudisa mashoko nezvokusapindira kwedu mune zvematongerwo enyika richiti: “Vamwe vanovenga maitiro aya eZvapupu zvaJehovha; uye kusapindira kwavo mune zvenyika ndiko kwakaita kuti hurumende yeNazi neyeCommunist igume yava kusunga Zvapupu.” Asi kunyangewo pasi poudzvinyiriri hweSoviet, Zvapupu zvakaramba zvichiteerera mitemo yehurumende. Pavaishanda mumapurazi nemaindasitiri ehurumende vaishanda nomwoyo wose vasingaiti zvechitsotsi uye havana kumboda kupandukira hurumende yacho yeCommunist.” Sangano rambotaurwa rakapedzisa nemashoko okuti dzidziso uye maitiro eZvapupu zvaJehovha “haasi okupandukira hurumende chero ipi zvayo” uye ndozvazvichiri nanhasi.