Tsamba Yekutanga yaPetro 2:1-25

  • Nzara yeshoko (1-3)

  • Matombo mapenyu anovakwa kuita imba yemweya (4-10)

  • Kugara munyika sevatorwa (11, 12)

  • Kuzviisa pasi (13-25)

    • Kristu akatisiyira muenzaniso (21)

2  Saka regai zvakaipa+ zvese nemanomano ese neunyengeri neshanje nekunyeya kwese.  Sevacheche vachangobva kuberekwa,+ ivai nenzara yemukaka* usina kushatiswa* weshoko, kuti ukukudzei kusvika maponeswa,+  chero bedzi maravira* kuti Ishe ane mutsa.  Pamuri kuuya kwaari, iye dombo benyu rakarambwa nevanhu,+ asi rakasarudzwa, uye rinokosha kuna Mwari,+  imi vacho, sezvo muri matombo mapenyu, muri kuvakwa kuti muve imba yemweya,+ mova vapristi vatsvene, kuti mupe zvibayiro zvemweya+ zvinogamuchirwa naMwari, kuburikidza naJesu Kristu.+  Nekuti Rugwaro runoti: “Onai! Ndiri kuisa muZiyoni dombo rakasarudzwa, dombo rinokosha repakona refaundesheni, uye hapana munhu anotenda mariri achaodzwa mwoyo.”*+  Saka kwamuri anokosha nekuti muri vatendi; asi kune vaya vasingatendi, “dombo rakarambwa nevavaki+ ndiro razova dombo guru repakona”*+  uye “dombo rekugumbura nedombo remhosva.”+ Vari kugumburwa nekuti havateereri shoko. Izvi ndizvo zvavakatemerwa.  Asi imi muri “rudzi rwakasarudzwa, vapristi uye madzimambo, rudzi rutsvene,+ vanhu vake vaanokoshesa,+ kuti muzivise kwese kwese kunaka kukuru”*+ kwaiye akakudanai kubva murima, akakupinzai muchiedza chake chinoshamisa.+ 10  Nekuti makanga musiri rudzi, asi iye zvino mava vanhu vaMwari;+ maimbova vanhu vasina kunzwirwa tsitsi, asi iye zvino makanzwirwa tsitsi.+ 11  Vadiwa, ndinokukurudzirai kuti imi sevatorwa uye sevagari vari kupfuura+ murambe muchirega zvido zvenyama,+ izvo zviri kurwisana nemi.*+ 12  Rambai muchiita zvakanaka pakati pemarudzi,+ kuti pavanokupomerai kuti munoita zvakaipa, vaone mabasa enyu akanaka+ vokudza Mwari pazuva rake rekuongorora. 13  Zviisei pasi peutungamiriri hwese hunogadzwa nevanhu,+ muchiitira Ishe, angava mambo+ uyo ane simba pamuri 14  kana magavhuna aanotuma kuti arange vanoita zvakaipa uye kuti arumbidze vanoita zvakanaka.+ 15  Nekuti Mwari anoda kuti zvakanaka zvamunoita zvivhare miromo yevaya vasingafungi vanotaura zvisizvo.+ 16  Muri vanhu vakasununguka,+ asi shandisai rusununguko rwenyu sevaranda vaMwari,+ kwete sechinhu chekuhwanda nacho pakuita zvakaipa.+ 17  Kudzai vanhu vese,+ idai sangano rese rehama,+ ityai Mwari,+ kudzai mambo.+ 18  Vashandi ngavazviise pasi pavanatenzi vavo vachiratidza kuti vanovatya sezvavanofanira kuita,+ vasingadaro kune vakanaka nevanonzwisisa chete, asiwo kune vaya vakaoma kufadza. 19  Nekuti kana munhu achitsungirira matambudziko* uye achirwadziswa pasina mhosva yaaita, achizviitira hana yake kuna Mwari, izvozvo zvinofadza.+ 20  Nekuti zvinobatsirei kana mukatsungirira kurohwa nekuti munenge matadza?+ Asi kana mukatsungirira matambudziko nekuti munenge maita zvakanaka, izvozvo zvinofadza Mwari.+ 21  Makatodanirwa izvozvo, nekuti Kristu pachake akakutambudzikirai,+ achikusiyirai muenzaniso kuti mufambe muchitevera maakatsika namo.+ 22  Haana kuita chivi,+ uye haana kumbotaura mashoko eunyengeri.+ 23  Paaitukwa+ haana kutukawo.+ Paaitambura+ haana kutyisidzira, asi iye akazviisa mumaoko euya anotonga+ zvakarurama. 24  Iye akatakura zvivi zvedu+ mumuviri wake padanda,*+ kuti tisunungurwe pazvivi,* toraramira kururama. Uye “maronda ake akaita kuti muporeswe.”+ 25  Nekuti makanga makaita semakwai akarasika,+ asi iye zvino madzoka kumufudzi+ nemutariri wemweya yenyu.*

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “pangai mukaka.”
Kana kuti “wakachena.”
Kana kuti “maona.”
ChiGir., “achanyadziswa.”
ChiGir., “musoro wekona.”
Kureva, zvakanaka zvaari nemabasa ake akanaka.
Kana kuti “nemweya yenyu.”
Kana kuti “zvinhu zvinoshungurudza; marwadzo.”
Kana kuti “pamuti.”
Kana kuti “tife pazvivi.”
Kana kuti “weupenyu hwenyu.”