Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Johani 14:6—“Ndini Nzira Nechokwadi Neupenyu”

Johani 14:6—“Ndini Nzira Nechokwadi Neupenyu”

 “Jesu akati kwaari: ‘Ndini nzira nechokwadi neupenyu. Hapana anouya kuna Baba asina kusvika nekwandiri.’”—Johani 14:6, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

 “Jesu akapindura kuti, ‘Ndini nzira, nechokwadi, noupenyu; hapana munhu anouya kuna baba, asi nokwandiri.’”—Johani 14:6, The Bible in Union Shona Version.

Zvinorehwa naJohani 14:6

 Munhu anoda kunamata Baba, Jehovha a Mwari, anofanira kuziva basa rinokosha rina Jesu.

 “Ndini nzira.” Jesu ndiye “nzira” kana tichida kuti Mwari agamuchire kunamata kwedu. Semuenzaniso, vese vanonyengetera kuna Mwari vanofanira kuzviita nemuzita raJesu. (Johani 16:23, 24) Kufa kwaJesu kunoita kuti vanhu vakwanise kuyananiswa naMwari, kana kuti vafarirwe naye zvakare. (VaRoma 5:8-11) Jesu akaratidzawo muenzaniso wezvinofanira kuitwa nevaya vanoda kufadza Mwari.—Johani 13:15.

 ‘Ndini chokwadi.’ Jesu aigara achitaura chokwadi uye airarama zvinoenderana nechokwadi ichocho. (1 Petro 2:22) Kana munhu akamuteerera, anogona kudzidza chokwadi nezvaMwari. (Johani 8:31, 32) Jesu aivawo ‘chokwadi’ pakuti akazadzisa uprofita hweBhaibheri. Akaita kuti zvakavimbiswa naMwari zvizadzike.—Johani 1:17; 2 VaKorinde 1:19, 20; VaKorose 2:16, 17.

 ‘Ndini upenyu.’ Jesu akapa upenyu hwake kuitira kuti vaya vanotenda maari vakwanise kuwana upenyu husingaperi. (Johani 3:16, 36) Ndiye zvakare ‘upenyu’ kune vaya vakafa, nekuti achavamutsa.—Johani 5:28, 29; 11:25.

 “Hapana anouya kuna Baba asina kusvika nekwandiri.” Vaya vanoda kuva neushamwari naMwari vanofanira kubvuma basa rinokosha raJesu. Vanoita izvozvo nekunyengetera kuna Mwari nemuzita raJesu kuratidza kuti vanoziva chinzvimbo chinokosha chaJesu Kristu. (Johani 15:16) Vanobvumawo kuti Jesu chete ndiye anoita kuti vanhu vakwanise kuwana ruponeso.—Mabasa 4:12; VaFiripi 2:8-11.

Mashoko akapoteredza Johani 14:6

 Zvitsauko 13 kusvika ku17 zvaJohani zvine mashoko aJesu ekuonekana nevaapostora vake 11 vakatendeka pausiku hwekupedzisira asati afa. Muchitsauko 14, Jesu akakurudzira vadzidzi vake kuti vatende maari uye muna Baba vake uye kuti vamude nekumuteerera. Akavaudzawo kuti vade Jehovha uye vamuteerere. (Johani 14:1, 12, 15-17, 21, 23, 24) Jesu akaratidza ushamwari hwepedyo hwaaiva nahwo naBaba vake uye hwaachiri nahwo nanhasi. (Johani 14:10, 20, 28, 31) Kunyange zvazvo akanga ava pedyo kudzokera kudenga, Jesu akavimbisa vadzidzi vake kuti aisazovasiya. (Johani 14:18) Akavavimbisawo kuti aizovapa “mubatsiri” uye akatsanangura kuti mubatsiri uyu “mweya mutsvene uchatumirwa naBaba muzita rangu.” (Johani 14:25-27) Zvese zvaiitwa naJesu izvi, zvaibatsira vateveri vake kuti vagadzirire matambudziko avaizotarisana nawo.